bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 30
Job 30
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 31 →
1
Nhamo yaJobhu pari zvino. “Asi iye zvino vakandiita chiseko zvacho vanhu vadiki kwandiri, vana madzibaba vandaishora zvokuti handaikwanisa kuvaisa nembwa dzangu dzokuchengetedza zvipfuwo zvangu.
2
Simba ramaoko avo rinondibatsirei, vanhu vakapera zvavo simba
3
vakaonda nokushaiwa uye nenzara vanototetena midzi yakaoma yenyika ine nyota murima, munyika yakaoma yerenje
4
vaitanha makwenzi anovava vachirarama nemidzi yomutsvairo.
5
Vakadzingwa mukati mavanhu vachisveveredzwa sembavha
6
vachigara mumakoronga amapani nomumaguru, nomumapako
7
unotovanzwa vachikuma mumatondo vachingourungana mukati meminzwa
8
matununu chaiwo, vanhu vasina rudzi vakadzingwa munyika.
9
“Asi iye zvino ini ndava rumbo chairwo kwavari uye setsumo chaiyo kwavari.
10
Vanondisema, vachimirira vakataramukana neni vasingasumbe kundisvipira mate kumeso.
11
Nokuti Mwari akatupfunura rukungiso rwouta hwangu akandininipisa, pandiri kuzvibata vanobva vasiyana nako.
12
Kurudyi kwangu chikwata chamadzenga chinosimuka chondidzinganisa vachindirongera nzira dzokuparadza nadzo.
13
Vanodzivirira kwokuti nditize nako vanotowedzera njodzi yangu pamusoro peimwe, wokuvamisa hapana.
14
Vanopinda vachiita sevanopinda napakapazika zvikuru vanouya vari mukati mehungwandangwanda.
15
Kutya kwandibata chiremera changu chinopupurutswa sokupupurutswa nemhepo hunhu hwangu hwapfuura segore.
16
“Upenyu hwangu hwava kukwenguka, mazuva enhamo andiwira.
17
Usiku chirwere chinondin'ura mapfupa kurwadza kunondin'ura hakuzorore
18
ndinobatwa hembe pahuro zveganyabvu. Hembe dzangu dzaunyanidzwa.
19
Mwari andikanda mumatope, ndangova zvangu sehuruva nedota.
20
Ndinochema kwamuri asi hamupinduri ndinosimuka asi munongonditarisa zvenyu.
21
Masanduka, mave noutsinye kwandiri munondirwadzisa noruoko rwoune simba
22
munondibvuta mondiisa mumhepo dutu richindiita suku nasai kwose kwose.
23
Ndinoziva zvangu kuti muri kundiendesa kurufu kunzvimbo yakatemerwa vapenyu vose.”
24
“Asi munhu anenge ari mukati memurwi wehungwandangwanda hwemba yakoromoka, haasimudzi ruoko here munhamo yake achitsvaka rubatsiro?
25
Handina here kuchema navainge vaomerwa zuvaro, handina here kuchema navarombo?
26
Ndaitarisira zvakanaka ndopakauya zvakaipa. Ndaimirira chiedza asi rima ndiro rakauya.
27
Mudumbu mangu munomona musinganyarari, ndasangana namazuva enhamo.
28
Ndinofamba ndiri mukuchema kwete mukufara chandinosimukira pana vanhu kukumbira rubatsiro.
29
Ndave shamwari yamakava nehama yemhou.
30
Ganda rangu rasviba ravakukwatanuka mapfupa angu anotsva nokupisa.
31
Chipendani changu chava nziyo dzokuchema nyere yangu yava yokutsinhira vanochema.”
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42