bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 32
Job 32
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 33 →
1
Varume vatatu ava ndopavakabva varega kupindurana naJobhu nokuti Jobhu aizviona saakarurama.
2
Asi Erihu mwana waBharakieri muBhuzi wedzinza rokwaRamu akashatirwa kwazvo akashatirirwa Jobhu nokuti akazviita mururami kupinda Mwari.
3
Akashatirirwawo shamwari dzake nhatu nokuti vakanga vasina kuwana nzira dzokupwisa nadzo Jobhu kunyange akati Jobhu ane mhosva.
4
Erihu haana kunge ataura kuna Jobhu nokuti vamwe vaya vakanga vari vakuru kwaari.
5
Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisina chokutaura, Erihu akaita hasha.
6
Naizvozvo Erihu mwana waBharakieri muBhuzi akati, “Ini ndiri muduku imi makura, naizvozvo ndanga ndichinyara ndichitya kukuudzai zvandinoziva.
7
Ndati regai vakura ndivo vataure vane makore aendedzana vape ungwaru.
8
Asi chaizvoizvo Mweya waSamasimba uri mumunhu femo raMwari ndiro rinopa kunzwisisa.
9
Vakura havasiri ivo chete vane ungwaru kana kuti vachembera vanonzwisisa zvine ruenzaniso.
10
Naizvozvo ndinoti chimboteereraiwo ndimbotaurawo zvandinofunga.
11
“Tarisai muone kuti ndanga ndakamirira kuti imi mumbotaura ndakateya nzeve kuhurukuro dzenyu dzoungwaru imi muchimbotsvaka zvokuti mutaure.
12
Ndanga ndakakuteererai zvangu ndikaona kuti hapana apwisa Jobhu uye kuti hapana mumwe pakati penyu akwanisa kunyatsopindura Jobhu.
13
Izvozvi mungati tazowana ungwaru zvino Mwari ngaave iye anomupindura kwete munhu.
14
Havana kutaura mashoko avo kwandiri saka ini handichavapindura namashoko enyu.
15
Varume ava vadumbirwa havachina chokupindura havachina chokureva.
16
Zvino ndoramba ndakamirira here zvavasisataure kudai zvavangomira zvavo kudai vasisapindure chinhu?
17
Ini ndichapindurawo chikamu changu iniwo ndichataura zvandinoziva
18
nokuti ndizere namashoko mukati umu ndiri kumonwa neshungu.
19
Mwoyo wangu waita sewaini isina pokubuda napo sezvigubhu zvewaini zvitsva zvava kuda kuputika.
20
Ndinofanira kuti nditaure ndipedze shungu dzangu. Ndinofanira kuzarura muromo nditaure.
21
Handisi kuzoita zvechizivano kana kuita zvokubata munhu kumeso.
22
Zvokubata vanhu kumeso handizvizivi musiki wangu angadai akanditora.”
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42