bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 4
Deuteronomy 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 5 →
1
Mosesi akati, “Imi vaIsiraeri, chinzwai zvino mitemo nemirao yandava kukudzidzisai kuti muichengete, mugorarama. Ndiko kuti muyambuke mutore nyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wamadzibaba enyu.
2
Musambowedzera zvenyu kana kutapudza chinhu pamitemo yandichakupai. Chengetai mitemo yaTenzi Mwari wenyu yandava kukuudzai.
3
Makaona nemeso enyu zvakaitwa naTenzi kuBhaaripeori kuvanhu vaitevera mwari wepagomo rokuPeori. Tenzi Mwari wenyu akavaparadza pakati penyu.
4
Asi imi makaramba makati kwati kwati naTenzi Mwari wenyu mose muchiri vapenyu nanhasi uno.
5
“Chionaika, ndakakudzidzisai mitemo nemirao sokuudzwa kwandakaitwa na Tenzi Mwari wangu kuti muichengete munyika yamava kupinda kuti mutore.
6
Iteererei muichengete nokuti kwamuri, ndihwo ungwaru nokunzwisisa kune ndudzi dzavanhu vachakuonai. Pavachanzwa mitemo iyoyi vachati, ‘Chokwadi rudzi urwu rudzi rukuru, rwavanhu vakangwara vanonzwisisa.’
7
“Ko, kune rudzi here rukuru runa mwari ari pedyo narwo sezvakaita isu naTenzi Mwari wedu ari pedyo nesu patinomudaidza?
8
Pane rudzi here rukuru rune mitemo nemirao yakarurama sebumbiro rose romutemo randiri kukupai nhasi uno?
9
Chasara kwamuri ndechichi, chingwarirai kuti murege kukanganwa muupenyu hwenyu hwose, zvamakaona zvirege kubuda muhana dzenyu. Taurirai vana venyu navana vavana venyu
10
nezvezuva riya ramakamira pamberi paTenzi Mwari wenyu pagomo reHorebhu. Tenzi akanditi, ‘Ndiunganidzire vanhu. Ndinoda kuvaudza mashoko angu kuti vadzidze kunditya upenyu hwavo hwose vagodzidzisawo vana vavo kuitawo saizvozvo.’
11
“Imi makaswedera pedyo, mukasvikomira mujinga megomo rainganduma moto une murazvo waisvika mudengadenga, iro gomo rakati kwirindindi, rakaputirwa negore rakasviba kuti ndoo.
12
Tenzi akataura nemi ari mukati memoto, mukanzwa izwi rake asi hamuna kuona chimiro chake. Makangonzwa izwi rake chete.
13
Akakuisirai pachena chitenderano chake chezvaanoti muite chemitemo gumi yaakanyora pamafendefa amabwe maviri.
14
Panguva iyoyo Tenzi akandiudza kuti ndikudzidzisei mitemo nemirao yamunofanira kuchengeta munyika yamava kuyambukira kundotora kuiita yenyu.
15
“Tenzi paakataura kwamuri paGomo reSinai ari mumoto, hamuna kuona chimiro chake. Saka imi zvichenjererei
16
mungazodaro mukatadzira Tenzi mava kuzvigadzirira chifananidzo chine chimiro chakafanana nomurume kana mukadzi,
17
kana mhuka zvayo iri panyika, kana shiri inobhururuka mudenga,
18
kana mifananidzo yechii zvacho chinokambaira napasi, kana chehove dzomumvura pasi penyika.
19
Ngwarirai kuti, mungazoti kana matarisa mudenga mukaona zuva nomwedzi nenyenyedzi negurusvusvu radzo mudenga umu, motorwa mwoyo, moda kuzvipfugamira nokuzvinamata, izvo zviri zvinhu zvakapiwa ndudzi dzose dziri pasi pedenga.
20
Asi Tenzi akakununurai muIjipiti yainge vira romoto kuzokuitai vanhu vake sezvamuri nhasi uno.
21
Uye Tenzi akandishatirirwa nokuda kwenyu akandipikira kuti handizoyambuki Jorodhani ndichipinda munyika yakanaka yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu.
22
Ndinodaro nokuti ini ndichafira munyika ino, handichayambuki Jorodhani. Asi imi ndimi muchayambuka kundotora nyika yakanaka iyoyo.
23
Chenjererai kuti murege kukanganwa chitenderano chamakaitirana naTenzi Mwari wenyu, mozvigadzirira zvifananidzo zvakafanana nechii zvacho chamakarambidzwa naTenzi Mwari wenyu
24
nokuti Tenzi, Mwari wenyu moto unopisa, Mwari weshanje.
25
“Kana mukazobereka vana magara kwenguva ndefu munyika iyoyo mava navazukuru, musazotadzira Tenzi momushatirisa muchizvigadzirira chifananidzo chakafanana nechii zvacho.
