bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 38
Job 38
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 37
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 39 →
1
Zvino Tenzi akazopindura Jobhu mukati medutu remhepo achiti,
2
“Ndianikowo zvake iyeyu anopinza zano murima nokutaura kwake kusina ruzivo,
3
chipfeka zvino uite somurume ndikubvunze, iwe unditaurire.
4
“Wakanga uri kupi iwe pandaidzika ugaro hwenyika? Taura zvako kana uchinzwisisa.
5
Ndiani akaisa miganhu yayo nokuti unozivaka iwe? Kana kuti ndiani akaiera netambo?
6
Ugaro hwayo hwakadzikwa pai, ndiani akaisa dombo rapakona,
7
Nyenyedzi dzemambakwedza padzakaimba pamwechete vana vaMwari pavakapururudza norufaro?
8
“Ndiani akazarira gungwa nemakonhi, parakanga richangobva mukuberekwa?
9
Pandakaita kuti makore ave hanzu dzaro nerima rakati kwirindindi kuti riiputire
10
ndikariisira miganhu nezvihuri nemakonhi
11
ndikati, ‘Apa ndipo paunogumira kwete kupfuura ipapa uye kuti masaisai ako anozvitutumadza ndipo paanomirira.’
12
“Wati wamboti mangwanani avepo here kubvira nokubvira kwoupenyu hwako nokupa mambakwedza chinzvimbo chawo,
13
asvike kuti abate kwakaperera nyika vakaipa vazunzwemo
14
achiasandura kuva matsvuku sekutsvukisa kunoita chidhindo pamunyakwe ichipindurwa ruvara sehanzu?
15
Vakaipa vanobva vambotorerwa mwenje wavo simba ramaoko avo richimbomiswa.
16
“Wati wambopinda here muzvisipiti zvegungwa, kana kufambawo zvako muhwenje hwakadzama?
17
Wati wambozarurirwa here misuo yorufu kana kuona makonhi okurima rakati ndoo?
18
Unonyatsozivisisa here iwe upamhi hwenyika? Nditaurire kana uchiziva.
19
“Nzira inoenda kumusha wechiedza ndeipi nokunogara rima ndokupi?
20
Waigonaka kutondozviisa kunzvimbo yazvo, unozivaka iwe nzira yokumusha kwazvo.
21
Unoziva iwe nokuti ipapo wakanga watoberekwa, nokuti nguva youpenyu hwako yakareba.
22
“Wakambopinda here mudura ramazaya echando, kana kudura rechivhuramahwe,
23
zvandakachengetera nguva yokunge zvinhu zvaipa, nguva yehondo nokurwa?
24
Unoziva here nzira inopararaniswa nayo chiedza uye kuti mhepo yokumabvazuva inoparadzirwa sei panyika.
25
Ndiani akachera migero yemvura yamapopopo, napanofamba namabhanan'ana?
26
Achinaisa mvura panyika isina ari kugarapo, mugwenga musina munhu.
27
Achinyorovesa renje zvaro rakaoma achiita kuti ivhu rimere uswa
28
mvura inonaya ina baba here, ndiani akabereka madonhwe edova?
29
Mazaya echando akabva mumimba maani? Ndiani akabereka chando chinochena chedenga?
30
Mvura inogwamba kuita sedombo pamusoro pehwenje hwegungwa panogwamba.
31
“Unogona here iwe kusunga tambo dzenyenyedzi dzechinyamutanhatu, kana kusunungura tambo dzenyenyedzi dzechinyamutatu?
32
Unogona here kutungamirira boka renyenyedzi nemakwara aro? Ungatungamirire hweva navana vayo here?
33
Unoziva here mitemo yamatenga, ungadzike here mitemo yawo panyika?
34
Ungadaidzire here kumakor? uchiaudza kuti mvura zhinji ikufukidze.
35
Unogona here kutumira mheni kuti dziende, idzo dzichiti tiri pano?
36
Ndiani akaisa ungwaru mumakore kana kupa kunzwisisa kumhute?
37
Ndiani nenjere dzake angaverenge makore kana angarereke maguchu iwayo amatenga?
38
Nyika ichibva yanyongodeka kuva chinhu chimwechete madhaka achikurumidza kubatana. Zvishamiso zvemhuka dzesango.
39
“Ungavhimire here mhuka, shumba, kana kugutsa nhomba yeshumba dzechidiki?
40
Padzinoti hwatata mumapako adzo kana padzinovanda muuswa.
41
Ndiani anopa rukodzi nyama vana varwo pavanochemera kuna Mwari vachidzungaira pamusana pokushaya chokudya?”
← Chapter 37
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 39 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42