bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 31
Deuteronomy 31
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 32 →
1
Zvino Mosesi akaenderera mberi achitaura mazwi aya kuvaIsiraeri vose
2
achiti, “Pari nhasi uno, ndava namakore zana namakumi maviri okuberekwa. Handichakwanisa kumhanya-mhanya nebasa. Tenziwo akanditi, ‘Iwe hauyambuke Jorodhani iyeyu.’
3
Tenzi Mwari wenyu pachake achakutungamirirai pakuyambuka. Ndiye achakuparadzirai ndudzi idzodzi kuti muvatorere nyika yavo. Joshuwa ndiye achakutungamirirai sokutaura kwakaita Tenzi.
4
Tenzi achaita kwavari zviya zvaakaita kuna Sihoni naOgu madzimambo avaAmori nenyika yavo paakavaparadza.
5
Tenzi achavaisa mumaoko enyu, saka imi itai kwavari zvose zvandakakuudzai kuti muite.
6
Shingai, mutsunge mwoyo, murege kuvatya kana kuvadedera nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye ari kukuperekedzai, haambokufuratirai kana kukusiyai moga.”
7
Mosesi akadaidza Joshuwa pamberi pevaIsiraeri vose akamutaurira achiti, “Shinga utsunge mwoyo, nokuti ndiwe wava kuzoenda navanhu ava munyika yakatsidzirwa madzitateguru avo naTenzi kuti vapiwe. Ndiwe uchavabatsira kutora nyika kuti ive yavo.
8
Tenzi ndiye achakutungamirira, achava newe, haazokufuratira kana kukusiya woga. Usatye kana kuzeza.”
9
Mosesi akanyora mutemo uyu akaupa vapristi, vaRevhi, vaitakura bhokisi rechitenderano chaTenzi, navakuru vakuru vavaIsiraeri.
10
Mosesi akavati, “Pakupera koga koga kwamakore manomwe, panguva yakatemwa yegore rerusununguko pamazuva makuru amatumba,
11
panounganidzana vaIsiraeri vose pana Tenzi Mwari wenyu panzvimbo ichasarudzwa naTenzi, unofanira kuverengera vaIsiraeri vose mutemo uyu vachinzwa.
12
Unganidza vanhu varume navakadzi navana navatorwa vaunenge unavo mumaguta ako kuti vanzwe, vadzidze kuremekedza Tenzi Mwari wenyu, nokunyatsochengeta zvinorehwa nomutemo uyu.
13
Uyewo kuti vana vavo vasingauzivi vaunzwe, vadzidzewo kuremekedza Tenzi Mwari wenyu mazuva ose amuchagara munyika yamuri kuyambukira kundotora kuti ive yenyu kumhiri kwaJorodhani.”
14
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chitarisa uone kuti mazuva ako okuti uchifa ava kusvika. Chidaidza Joshuwa muende kutendhe rokusanganira kuti ndimuturire basa.” Mosesi naJoshuwa vakaenda kutendhe rokusanganira.
15
Ipapo Tenzi akazviratidza mushongwe yegore mutendhe iroro. Shongwe yegore iyoyo yakandomira kumusuo wetendhe.
16
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chinzwa, nguva yako yokuti uchizorora namadzibaba ako, vachakabvu, yava padyo. Asi vanhu ava vachasara vopindwa nounzenza hwokundonamata vamwe vamwari venyika dziri kwavari kundogara mukati madzo. Vachasiyana neni vachityora chitenderano changu chandakaitirana navo.
17
Pazuva iroro ndichavavirukira nehasha dzangu. Ndichavasiya ndovafuratira vagoparadzwa. Nhamo namatambudziko zvichavawira zvokuti vachati, ‘Hatina kuwirwa nenhamo idzi here pamusana pokuti Mwari wedu haachisiri pakati pedu?’
18
Asi ini pazuva iroro ndichanyatsokuvafuratira nokuda kwezvakaipa zvavanenge vaita zvokunamata vamwe vamwari.
19
“Saka zvino chinyora rwiyo urwu, urwudzidzise vaIsiraeri, rugare ruri parurimi rwavo kuti ruve chapupu changu kuvaIsiraeri ivava.
20
Ndinodaro nokuti kana ndavasvitsa munyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi yandakatsidzira madzibaba avo, vadya vakora vachapanduka votevera vamwe vamwari. Ndivo vavachashandira ini vachindishora zvavo, nokutyora chitenderano changu.
21
Kana nhamo namatambudziko zvazovamomotera, rwiyo urwu rwuchamira sechapupu changu kwavari nokuti haruzombobva parurimi rwavana vavo. Ndiri kuziva zvangu zvavari kuronga kuita, izvozvi, ndisati ndavayambutsira munyika yandakavatsidzira.”
22
Saka Mosesi akanyora rwiyo urwu pazuva rakarero akarudzidzisa vaIsiraeri.
23
Ipapo Tenzi akaudza Joshuwa mwana waNuni achiti, “Shinga utsunge mwoyo, nokuti ndiwe uchasvitsa vaIsiraeri munyika yandakavatsidzira. Ini ndichava newe.”
24
Kuzoti Mosesi anyatsopedza kunyora bumbiro rose mutemo uyu mubhuku,
25
akataurira vaRevhi vaitakura bhokisi rechitenderano chaTenzi achiti,
26
“Torai bhuku romutemo iri muriise parutivi pebhokisi rechitenderano kuti rigarepo sechapupu kwamuri.
27
Ndinodaro nokuti ndinoziva umhandupandu hwenyu, noundambakuudzwa hwenyu. Zvamakatopandukira Tenzi ndichiri mupenyu nemi kudai kokutozoti ndafa!
28
Ndiunganidzirei vakuru vakuru vose vamadzinza enyu, nemakurukota enyu kuti ndivaudze mashoko iwaya vachizvinzwira, ndiite kuti denga nenyika zvive chapupu changu kwavari.
29
Ndinozviziva ini kuti kana ndafa muchasara zvenyu moipa zvokuipa zviya, muchitsauka munzira yandakakuudzai. Asi pamazuva achauya nhamo dzichakuwirai nokuti munenge maita zvakaipa kuna Tenzi muchimushatirisa netwamunobata namaoko enyu.”
30
Mosesi akadetemba mazwi erwiyo urwu kusvikira apedza, gungano rose revaIsiraeri richizvinzwa.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34