bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 29
Deuteronomy 29
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 30 →
1
Iri ndiro bumbiro remitemo yechitenderano chakataurwa naTenzi kuna Mosesi kuti aitise vaIsiraeri naye munyika yavaMoabhu pamusoro pechimwe chitenderano chiya chaakavaitisa pagomo reHorebhu.
2
Mosesi akadaidza vaIsiraeri vose akati kwavari, “Makazvionera pachenyu zvose zvakaitwa naTenzi munyika yeIjipiti kuna Farao navaranda vake vose munyika yake yose.
3
Makazvionera nameso enyu zviedzo zvikuru nezviratidzo nezvishamiso zvikuru zviya.
4
Kunyange pari nhasi Tenzi haasati akupai mwoyo wokunzwisisa kana maziso okuona nawo kana nzeve dzokunzwa nadzo.
5
Ndakakutungamirirai kwamakore makumi mana murenje, mbatya dzenyu hadzina kubvaruka pamuviri penyu, shangu dzenyu hadzina kumbosakara mutsoka dzenyu.
6
Hamuna kumbodya chingwa kana kumbonwa waini kana doro, kuti muzive kuti ndini Tenzi Mwari wenyu.
7
Pamakasvika muno Sihoni mambo weHeshibhoni, naOgu mambo weBhashani, vakativinga kuzotirwisa, tikavakurira.
8
Takavatorera nyika yavo tikaipa vedzinza raRubheni nevedzinza raGadhi nechikamu chevedzinza raManase kuti ive nhaka yavo.
9
Naizvozvo nyatsochengetai zvose zvinorehwa muchitenderano ichi kuti zvikufambirei zvakanaka pane zvose zvamuchaita.
10
“Nhasi uno imi mose mumire pano pana Tenzi Mwari wenyu muina vatungamiriri vamadzinza enyu navakuru vakuru venyu namakurukota enyu navanhurume vose vevaIsiraeri,
11
navana venyu navakadzi venyu, navatorwa vagere nemi mumatendhe enyu, kusvikira kuna anokutemerai huni dzenyu naanokutekerai mvura.
12
Nhasi uno maunganira kuzoita chitenderano pana Tenzi Mwari wenyu chaari kuda kuti atsidzirane nemi nemhiko
13
kuitira kuti nhasi uno akuitei vanhu vake, iye achiva Mwari wenyu sokukutaurirai kwaakaita uye sokutsidzira kwaakaita madzitateguru enyu vana Abhurahamu naIsaki naJakobho.
14
Handisi kuitisa chitenderano ichi imi moga,
15
asi ndiri kuchiitisa vamwe vasati vava nesu pari nhasi navamire nesu pano pamberi paTenzi Mwari wedu nhasi uno.
16
“Imi munoziva upenyu hwatakagara munyika yeIjipiti, nokupfuura kwatakaita nomundudzi dzavanhu vomunyika dzatakapfuura nadzo.
17
Makazvionera zvinhu zvavo zviye zvisingadiwe zvazvo naMwari nezvifananidzo zvavamwari vavo vezvimiti navamabwe nevesirivha nevendarama zvavaiva nazvo.
18
Chichenjerai kuti nhasi uno, pakati penyu pangadaro pakava nedzinza kana mhuri, kunyange murume kana mukadzi anoita mwoyo wokufuratira Tenzi Mwari wedu achindonamata vamwari vendudzi idzodzo. Pakati penyu pangadaro pakava nomudzi unobereka muchero womuchetura unovava unouraya.
19
Munhu akadaro angati kana anzwa mazwi aya echitenderano ichi chakaitwa nemhiko otozvipa chikomborero nechomumwoyo achiti, ‘Zvose zvichandifambira zvakanaka, kunyange zvangu ndichizvitutumadza mukupanduka kwangu.’ Izvozvi zvichakusvitsai pakuti kana morangwa, mokukurwa mose vakanaka navakaipa.
20
Tenzi haamboregerera munhu iyeyo, asi kutoti hasha dzaTenzi dzichamuvirukira. Majambwa ose aye akanyorwa mubhuku rino iri achamuwira. Tenzi achatsakatisa zita rake panyika pano.
21
Pakati pamadzinza ose evaIsiraeri, Tenzi achamutsaurira nhamo yokuti awirwe nemajambwa ose omuchitenderano akanyorwa mubhuku rino iri romutemo.
22
“Zvizvarwa zvenyu zvichaberekwa zvichatarisa pamwechete nomutorwa anobva pasi kwenyika, zvichiona nhamo nezvirwere munyika yenyu zvichange zvaunzwa naTenzi.
23
Nyika yose ichatsva igosara yangova sarufa nomunyu chete isina chakadyarwamo isingamere chinhu, kana uswa zvahwo. Zvichangofanana nokuparadzwa kwakaitwa Sodhomu neGomora neAdhima neZebhoimu, maguta akaparadzwa naTenzi akatsamwa aine hasha.
24
Heeka, ndudzi dzose dzevanhu dzichati, ‘Seiko Tenzi akaitira nyika iyoyi zvakadai? Ko kuviruka nehasha zvakadai kunorevei?’
25
Vanhu vachati, ‘Pamusana pokuti vakakanda pasi chitenderano chaTenzi Mwari wamadzibaba avo, chaakaita navo paainge achivaburitsa munyika yeIjipiti.
26
Vakandonamata nokupfugamira vamwe vamwari, vamwari vavasingamboziva, vasina kumbovapa kana nhaka yenyika.
27
Ndokusaka hasha dzaTenzi, dzakavirukira nyika iyoyi, akaita kuti majambwa akanyorwa mubhuku rino iri aiwire.
28
Tenzi akabva avadzipura munyika yavo akatsamwa, aine hasha, akagumbuka zvikuru. Akandovakandira kune imwe nyikawo sezvazviri nhasi uno.’
29
“Zvinhu zvinenge zvakavanzika ndezvaTenzi Mwari wedu, asi zvakaburitswa pachena ndozveduwo navana vedu nokusingaperi kuti tichengete zvose zvinorehwa nomutemo uyu.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34