bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 33
Job 33
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 34 →
1
“Zvino iwe Jobhu chinzwa zvandava kutaura uteere zvose zvandichareva.
2
Hezvo ndava kuzarura muromo wangu rurimi rwangu rwava kutaura mukanwa mangu.
3
Zvandinotaura zvinobva mukutendeseka kwemwoyo wangu. Miromo yangu ichataura iri pachokwadi zvandinoziva
4
nokuti Mweya waMwari ndiwo wakandisika femo raSamasimba ndiro rakandipa upenyu.
5
Kana muchikwanisa ndipindurei nyatsondirongerai mashoko enyu.
6
Chizvigadzirirai pana Mwari ndakangoitawo semi kana neniwo ndaiumbwa nevhu.
7
Saka hamuna chokunditya uye kwandiri hapana chingakuremerei.
8
“Ndakunzwai imi muchitaura ndichinzwa, ndatonzwa ini maungira amazwi enyu
9
muchiti ndakachena ini handina chikanganiso. Ndakachena handina mhosva yandinayo
10
asi Mwari anondipomera mhosva anondiona semhandu yake.
11
Anondisungirira makumbo mumatanda achindigaririra munzira dzose.
12
Mhinduro yandinokupai ndeyokuti munaizvozvi hamuna imi kururama Mwari mukuru kune munhu wose.
13
Munoitirei nharo naye muchiti haasikupindura zvose zvandiri kutaura.
14
“Mwari anomboti taurei odzokororazve kaviri kaviri kunyange munhu asingazvioni.
15
Anogona kutaura muchiroto kana muchioneso chousiku munhu akabatwa chaizvo nehope achikotsira pauriri hwake.
16
Ndipo paanozarura vanhu nzeve obva aona kuti chaanoda kuti vadziidze vachidzidza,
17
kuti munhu apinduke pane zvaanenge achiita uye kuti munhu arege kuzvikudza.
18
Anodzivirira munhu kuwira mugomba uye kubaiwa nepfumo.
19
Mumwewo anomutsiura nokumurwadzisa pabonde nemapfupa anoramba achingogweda
20
zvokuti chokudya chinosvibisa mwoyo uye anosema machikichori.
21
Anoonda zvokusara asisaoneki nyama mapfupa akanga asingaoneki achiti pachena charavanda.
22
Anenge oswedera kuguva uye upenyu hwake hwoswedera kuna vanouraya.
23
Dai kuri kuti pane mutumwa, mumiriri kudivi kwake mumwechete pakati pechiuru, kutsanangurira munhu zvakamunakira.
24
Zvino anomunzwira urombo oti mununurei arege kuwira mugomba, ndawana chokumununura nacho.
25
Nyama yake angaiite zvayo seyapauduku adzokere kusimba rake rouduku.
26
Ipapo munhu achanyengetera kuna Mwari Mwari agofadzwa naye munhu anouya kwaari norufaro Mwari achimudzorera ururami hwake.
27
Ndopaachaita zvokuimba kwazvo kuvanhu achiti, ‘Ndakatadza ini ndikaipisa zvakarurama asi handina kuzvirangirwa.
28
Akandinunura kuti ndirege kuenda mugomba upenyu hwangu huchaona chiedza.’
29
“Chionaika kuti Mwari anoita izvozvi zvose kumunhu kaviri kaviri kana katatu.
30
Kuti adzose mweya wake kugomba kuya kuti awane chiedza chavapenyu.
31
Zvino iwe Jobhu teerera undinzwe, umbonyarara nditaurewo.
32
Kana une chokutaura ndipindure taura nokuti chandinoda kuti iwe unzi wakarurama.
33
Kana pasina, wochimbonditeererawo wombonyarara zvako ndimbokudzidzisa ungwaru.”
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 34 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42