26
Nhasi uno denga nenyika ngazvindipupurirewo chokwadi chokuti, kana mangodaro imi muchapera kuti nhoo munyika iyoyo yamuri kuyambukira Jorodhani kundoitora. Hamuzombogara mazuva akawanda, munopera imi kuti dhu.
27
Tenzi achakuparadzirai kune dzimwe ndudzi. Muchasara mava vashoma kudzimwe ndudzi ikoko kwamunenge maendeswa naTenzi.
28
Muri ikoko muchanamata vamwari vokuveza nevamabwe zvakagadzirwa namaoko avanhu. Vamwari vacho havaoni kana kunzwa kana kudya kana kunhuhwidza.
29
Asi muri ikoko muchatsvaka Tenzi Mwari wenyu, kana mukazvipira kumutsvaka nomwoyo wenyu wose muchamuwana.
30
Kana mava mumatambudziko, zvose izvozvi zvakuwanai muchadzokera zvenyu kuna Tenzi Mwari wenyu moteerera izwi rake
31
nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiMwari ane tsitsi. Haakufuratirei kana kukuparadzai kana kukanganwa chitenderano chaakaita namadzitateguru enyu.
32
“Imbobvunzaiwo zvepasi chigare, pamakange musati maberekwa kubvira pazuva rakasika Tenzi, munhu panyika. Bvunzai kubvira kumugumo mumwe wenyika kusvikira kune mumwe kana kwakamboitika kana kunzwika chinhu chakadai.
33
Ndorupiko rudzi rwavanhu vakambonzwa izwi raMwari achitaura ari mumoto samanzwiro amakaita vakaramba vari vapenyu?
34
Ko kune mumwe mwari here akambotora rumwe rudzi achirubvisa mune rumwe rudzi achiruita rwake sezvakaitwa imi naTenzi Mwari wenyu muIjipiti? Tenzi akaratidza simba rake guru akaita zviedzo nezviratidzo nezvishamiso nehondo nezvimwe zvinotyisa zvaakaita muchiona.
35
Akakuratidzai izvozvo kuti muzive kuti Tenzi ndiye Mwari oga, hakuna mumwezve kunze kwake.
36
Akakuregai muchinzwa izwi rake richibva kudenga kuti akudzidzisei, akakuitai kuti muone moto wake mukuru pasi pano, mukanzwa izwi rake richibva mukati memoto.
37
Tenzi zvaakada madzitateguru enyu, akazosarudza vana vavo, akakubudisai muIjipiti achikuratidzai kuvapo kwake.
38
Akadzinga ndudzi huru dzavanhu dzakanga dzakasimba kupfuura imi, kuti akupinzei imomo, akupei nyika yavo kuti ive yenyu sezvairi nanhasi.
39
Naizvozvo nhasi chibatisisai izvi muzviise mumwoyo yenyu zvokuti Tenzi ndiye Mwari, kumusoro kudenga napasi pano hakuna mumwezve kunze kwake.
40
Saka chiteererai mitemo nemirao yandinokuudzai nhasi kuti zvikunakirei imi nezvizvarwa zvenyu, mazuva enyu agowanda amuchagara munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu nokusingaperi.”
41
Zvino Mosesi akatsaura maguta matatu mhiri kumabvazuva kwaJorodhani
42
okuti kana munhu anenge auraya mumwe mukusaziva ivo vanga vasingavengane kare, awane kwokutizira achindopotera nokuponesa upenyu hwake.
43
Munyika yevedzinza raRubheni akasarudza guta reBhezeru riri pakakwirira murenje. MuGireadhi nyika yevedzinza raGadhi akasarudza guta reRamoti. MuBhashani nyika yevedzinza raManase akasarudza guta reGorani.
44
Iri ndiro bumbiro romutemo rakapiwa vaIsiraeri naMosesi.
45
Izvi ndizvo zvirevo nemitemo nemirao yakaudzwa vaIsiraeri naMosesi pavakabuda muIjipiti.
46
Izvozvi vakanga vari mhiri kwaJorodhani mubani rakatarisana neBhetipeori munyika yaSihoni, mambo wavaAmori aigara kuHeshibhoni. Ndiye uya akakurirwa naMosesi navaIsiraeri pavakabva kuIjipiti.
47
Vakatora nyika yake, nenyika yaOgu mambo weBhashani. Madzimambo aya maviri evaAmori aigara kumabvazuva kumhiri kwaJorodhani.
48
Nyika iyoyi yaibvira kuAroero mubani reArinoni ichikwidza kusvikira kuGomo reSirioni (ndiro gomo reHerimoni),
49
ichitandira matunhu ose okurenje reArabha ari kumabvazuva kwaJorodhani. Kumaodzanyemba inosvika kuGungwa roMunyu, kumabvazuva ichindosvika mujinga megomo rePisiga.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34