bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 9
Job 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 10 →
1
Mhosva dzomunhu kuna Mwari. Zvino Jobhu akazopindurawo achiti:
2
“Ichokwadi ndinoziva kuti ndizvo, ko munhu angazviti akarurama sei pamberi paMwari?
3
Dai kuri kuti munhu anoda kukakavadzana naMwari munhu haimbokwanisa kumupindura muchuru chamazana chezvinoda kutaurwa.
4
Mwari anoungwaru mumwoyo make ane simba guru guru. Ndiani angamirisana naye akabudirira?
5
Iye Mwari anosudurutsa makomo, iwo asingambozviziva, paanoakudubura nehasha.
6
Iye anondengendengesa nyika achiibvisa panzvimbo payo, misimboti yayo ichizunguzika.
7
Anotaurira zuva kuti rirege kubuda iro richitorega kubuda nyenyedzi achidzikwidibira.
8
“Ndiye chete akatatamura denga achitsokodzera masaisai egungwa.
9
Ndiye akasika nyenyedzi idzi dzinoti, hweva, nechinyamutatu, nechinyamutanhatu nenyenyedzi dzokuMaodzanyemba.
10
Anoita zvinhu zvikuru zvisingabatiki zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengeki.
11
Tarisai muone anondipfuura napapa asi handimuoni anouya napandiri asi handizvioni.
12
Hamuone kuti anogona kubvuta asi angamurambidze hapana. Ndiani angamuti chii chauri kuita?
13
Mwari haachadzoka pahasha dzake kunyange vabatsiri vaRahabhu vakatokotama pasi pake.
14
“Zvino iniwo zvangu ndingamupindurewo ndichiti kudii, ndopandingasarudzawo here ini mazwi okukakavadzana naye?
15
Kunyange ndisina mhosva handikwanisi kumupindura. Ndinotofanira kuteterera kuitirwa tsitsi naiye anondipa mhosva.
16
Kunyange zvangu ndikamudaidza akadavira handifunge kuti anomboteerera zvandinotaura.
17
Anotondipwanya-pwanya nedutu remhepo anotondivirikidza maronda pasina chikonzero.
18
Haambondipa nguva yokutura mafemo asi anotondizadza neshungu dzinorwadza.
19
Kana kuri kumumanikidza, ungamanikidze Mwari here? Kana kuri kukwira dare, ungakwidze Mwari dare here?
20
“Kunyange ndakarurama muromo wangu pachangu unondipa mhosva. Kunyange ndisina mhosva anondibata nemhosva.
21
Handina zvangu mhosva asi handichisina hanya nezvandiri ndava kutosema upenyu hwangu.
22
Naizvozvo chimwechete chandinotaura ndechokuti anoparadza vasina mhosva navaipi.
23
Kana nyatwa ikayerekana yauraya munhu anotoseka zvake jambwa romunhu wakanaka.
24
Nyika yakaiswa mumaoko avaipi, Mwari akazarira maziso avatongi vayo kana asiri iye anoita izvozvi ndiani ari kuzviita?
25
“Mazuva angu anomhanya kupinda mumhanyi anomhanya zvikuru, anotiza pasinawo chakanaka chaanoona.
26
Anoyerera zvawo sehwato hwetsanga segondo ravakundohatura nyama yaro.
27
Ndikati regai ndichikanganwa zvangu kunyunyuta kwangu ndisiyane nokuva nouso hwakati surududu ndive ndinonyemwerera,
28
ndinongoramba ndichitya nhamo dzangu dzose. Ndinoziva kuti hamumbonditi ndiri munhu wakanaka.
29
Ndiri munhu anonzi ane mhosva chandinotamburira zvisina maturo chii zvangu?
30
“Kana ndikashamba zvangu nemazaya echando akanyungudika, kana ndikashamba maoko angu nesoda,
31
munotondikanda mundove ndigosemwa nembatya dzangu.
32
Nokuti Mwari haasi munhu seni wandingagonewo zvangu kupindura zvokuti ndingamirisanewo naye mudare.
33
Hapana angatienzanisire nyaya yedu anogona kubata-bata kumativi ose.
34
Ngaarege kuti mubadha wake uve pandiri, kumutya zvikuru ngakurege kundisokosa,
35
ipapo ndingataure ndisingamutyi nokuti ndinoziva kuti hazvisizvo zvandiri.”
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42