bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 24
Deuteronomy 24
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 25 →
1
“Zvingaitike kuti murume oroora mukadzi ozowana chinhu chisingamufadzi maari nokuti anenge aona chinhu chisina kufanira maari, obva omupa mumaoko tsamba yegupuro achimudzinga pamba pake,
2
kana akabvapo ondoroorwa nomumwe murume,
3
murume iyeyo akasafadzwawo naye akamupawo mumaoko tsamba yegupuro achibva amudzinga pamba pake, kana kuti murume wacho ofa,
4
pakadaro murume wake uya akatanga kumuramba haabvumirwi kudzokerana nomukadzi iyeyo anenge ambon'oreswa kudaro nokuti kudzokerana kwakadai marutsi chaiwo pana Tenzi. Usamboparamurana nechitadzo chakadai chinosvibisa nyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako.
5
“Kana murume apiwa mukadzi waachangobva mukuroora ngaarege kuenda kuhondo, kana kupiwa mutoro webasa renyika yake rinofanira kuitwa. Ngaagare zvake pamusha kwegore rose achivaraidzana nomudzimai waakaroora.
6
“Kana ukakweretesa munhu usambofanomubatira guyo, kana huyo yake kuti azokudzosera nokuti unenge wamutorera chinomuraramisa.
7
“Kana munhu akawanikidzwa achiba mumwe wake wechiIsiraeri, achimuita muranda wake kana kumutengesa, nyakuba munhu ngaaurayiwe. Naizvozvo muchabvisa huipi hwakadai pakati penyu.
8
“Kana chirwere chamapere chabata munhu, nyatsoitai nomazvo zvose zvamunodzidziswa navapristi vechiRevhi zvandakavataurira mobva manyatsozviita.
9
Yeuka zvakaitwa naTenzi Mwari wenyu kuna Miriamu pamaiva murwendo muchibva kuIjipiti.
10
“Paunokweretesa mumwe wako chero chinhu chipi zvacho usapinde mumba make kundotora chinhu chokumbofanobata.
11
Asi mira panze munhu waunokweretesa abude nacho kuzokupirapo.
12
Kana ari murombo usarare usina kumudzosera chinhu chake.
13
Mudzosere chinhu chake kana zuva rodoka kuti awane chokurara akafuka agokutenda iwewe unenge watoita zvakarurama kuna Tenzi Mwari wako.
14
“Usabate zvakaipa mushandi murombo asina chokubata angave mumwe wako muIsiraeri, kana vatorwa vari mumaguta enyu munyika yenyu.
15
Mubhadhare basa raaita pazuva iroro kusati kwadoka nokuti murombo, uye ndopanenge pane mwoyo wake ipapo. Angadaro akachema newe kuna Tenzi chikazova chitadzo kwauri.
16
“Madzibaba haafanire kuurayirwa mhosva dzavana vavo. Vana havafanirewo kuurayirwa mhosva dzamadzibaba avo. Munhu pachake anofira mhosva yake iye pachake.
17
“Rega kuti kana wotonga mutorwa kana nherera, wosiya zviri pamutemo. Kana ukakweretesa chirikadzi, rega kuitorera hanzu yayo yokumbofanobata.
18
Unofanira kurangarira kuti wakambova muranda muIjipiti, Tenzi Mwari wako akazokununurako ndokusaka ndakupa murao uyu.
19
“Paunokohwa mbesa mumunda wako, ukakanganwa chisumbu chadzo usadzokere kundochitora. Ngachisarire vatorwa nenherera nechirikadzi kuitira kuti Tenzi Mwari wako akukomborere pane zvaunoita.
20
Paunokuzhumura michero yako yamaorivhi usaudzokerere mapazi awo zvakare. Ngaisarire vatorwa nenherera nechirikadzi.
21
Paunokohwa magirepisi mumunda wako wamagirepisi usaudzokerere uchifuhwa.
22
Ngaasarire vatorwa nenherera nechirikadzi. Rangarira kuti wakambova muranda muIjipiti ndokusaka ndakupa murao uyu.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34