bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 11
Job 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 12 →
1
Zofa muNaamati akazotaurawo achiti,
2
“Iwo mashoko akawanda kudai haafaniri kupindurwa here? Iko kutaurisa kunoreva kuti munhu akarurama nhai?
3
Iko kubvotomoka kwako uku kunofanira kuita kuti vanhu vanyarare nhai? Kana ukataura marara poshaya wokukutsiura here?
4
Nokuti iwe unoti chidzidziso chako ndicho chechokwadi; woti saka ndakachena panaMwari.
5
Dai waro Mwari akambotaura, ambozarura muromo achitaura kwauri.
6
Ambokunyevera zvakavandika zvoungwaru hwake hunoshaisa vangwaru mazano. Ndopaungaone kuti Mwari arikutokukanganwira zvimwe zvakaipa zvako.
7
“Ungakwanise here kuera udzamu hwaMwari? Ungakwanise here kusvika kumuganhu waSamasimba?
8
Ko zvino zvahunopfuura matenga ungazvigone here iwe? Zvahwakadzika kupinda nzvimbo yavafi ungazivei?
9
Hwakareba kupinda nyika wakapamhama kupfuura gungwa.
10
Kana akakuvinga, akakusunga akakukwidza dare angamudzivise ndiani?
11
Vakaipa anovaziva zvakaipa zvavanoita anozviona achitonyatsozvicherechedza.
12
Benzi romunhu ringatozonzwisisa kana mbizi yabereka munhu.
13
“Dai kuri kuti unogadziridza hana yako ugosimudzira maoko ako kwaari,
14
dai ukakanda pasi kure uipi hwaunaho uchirega kuita ukama nechakaipa;
15
pakadaro, kana kusimudza musoro ungasimudze pasisina mhosva, wasimba uye usisatyi.
16
Ungatombokanganwa nhamo, uchitodziyeuka semvura yakayerera.
17
Upenyu hwako hunopenya kupinda masikati; rima rahwo, richiita samambakwedza.
18
Uchava nechivimbo nokuti unenge une chitarisiro, unenge wakanyatsodzika midzi wonyatsozorora wakagadzana mwoyo.
19
Kana worara unonorara zvakanaka pasina anokutyisidzira vazhinji vachatsvaka ushamwari newe.
20
Maziso avakaipa acharezuka, vasina pokupunyuka napo, chavanenge vongoda kufema femo ravo rokupedzisira.”
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42