bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 17
Deuteronomy 17
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 18 →
1
“Usape Tenzi Mwari wako chibayiro chemombe kana chehwai ine chimwe chinoshoreka pairi kana ine chimwe chakaremara nokuti zvakadaro izvo zvinhu zvisingambodiwa naTenzi Mwari wako.
2
“Zvingaitike kuti unganzwe kuti pakati penyu, mune rimwe guta renyu ramuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu mune mumwe murume kana mukadzi anoita chinhu chakaipa pana Tenzi Mwari wenyu
3
achityora chitenderano chaMwari. Munhu iyeyo akandoshandira vamwe vamwari achivapfugamira zvandisina kumboti muite, vamwari vacho vangava zuva kana mwedzi kana nyenyedzi dzegwara ravatonga,
4
kana zvabuda pachena, wazvinzwa, nyatsozvitsvakiridzawo ukachiona chiri chokwadi chaichoicho kuti chinhu chakaipa chikadai chakaitika muIsiraeri, murume kana mukadzi iyeyo akaita chinhu chakaipa chikadai ngaaendwe naye kusuo renyu guru.
5
Murume kana mukadzi iyeyo akaita chinhu chakaipa chikadai ngaaendwe naye kusuo renyu guru. Murume wacho kana mukadzi wacho ngaatemwe namatombo afe.
6
Munhu anenge achifanira kufa angaurayiwe chete kana paine umboo hwezvapupu zviviri kana zvitatu. Munhu haaurayiwe kana pachingova nechapupu chimwechete.
7
Zvapupu, namaoko azvo, ndizvo zvinotanga kumutema pakumuuraya, kwozoteverawo vamwe vose. Naizvozvo munobva maita kuti huipi hwakadai hupere pakati penyu.
8
“Mumaguta enyu mungangoparwa mhosva pakati penyu dzamunenge musingakwanisi kunyatsopatsanura, ingave mhosva yokuti akaponda munhu here kana kuti akamuuraya mukusaziva, kana kuti imwe mhosva inodarika mutemo uyu kana uyu, kana kuti kukuvadzwa kwakaitwa munhu kwakaitwa sei, kana kuti ndiani ane mhosva kana asina, pakadaro endai kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wenyu
9
kuvapristi, vechiRevhi nokumutongi anenge ariko mazuva iwayo, muvasumire nyaya iyoyo vachatema chirango kana kukutaurirai kuti pane mhosva here kana kuti hapana.
10
Zvose zvinotemwa kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wenyu munosungirwa kuzviita nomazvo. Munyatsoita zvose zvavanenge vakutaurirai nomazvo.
11
Tevedzai zvavanokurongerai nomazvo, muite zvavanenge vati muite musingatsaudzire moita zvomusoro wenyu.
12
Munhu anenge azvitutumadza asingateerere mupristi anenge ari ipapo pabasa raTenzi Mwari wako kana kuteerera mutongi, munhu iyeyo ngaafe naizvozvo unobva wabvisa huipi hwakadai muIsiraeri.
13
Vanhu vose vachazvinzwa vakatya vakarega kuzozvitutumadzazve.
14
“Kana uchinge wazosvika munyika yaunopiwa naTenzi Mwari wako waitora wagarikana ukazoti, ‘Regai tichigadza mambo wedu anotitonga sezvakaita mamwe marudzi ari munharaunda yedu,’
15
gadzai zvenyu umambo munhu anenge asarudzwa naTenzi Mwari wako. Gadzai umambo munhu worudzi rwenyu. Musagadze mutorwa, munhu asiri worudzi rwenyu kuti akutongei.
16
Asi chete ngaarege kuwanza mabhiza ake, kana kuita kuti vanhu vadzokere kuIjipiti kundotsvaka mamwe mabhiza okuwedzera sezvo Tenzi akakutii, ‘Musazodzokerazve nokwakareko.’
17
Ngaarege kuva navakadzi vazhinji nokuti vangazomurasisa. Ngaarege kuita matutu matutu emari yesirivha kana ndarama.
18
Paanenge agadzwa umambo munyika yake, ngaazvinyorere bhuku romutemo kubva mubhuku rawo rinochengetwa navapristi vechiRevhi,
19
agare naro, ariverenge mazuva ose oupenyu hwake. Ndizvo zvinozoita kuti adzidze kutya Tenzi Mwari wake, achengete zvinorehwa nomutemo uyu nemirao iyi azviite.
20
Saka haazozvikudza pakati pehama dzake, otsauka pamutemo oita zvomusoro wake. Saizvozvo anozogara upenyu hwakareba munyika yaanotonga, iye navana vake, muIsiraeri.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34