bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 12
Deuteronomy 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 13 →
1
“Iyi ndiyo mirao nezvirevo zvamunofanira kungwarira kuchengeta, mazuva ose oupenyu hwenyu pasi pano, munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wamadzitateguru ako.
2
Ndudzi dzamuri kundotorera nyika yadzo dzine nzvimbo dzadzinonamatira vamwari vadzo dziri mumakomo marefu nomuzvikomo nomunyasi momuti wose wakasvibira mashizha. Nzvimbo idzodzo dzose dziparadzei zvokuparadza zviya.
3
Pazai atari dzavo, muputswe-putswe shongwe dzavo dzamabwe akamiswa, muroromese nomoto zvifananidzo zvakavezwa zvinomiririra mwari wavo Ashera, muteme-teme vamwari vavo vakavezwa, murovese zvachose mazita avo panzvimbo idzodzo.
4
“Zvakadaro izvozvo, musazviite kuna Tenzi Mwari wenyu.
5
Asi muchandonamata Tenzi Mwari wenyu kunzvimbo imwechete yaachasarudza pakati pamadzinza enyu ose, kuisa zita rake achiita musha wake, ndokwamuchaenda ikoko.
6
Ikoko ndiko kwamuchaunza mipiro yokupisa, nezvibayiro nemipiro yezvegumi, nezvimwe zvipo zvamunopira, nemipiro yezvamunenge makambotsidzira, nemipiro yokupa nokuda kwenyu, nemipiro yamatangwe emombe neezvimwe zvipfuwo zvenyu.
7
Ipapo pana Tenzi Mwari wenyu ndipo pamuchadyira, muchifara, imi nemhuri dzenyu pane zvose zvamunoita nesimba ramaoko enyu nokuti Tenzi Mwari wenyu akakukomborerai.
8
“Regai kuzoita maitiro atiri kuita pano aya okuti munhu anoita napaanofunga kuti ndipo pakanaka.
9
Iye zvino hamusati masvika zvenyu kwamuchanyatsogara, kunyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu.
10
Asi kana mazoyambuka Jorodhani magara munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive yenyu, akuzorodzai kuvavengi venyu vose, mava norugare,
11
munofanira kuunza zvose zvandiri kukurayirai kunzvimbo imwechete ichasarudzwa naTenzi Mwari wenyu kuisa zita rake pairi. Ndiko kwamuchaunza mipiro yokupisa nezvibayiro nemipiro yezvegumi nezvimwe zvipo zvamunopira, nemipiro yamunenge makambotsidzira kupa kuna Tenzi.
12
Muchafara muriko pana Tenzi Mwari wenyu, imi navana venyu, vakomana navasikana, navaranda venyu, vechikadzi nevechirume, nevaRevhi vagere mumaguta enyu zvavasina kupiwa nhaka pakati penyu.
13
Chenjerera kuti urege kungopira panzvimbo pose pose paunenge wangoda mipiro yako yokupisa.
14
Asi pira panzvimbo imwechete inenge yasarudzwa naTenzi munyika yerimwe dzinza renyu. Ikoko ndiko kwaunofanira kupira mipiro yokupisa nokuita zvose zvandiri kukuudza.
15
“Asi baya zvako nyama udyire chero muguta rako ripi zvaro sokuda kwako, sokukomborerwa kwaunenge waitwa naTenzi Mwari wako. Inogona kudyiwa zvayo nomunhu anenge an'ora neasina kun'ora sezvamunongoitawo nemhara nemhembwe.
16
Asi ropa rayo ndiro bedzi ramusingabvumirwi kudya, riregei rirasikire pasi semvura.
17
“Rega kudyira mumaguta ako mipiro yezvegumi kana yembesanwa kana yewaini, kana yamafuta, kana yamatangwe emombe neezvimwe zvipfuwo zvako kana mupiro zvawo wako wezvawakambotsidzira Mwari kana mipiro yokupa nokuda kwako, kunyange zvimwe zvipo zvaunopira.
18
Asi zvidyire pana Tenzi Mwari wako, iwe navana vako vakomana navasikana, navaranda vako vechikadzi nevechirume nevaRevhi vanenge vagere mumaguta ako, mufare muchipembera nebasa ramaoko enyu.
19
Usazorega kuva nehanya nevaRevhi nguva dzose dzaunogara munyika iyoyo.
20
“Kana Tenzi Mwari wako achinge azokudza-kudza nyika yaari kukupa sokukuvimbisa kwaakaita, ukazoti, ‘Ndava kuda nyama,’ wava nenhomba yenyama, idya zvako nyama yaunoda.
21
Kana nzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako kuti zita rake rinamatirwe ipapo iri kure newe, ungabaye zvako mombe kana chimwe chipfuwo chako chawakapiwa naTenzi, asi zviite sokurayira kwandakakuita. Idye hako napaunodira mumaguta ako.
22
Samadyiro anoitwa mhara kana anenge mhembwe, ndiwo madyiro aunoiita. Munhu wose anobvumirwa kuidya zvake, anenge an'ora kana asina.
23
Asi chenjerera chete kuti urege kudya ropa nokuti ropa ndohupenyu nezvo usadye upenyu pamwechete nenyama yacho.
24
Rega kudya ropa, asi rirege rirasikire pasi semvura.
25
Usaridye kuti zvose zvikunakire iwe nezvizvarwa zvako nokuti unenge uchiita zvinofadza Tenzi.
26
Asi zvinhu zvaunenge watsaurira kuturira Mwari, nezvawakatsidzira kupa kuna Mwari, tora uende nazvo kunzvimbo ichazosarudzwa naTenzi.
27
Ikoko ndiko kwaunopira mipiro iya yokupisa chibayiro chose zvacho, ropa nenyama yacho zvichiiswa paatari yaTenzi Mwari wako. Asi kana zviri zvimwe zvibayiro, ropa dururira paatari yaTenzi Mwari wako, nyama yacho uchidya zvako.
28
Nyatsoteerera mitemo yandiri kukupa kuti zvizokunakira iwe nezvizvarwa zvako nokusingaperi nokuti unenge uchiita zvakanaka, zvinofadza Tenzi Mwari wako.
29
“Kana Tenzi Mwari wako aparadza achikudzingira ndudzi munyika yauri kundotora kuita yako, wagara mairi,
30
chenjerera kuti urege kuteyiwa woda kudzitevedzera. Rega kufeya-feya uchiti, ‘Ko ndudzi idzodzi dzainamata sei vamwari vadzo kuti ndiiteo zvimwechetezvo?’
31
Usaite zvakadaro kuna Tenzi Mwari wako nokuti ivo vanoita kuna vamwari vavo zvisingadiwi naTenzi, nezvaanovenga. Vanotopisa mumoto kunyange vana vavo vakomana navasikana vachivapira kuna vamwari vavo.
32
“Nyatsochengeta zvose zvandiri kukuudza, usambowedzera kana kutapudza chinhu.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34