bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 5
Job 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 6 →
1
Chidanidziraka tione kana pane achakupindura ipapa ndiani pakati pavatsvene wauchazemberana naye?
2
Kuzvidya mwoyo kunouraya munhu kuya, kushatirwa kunouraya marema.
3
Ndakamboona ini benzi richidzika midzi. Pakarepo ndakati nzvimbo yake iwirwe norushambwa.
4
Zvokugarika kwavana vake hapana, padare mhosva ndeyavo chete, wokuvamiririra panenge pasina.
5
Zvaanokohwa zvichadyiwa zvazvo navane nzara vachizvitora kunyange mukati meminzwa, vane nyota vachitozvitsvira mwoyo.
6
Uipi haumeri pavhu nhamo hainyuki pasi.
7
Munhu ndiye anotozviparira, sezvinoita shiri ndidzo dzinotobhururuka mudenga.
8
Kana ndirini changu kutsvaka Mwari zvose zvinondinetsa ndozviturira kuna Mwari.
9
Anoita zvinhu zvikuru zvisingabatiki zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengeki.
10
Anonaisa mvura panyika anotuma mvura paminda.
11
Anosumudzira pamusoro vanozvidukupisa vanochema anovasimudzira mwoyo norufaro
12
anokangaidza mazano avane ujarijari kuti zvavanobata zvisabudirire.
13
Anobata vakachenjera muujarijari hwavo, zvirongwa zvavanyengedzi hazvitani kushaiswa basa.
14
Vanosangana naro rima zuva rakacheka nyika, vagoputaira masikati machena sokunge usiku.
15
Asi anonunura varombo pamiromo yavo navasina chavanacho mumaoko avane simba.
16
Nokudaro varombo vanowana chitarisiro vezvekushaisa vanhu ruenzaniso vachimbopfumbirawo muromo.
17
Zvake munhu anotsiurwa naMwari saka usazvidze shamhu yaSamasimba.
18
Anoruma achifuridzira, anokuvadza zvake asi maoko ake anorapa.
19
Achakununura kunhamo runosvika rutanhatu rwose kechinomwe aka hapana nyatwa inozokubatabata.
20
Panguva yenzara achakununura kurufu panguva yehondo achakununura kusimba rebakatwa.
21
Achakuvanza kunhamo yavanotuka nomuromo. Hauchazotya kuparadza kana kwauya.
22
Zvokuparadza nenzara uchazviseka zvikara zvenyika hauzombozvitya.
23
Nokuti unenge une usahwira nematombo uye uchinzwanana nezvikara zvesango
24
uchaziva kuti patendhe pako hapana njodzi, uchaongorora danga rako ugoona kuti hapana chisipo.
25
Uchazvionawo kuti zvizvarwa zvako zvichawanda zvizukuru zvigoita souswa hwenyika.
26
Uchasvika kuguva kwako wanyatsokwegura zvako. Sezvinoita tsanga yechisote chembesanwa inouya pokupurira panguva yayo.
27
Vedu wee izvi takazvitsvaka, ndezvechokwadi. Teererai muzvizive kuti zvinokubatsirai.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42