bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 9
Deuteronomy 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 10 →
1
“Teerera unzwe iwe Isiraeri; wava kuzoyambuka Jorodhani nhasi uno, uchindotorera ndudzi huru dzakasimba kupfuura iwe, nyika dzadzo dzina maguta makuru akakomberedzwa nenhungamakore dzetsvingo.
2
Vanhu voko ihofori dzakareba dzorudzi rwevaAnaki vamunoziva, vane mbiri yamakanzwa yokunzi, ‘Ndiani angamirisane navaAnaki?’
3
Asi chiziva nhasi uno kuti Tenzi Mwari wako ndiye anokutungamirira somoto unororomesa. Achavaparadza achavaisa pasi pako zvokuti uchavadzinga uchibva wavaparadza nokukasika, sokutaurirwa kwawakaitwa naTenzi.
4
“Kana Tenzi Mwari wako akudzingira vanhu ivavo, usazofunga mumwoyo mako woti, ‘Tenzi akandiunza munyika ino kuti ndiitore ive yangu nokuda kwokururama kwemwoyo wangu.’ Asi kutoti Tenzi Mwari wako ari kuvadzinga nokuda kwekuipa kwavo.
5
Hausi kuzondotora nyika yavo uchiita yako pamusana pokururama kwako kana kunaka kwemwoyo wako. Asi Tenzi Mwari wako ari kudzingamo ndudzi idzodzo pamusana pohuipi hwadzo nokuchengeta shoko raakatsidzira madzitateguru ako vana Abhurahamu naIsaki naJakobho.
6
Saka zvizive kuti Tenzi Mwari wako haasi kuzokupa nyika iyi yakanaka nokuda kwekururama kwako nokuti uri rudzi rwetsvuuramuromo.
7
“Yeuka urege kukanganwa kushatirisa kwawakaita Tenzi Mwari wako murenje, kubvira musi wawabuda muIjipiti kusvikira pano, waigara wakapikisana naTenzi.
8
Kunyange paGomo reHorebhu wakashatirisa Tenzi, Tenzi akaratidza kushatirwa kwake akada kukuparadza.
9
Zviya zvandakakwira mugomo kundopiwa mafendefa amabwe, mafendefa echitenderano chandakatemerana nemi, ndakagara mugomo imomo siku nesikati kwamazuva makumi mana. Handina kuisa chinhu kumuromo kana kunwa mvura zvayo.
10
Tenzi ndipo paakandipa mafendefa maviri amabwe akanga akanyorwa noruoko rwake iye Mwari. Pakanga pakanyorwa mitemo yose yakanga yataurwa naTenzi kwamuri pagomo riya, yaakataura ari mukati memoto, pazuva riya romusangano.
11
Mazuva makumi mana akati apera ndiriko, siku nesikati, Tenzi akandipa mafendefa maviri amabwe, mafendefa echitenderano.
12
“Tenzi akanditi, ‘Sumuka ubve pano, ukurumidze kuburuka nokuti vanhu vako vawakaburitsa muIjipiti vaita zvakaipa. Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaudza. Vazviumbira chifananidzo choutare hwakanyungurutswa.’
13
“Tenzi akataurazve kwandiri achiti, ‘Ndazviona kuti vanhu ava zvechokwadi itsvuuramuromo dzavanhu.
14
Chirega ndivaparadze, nditsakatise zita ravo panyika, ndimutse mauri rudzi rukuru rwakasimba kupinda ivo.’
15
“Ndopandakazotendeuka ndoburuka mugomo imomo, iro gomo richinganduma moto, ndakabata mafendefa maviri echitenderano mumaoko.
16
Ndakatarisa ndikaona kuti makanga matadzira Tenzi Mwari wenyu. Makanga mazviumbira chimhuru. Makanga matotsauka kare panzira yamakaudzwa naTenzi.
17
Naizvozvo ndakatora mafendefa andakanga ndakabata mumaoko, ndikaapwanyira pasi muchiona.
18
Ndakazoti pasi zvambarara pana Tenzi siku nesikati kwamazuva makumi mana, handina kumboisa chinhu kumuromo kana kunwa mvura zvayo sezvandakamboita pamusana pezvitadzo zvenyu zvamakapara muchiita zvakaipa pana Tenzi zvokumushatirisa,
19
nokuti kukutsamwirai kwakaita Tenzi nokushatirwa kwaakakuitirai panguva iyoyo oda kukuparadzai, kwakandityisa. Asi panguva iyoyowo Tenzi akandinzwa.
20
Tenzi akashatirirwa Aroni zvikuru zvokuda kumuparadza. Asi panguva iyoyo ndakanamatira Aroni.
21
Ndakatora chitadzo chacho, chimhuru chacho ichocho chawakanga waumba, ndikachipisa nomoto, ndikachipwanya-pwanya ndikachikuya kusvikira chaita mupfumbwe. Ndakarasira mupfumbwe wacho mukakova kaibva mugomo imomo.
22
“Makashatirisa Tenzi zvakare paTabhera napaMasa nepaKibhurotihataavha.
23
Tenzi paakakutumai kubva kuKadheshibharinea achiti, ‘Chiendai mundotora nyika yandakakupai kuti ive yenyu,’ imi makasindimara, mukaramba zvakanga zvataurwa naTenzi Mwari wenyu. Hamuna kuvimba naye, kana kuteerera zvaakareva.
24
Kubvira musi wandakakuzivai, makagara makapandukira Tenzi.
25
“Saka ndakazvambarara pana Tenzi siku nesikati kwamazuva makumi mana nokuti Tenzi akanga afunga zvokukuparadzai.
26
Ipapo ndakanamata kuna Tenzi ndichiti, ‘Regai kuparadza nhaka yenyu, vanhu vamakanunura noukuru hwenyu. Makavaburitsa muIjipiti nesimba renyu guru.
27
Rangarirai varanda venyu VaAbhurahamu naIsaki naJakobho. Musaite hanya noumhandupandu hwavanhu ava, kana huipi hwavo, kana nechitadzo chavo,’
28
nokuti vokunyika kwamakatibvisa vangati, ‘Tenzi akavaburitsa kuti andovaurayira kurenje nokuti akakundikana kuvaendesa kunyika yaakavavimbisa uye aivavenga.’
29
Vanhu ava inhaka yenyu, vanhu venyu vamakaburitsa noukuru hwenyu nesimba renyu guru.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34