bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 1
Job 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 2 →
1
Kwaiva nomumwe murume munyika yeUzi ainzi Jobhu. Murume iyeyo aiva munhu akarurama, ari pachokwadi, aitya Mwari uye munhu wainzvenga zvakaipa.
2
Akabereka vana vakomana vanomwe uye vasikana vatatu,
3
aiva nehwai zviuru zvinomwe, nengamera zviuru zvitatu nezvipani mazana mashanu amadhonza, namazana mashanu amadhongi makadzi navaranda vazhinji kwazvo, zvokuti aiva nomukurumbira kupinda vamwe vanhu vose vokumabvazuva.
4
Vanakomana vaJobhu vaipota vachiita mabiko mumisha yavo, mumwe nomumwe aine chijanha chezuva rake. Vaindokokawo hanzvadzi dzavo nhatu kuti vadye nokunwa pamwechete navo.
5
Paainge mazuva iwayo amabiko apera, Jobhu aitumira nhume yokuti vazomuchenura. Aifumomuka rungwanani-ngwanani achipira zvibayiro zvokupisa maererano nouwandu hwavo, nokuti Jobhu aiti vangadaro vanakomana vake vakatadzira Mwari vachimushonha mumwoyo yavo. Jobhu aiita saizvozvo nguva dzose.
6
Zvino nerimwe zuva zvakazoitika kuti vana vaMwari vakauya kuzozviratidza pana Tenzi. Satani akauyawo ari mukati mavo.
7
Tenzi akati kuna Satani, “Uri kubvepi?” Satani akapindura Tenzi achiti, “Ndanga ndichingodzengerera zvangu nenyika ndichifamba-famba mairi.”
8
Tenzi akati kuna Satani, “Wati wambofungisisa here nezvomuranda wangu Jobhu kuti hakuna akafanana naye panyika. Munhu akarurama, ari pachokwadi anotya Mwari uye anonzvenga uipi.”
9
Satani akapindura Tenzi achiti, “Iye Jobhu anotya Mwari mahara here?
10
Handiti makamutenderedza norumhanda iye nemba yake uye zvose zvaanazvo kumativi ose? Makakomborera basa raanoita namaoko ake. Makaita kuti zvinhu zvake zviwande panyika.
11
Ingotambanudzai ruoko rwenyu mungobata chete zvose zvaanazvo muone kuti haakushonhei here pameso penyu chaipo”
12
Tenzi akati kuna Satani, “Zvakanaka, zvose zvaanazvo zvava mumaoko mako, asi iye pachake usambomubatabata zvako.” Saizvozvo Satani akabva abva zvake panaMwari.
13
Rimwe zuva zvakaitika kuti vanakomana navanasikana vake vakanga vari pakudya zvavo nokunwa waini mumba yomukomana wavo mukuru,
14
kwakauya nhume kuna Jobhu ichiti, “Nzombe dzanga dzichirima, madhongi achifura zvawo pedyo nadzo.
15
VaSebhiya vauya vakazvitora vakauraya vashandi namapakatwa, ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.”
16
Achiri kutaura kudaro, kwakasvika mumwe achitiwo, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa hwai navashandi ukavaroromesa. Ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.”
17
Achiri kutaurawo kudaro, kwakauyazve mumwe achiti, “VaKaradhiya vaita mapoka matatu ndokubva vaita chivhundumukira pangamera vakaenda nadzo. Vauraya vashandi namapakatwa. Ini ndoga ndini ndangopunyuka kuzokutaurirai.”
18
Achiri mukutaura mumwezve ndiye vhu, akati, “Vana venyu vanga vachidya nokunwa zvavo waini mumba yomukoma wavo mukuru.
19
Kwabva dutu guru ravhuvhuta nokugwenga rikarova imba iyoyo kumativi mana ikakoromokera pavadiki ivava vakafa. Ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.”
20
Ipapo Jobhu akasimuka akabvarura gemenzi rake. Akaveura musoro wake ndokuti pasi zvambarara achinamata.
21
Akati: “Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndisina chandakapfeka ndichadzokerazve ndisina chandakapfeka; Tenzi ndiye akapa; Tenzi ndiye atora. Zita raTenzi ngarirumbidzwe.”
22
Munaizvozvi zvose Jobhu haana chaakakanganisa kana kupa Mwari mhosva.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42