bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 14
Job 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 15 →
1
Munhu akaberekwa nomunhukadzi mazuva ake mashoma, uye azere nenhamo.
2
Anoti bhabhanu seruva ozouna anomhanyamhanya somumvuri uye haagari.
3
Chinhu chakadai ndicho chamungazarurirewo here maziso enyu kutarisa? Ndiye wamungakwirirana naye dare here?
4
Ndiani angaburitse chinhu chitsvene mune chan'ora; hapana,
5
sokuti mazuva ake akatotemwa kuwanda kwawo? Zviri kwamuri kuti mwedzi yake mingani. Imi ndimi makamuisira migano yaasingapfuuri.
6
Chimbobvisai ziso renyu paari, murege ambopedzawo zuva rake murugare somushandi.
7
Zvawo muti, une chitarisiro, ukatemwa unotungirazve. Madungirwa awo haashaiki.
8
Kunyange mudzi wawo ukachembera muvhu dzinde rawo rikafa muvhu,
9
asi kungonhuwidza mvura chete unotungira uchitoita mapazi somuti mudiki.
10
Asi munhu anofa obva aparara achiva chinhu pasina anofema femo rake rokupedzisa; anozova papiwo pakadaro?
11
Sezvinongoita mvura kukwenguka mudhamu rwizi rwunopwa rwooma,
12
ndozvinoita munhu akaradzikwa haazombomuki kusvikira matenga aparara, haambomuki muhope dzake idzodzo.
13
Dai mukangondivanza zvenyu munzvimbo yavafi, mundivige zvenyu imomo, kusvikira hasha dzenyu dzapera mugotema zvenyu nguva yokundiyeuka.
14
Kana munhu akafa, angazova mupenyu zvakare here? Saka mazuva angu ose okushanda ndinenge ndomirira kusvikira nguva yangu yokusunungurwa yasvika.
15
Ndipo pamunozondidaidza, ini ndodavirawo munengewo moda kuona chinhu chamakasika.
16
Zvokuverenga nhanho nenhanho yangu mungadai musingaiti, zvokuramba mangoti nangananga nechitadzo changu morega.
17
Maimbosungirira mhosva dzangu mutsapo uye uipi hwangu maimbohukwidibira.
18
Asi sezvinongoita gomo kuti rinokoromoka richizoparara, sokugudumutswa kunoitwa dombo panzvimbo paro,
19
sokudyiwa kunoitwa dombo richisvuurwa nemvura uye sokukukura ivhu kunoita mapopopo, ndiko kuparadza kwamunoita chitarisiro chomunhu.
20
Munomukurira zvachose, ndokutoenda ikoko munomusandura uso, mobva mamupfuudza.
21
Vana vake vakarumbidzwa, iye haambozvizivi, vakaninipiswa haazvioni.
22
Chaanonzwa kurwadza ndochinenge chatomusvika pamuviri pake chake kuzvichema iye pachake.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42