bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 11
Deuteronomy 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 12 →
1
“Naizvozvo ida Tenzi, Mwari wako, uteerere zvaakatema, uteerere zvirevo zvake, nemitemo yake, nemirao yake misi yose.
2
Nhasi uno, (sezvandisiri kutaura kuvana venyu vasingazvizivi vasina kumbozviona;) imimi munoziva kukudzidzisai kwakaita Tenzi Mwari wenyu, munozivawo ukuru hwake nesimba rake,
3
nezviratidzo zvake, nezvaakaita muIjipiti kuna Farao mambo weIjipiti, nokunyika yake yose;
4
nezvaakaita kuhondo yeIjipiti, nokumabhiza avo nengoro dzavo, nokuyeredza kwaakaita hondo yaikuteverai nemvura yeGungwa Dzvuku, namaparadziro avakaitwa naTenzi kusvikira pari nhasi.
5
Munozivawo zvaakakuitirai murenje musati masvika pano,
6
nezviya zvakaitwa pakati pavaIsiraeri kuna Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu, wedzinza raRubheni. Munozivawo mubamukiro wakaita nyika, ikashama muromo wayo, ikavamedza ivo nemhuri dzavo, namatendhe avo, nezvipfuwo zvavo zvose zvavaiva nazvo.
7
Imi makazvionera nameso enyu basa guru rose rakaitwa naTenzi.
8
“Teererai mitemo yose yandiri kukupai nhasi uno kuti muwane simba mupinde mundotora nyika yamava kuyambukira kwairi kuti muiite yenyu,
9
uye ndokuti murarame kwenguva ndefu munyika yakatsidzirwa naTenzi kupa madzitateguru enyu navana vavo, nyika yakanaka yomukaka nouchi.
10
Ndinodaro nokuti nyika yauri kuenda kundotora haina kufanana nenyika yeIjipiti kwamakabva, kwete, kwamaidyara mbeu muchiita zvokudiridza namaoko sebindu romuriwo.
11
Asi nyika yamava kuyambukira kundotora kuita yenyu, inyika yezvikomo namapani, inonyoroveswa nemvura inoita zvokunaya mudenga,
12
inyika inonyatsochengetwa naTenzi, ziso rake haribvi pairi kubvira pakutanga kwegore kusvikira pakupera kwaro.
13
“Kana machengeta mitemo yandiri kukupai nhasi uno, mukada Tenzi Mwari wenyu, nokumushandira nomwoyo wose, nomweya wenyu wose,
14
achakunayisirai mvura yomunhuruka neyematsutso nemwaka wayo chaiwo munyika yenyu, kuti unyatsokohwa mbesanwa dzako, newaini yako namafuta.
15
Achameresa uswa mumafuro ezvipfuwo zvako. Uchawana zvokudya zvakakwana.
16
Chenjerera kuti ungadaro ukazozvifurira mumwoyo mako, wozvirasisa nzira yako, woshandira vamwe vamwari, wovanamata.
17
Ukadaro unozvinyandurira hasha dzaTenzi, achapfiga matenga, mvura yorega kunaya, nyika yoshaya kana chainobereka, mobva maparadzwa pasina nenguva yose munyika yakanaka yamunopiwa naTenzi.
18
“Naizvozvo pfundirai mazwi angu aya, mumwoyo menyu nomumweya wenyu, muasungirire paruoko rwenyu chive chiratidzo, muasungirirewo pahuma dzenyu netsungare.
19
Adzidzisei vana venyu. Taura nezvawo ugere mumba yako, napaunenge uchifamba munzira, napaunenge uvete, napaunomuka.
20
Anyore pamagwatidziro epamba yako napamisuo yako mikuru,
21
kuitira kuti imi navana venyu murarame mazuva akawanda munyika yakatsidzirwa naTenzi kupa madzitateguru enyu nokusingaperi.
22
“Mukanyatsoteerera mitemo yose iyi yandiri kukupai, mukaichengeta, mukada Tenzi Mwari wenyu nokufamba munzira dzake, nokuramba makangoti kwati kwati naye,
23
Tenzi achakudzingirai ndudzi dzose idzi munyika dzadzo kuti imi muzotonga ndudzi huru dzakasimba kupinda imi.
24
Pose pachatsika rutsoka rwenyu pachava penyu. Muganho wenyu uchabvira kurenje kundosvika kuGomo reRebhanoni, kubvirawo kurwizi rukuru rwaYufuratesi kundosvika kugungwa rokumadokero.
25
Hapana achagona kumirisana nemi, Tenzi achapa kuti kwose kwamuchasvika vanhu voko vachadedera nokukutyai sokutaura kwaakaita.
26
“Teerera unzwe, nhasi uno ndakuisira zvokusarudza, chikomborero kana rushambwa.
27
Unowana chikomborero kana ukateerera mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukupa nhasi uno.
28
Asi unowana rushambwa kana ukasateerera mitemo yaTenzi Mwari wako wotsauka panzira yandiri kukuudza nhasi uno, wotevera vamwe vamwari vausina kumboziva.
29
Kana Tenzi Mwari wako azokusvitsa munyika yawava kundoita yako, unofanira kupa chikomborero uri paGomo reGerizimu, worengerera uchishurikidza rushambwa uri paGomo reEbhari.”
30
Inga wani makomo iwayo ari munyika yevaKanani vanogara kuArabha, kwakatarisana neGirigari, kumhiri kwaJorodhani kumadokero munyasi momuti womuoku weMore.
31
“Zvino mava kuyambuka Jorodhani, kundotora nyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu, kana maitora maiita yenyu magara mairi,
32
chenjererai kuchengeta mirao nezvirevo zvose zvandiri kuisa pamberi penyu nhasi uno.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34