bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 5
Deuteronomy 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 6 →
1
Mosesi akaunganidza vaIsiraeri vose akati kwavari, “Teererai munzwe imi vaIsiraeri mitemo nemirao yandava kutaura nhasi muchinzwa. Idzidzei munyatsoichengeta.
2
Tenzi Mwari wedu akaita chitenderano nesu pagomo reHorebhu.
3
Tenzi haana kuita chitenderano ichi namadzibaba edu chete, asi nesu tose iyesu vapenyu kudai ipo pano nhasi.
4
Tenzi akataura nemi makatarisana naye uso nouso pagomo riya, iye ari mukati memoto.
5
Panguva iyoyo ini ndaiva munyai pakati penyu naTenzi, ndichikuzivisai shoko raTenzi nokuti imi maitya. Maitya nokuda kwemoto, saka musina kukwira mugomo. “Tenzi akati,
6
‘Ndini Tenzi Mwari wenyu. Ndakakubudisai munyika yeIjipiti kwamaiva muuranda.’
7
“Usave navamwe vamwari kunze kwangu.
8
Usazvigadzirire chifananidzo chokunamata chokuveza, kana kuita chinhu chakafanana nechii zvacho chiri kumusoro kudenga, kana chiri panyika pasi pano, kana chiri mumvura pasi pasi penyika.
9
Usapfugamire zvifananidzo izvozvo kana kuzvinamata nokuti ini Tenzi Mwari wako ndiri Mwari aneshanje. Ndinoranga vose vanondivenga, shamhu yangu ichirova vana vavo, ndichivarangira zvitadzo zvamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina.
10
Asi ndinogara ndichiitira mwoyochena zviuru nezviuru zvavanhu vanondida vanochengeta mitemo yangu.
11
“Usataure zita raTenzi Mwari wako zvisina maturo nokuti Tenzi haangaregi kupa mhosva munhu anotaura zita rake zvisina maturo.
12
“Chengeta zuva reSabata urierese sokuudzwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako.
13
Kwamazuva matanhatu, shanda zvako uite basa rako rose.
14
Asi zuva rechinomwe iSabata raTenzi Mwari wako. Pazuva iroro usaite basa, iwe kana mwana wako mukomana, kana musikana, kunyange munhu anokushandira, murume kana mukadzi, kana nzombe yako, kana dhongi rako, kana chipfuwo chako chipi nechipi zvacho, kunyange muuyi agere nemi kuitira kuti munhu anokushandira murume kana mukadzi azororewo sewe.
15
Rangarira kuti iwe waiva muranda munyika yeIjipiti, Tenzi Mwari wako akakubudisamo noukuru hwake nesimba rake guru. Naizvozvo Tenzi Mwari wako akakuudza kuti uchengete Sabata.
16
“Remekedza baba vako namai vako, sezvawakaudzwa naTenzi Mwari wako, kuti mazuva ako awande zvigokunakira munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako.
17
Usauraye.
18
Usaite upombwe.
19
Usabe.
20
Usapupurire mumwe nhema.
21
Usachive mukadzi womumwe wako. Usachive imba yake, kana munda wake, kana munhu anomushandira murume kana mukadzi, kunyange nzombe yake, kana dhongi rake, kana chii zvacho chomumwe wako.”
22
Mitemo iyoyi Tenzi akaitaura nezwi rake guru kugungano renyu rose ari mukati memoto negore riya rakanga rakasviba kuti ndoo, haana kuenderera mberi. Akainyora pamafendefa maviri emabwe, akandipa.
23
“Imi pamakanzwa izwi richibva muzarima, iro gomo richinganduma moto imi navatungamiriri vamadzinza enyu navakuru vakuru venyu makauya kwandiri
24
mukati, ‘Tarisai muone kuti Tenzi Mwari wedu aratidza mbiri yake noukuru hwake. Tanzwa izwi rake richibva mukati memoto, tikabva tazvionera nhasi kuti Mwari anogona kutaura nomunhu, munhu agokwanisa kuramba ari mupenyu.
25
Zvino tofireiko? Moto mukuru iwoyu uchatiroromesa, kana tikazonzwazve izwi raTenzi Mwari wedu tinofa
26
nokuti pavanhu vose zvavo ndianiko akambonzwa izwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto sezvatakaita akaramba ari mupenyu?
27
Chiendai imi munotinzwira zvose zvinotaurwa naTenzi Mwari wedu. Zvose zvamunenge mataurirwa naTenzi Mwari wedu tiudzei, tizviteerere tigozviita.’
28
“Tenzi paakanzwa zvamakareva, akati kwandiri, ‘Zvataurwa navanhu ava ndazvinzwa. Zvavataura kwauri zvose zvakanaka,
29
dai waro vakangoramba vane mwoyo wakadaro wokundiremekedza, nokuchengeta mitemo yangu zvinhu zvose zvingavanakire ivo navana vavo narini narini!
30
Chienda undovaudza kuti vadzokere zvavo kumatendhe.
31
Asi iwe sara kuno neni. Ndichakutaurira zvirevo nemitemo nemirao yose yauchavadzidzisa kuti vandoichengeta munyika yandiri kuvapa kuti ive yavo.’
32
“Zvino chenjererai kuita zvose zvamakaudzwa naTenzi Mwari wenyu, musingatsaudzire moita zvomusoro wenyu.
33
Munofanira kutevedza zvose zvamakaudzwa naTenzi Mwari wenyu kuti murarame, zvikunakirei, mazuva enyu awande munyika iyoyo ichazova yenyu.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34