bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 14
Deuteronomy 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 15 →
1
“Imi muri vana vaTenzi Mwari wenyu. Musazvicheke-cheke kana kuzviveura vhudzi rapahuma dzenyu pamunenge mafirwa.
2
Ndinodaro nokuti muri rudzi rwavanhu vatsvene vakatsaurirwa Tenzi Mwari wenyu. Tenzi akakusarudza pakati pemarudzi ose epasi pano pose akati muve vanhu vake pachake.
3
“Usadye chinhu chinosemesa Mwari.
4
Mhuka dzamungadye ndedzidzi: mombe nehwai nembudzi
5
nenondo nemhara nemhembwe nembudzi dzomusango nemharapara nengururu.
6
Mukati memhuka yose ine zondo rakapararana richiita mativi maviri, iriwo mhuka inozeya, ndiyo yamungadye zvenyu.
7
Musadye dzose dzinozeya asi dziine zondo risina kupararana kana kuti dzine zondo rakapararana asi dzisingazeyi. Musadye nghamera netsuro nembira nokuti kunyange dzichizeya zvadzo, zondo radzo harina kupararana, dzinokun'oresai.
8
Musadye nguruve nokuti kunyange zvadzo dziine zondo rakapararana hadzizeyi, dzakan'ora kwamuri. Musadye nyama yadzo kana kubata zvitunha zvadzo.
9
“Pane zvomumvura zvamungadye ndezvizvi zvinoti: zvine zvimbi nezvina makwande.
10
Asi musadye chose chisina zvimbi namakwande, chakan'ora kwamuri.
11
“Shiri dzose dzisina kun'ora mungadye zvenyu.
12
Asi idzi ndidzo shiri dzausingabvumirwi kudya dzinoti; gondo negora nechapungu
13
norukodzi nenjerere namarudzi ayo
14
nemhando dzose dzamakunguo
15
nemhou nedahwa neshiri yegungwa, namarudzi ose oruvangu
16
napotono nezizi guru nenhapata
17
nedhadha romusango, nehungwe nekanyurira
18
neshuramurove namarudzi ose ezimudo nemhupupu nomuremwaremwa.
19
“Zvipembenene zvine mapapiro, zvose zvazvo zvakan'ora kwamuri, hazvidyiwe.
20
Idyai zvenyu zvose zvine mapapiro zvisina kun'ora.
21
“Musadye mhuka inenge yafa yoga, ipe zvako mutorwa waugere naye adye hake, kana kuitengesera mubvakure nokuti imi muri rudzi rwavanhu rutsvene rwakatsaurirwa Tenzi Mwari wenyu. Musabike mbudzana mumukaka wamai vayo.
22
“Unosungirwa kubvisa chegumi pambesanwa dzaunokohwa mumunda mako gore negore,
23
uchindozvidyira pana Tenzi Mwari wako, panzvimbo yaachasarudza kuisa zita rake. Ipapo ndipo pauchadyira chegumi chembesanwa dzako nechewaini yako nechemafuta ako eorivhi, pamwechete nematangwe emombe dzako nezvimwe zvipfuwo zvako, kuitira kuti udzidze kuremekedza Tenzi Mwari wako nguva dzose.
24
Kana nzvimbo iyoyo ichinge iri kure nomusha wako zvokuti haugoni kutakura zvegumi zvawakakomborerwa nazvo naTenzi Mwari wako uchienda nazvo ikoko zvaungaite ndezvizvi:
25
Tengesa zvegumi izvozvo, mari yacho uende nayo kunzvimbo imwechete ichasarudzwa naTenzi Mwari wako,
26
uzondotenga zvose zvaunoda, mombe kana hwai kana waini kana doro rinodhaka, chero chaunoda zvako udyire pana Tenzi Mwari wako iwe nemhuri yako mupembere muchifara.
27
“Usazorega kuva nehanya nevaRevhi vaugere navo mumaguta enyu, sezvovasina kupiwa mugove kana nhaka pakati penyu.
28
“Panenge pangopera makore matatu, unganidzai mumaguta enyu chegumi chezvamakawana gore iroro.
29
VaRevhi sezvo vasina mugove kana nhaka pakati penyu saka ivo pamwechete navatorwa nenherera nechirikadzi dzigere mumaguta enyu vangauye zvavo kuzodya vachiguta, kuti Tenzi Mwari wenyu akukomborerei pabasa ramunobata namaoko enyu.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34