bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 28
Job 28
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 29 →
1
“Inga ungwaru hunopfuura njere dzomunhu sirivha ine migodhi yayo kune nzvimbowo yokunatsa ndarama.
2
Simbi inocherwa muvhu mhangurawo inonyungurutswa ichibva mumatombo.
3
Munhu ndiye anotoisira rima miganhu, achichera kusvika kwakadzama chaiko, kumatombo ari kuhwenje hwerima.
4
Munhu anogona kuchera migodhi kure nokunogara vanhu, munzvimbo dzakakanganika norutsoka rwomunhu vachiita muzeerere netambo kure navanhu
5
muvhu munobva chokudya asi zviri pasi apa zvinopinduka kunge moto.
6
Mumatombo munogara matombo esafaya uye mune huruva yendarama.
7
Nzira yacho iyoyo haisati yabhururuka neshiri kunyange ziso rorukodzi harisati ramboiona.
8
Zvikara zvinoti ndisu pano, hazvisati zvambokutsika. Shumba haisati yambokufamba.
9
Munhu anochera dombo romusarasara achipidigura makomo kusara aisa midzi yawo pachena.
10
Anoita mwena mumatombo ziso rake richiona chose chakakosha.
11
Anoita madhamu kunotangira tukova kuitira kuti zvakavandika zvibude pachena.
12
“Asi ungwaru hunowanika kupi? Kunzwisisa kunogarepi?
13
Munhu haazivi nzira yoko uye hauwanikwi munyika yavapenyu.
14
Hwenje hunoti hausi mandiri, gungwawo rinoti hausi neni.
15
Haugoni kutsinhaniswa nendarama haugone kuyerwa nomutengo wesirivha.
16
Haugoni kuenzaniswa kukosha kwahwo nendarama yeOfiri kana nokukosha neOnikisi kana neSafaya.
17
Ndarama kana girazi hazvingaenzaniswi naho, kana kutsinhaniswa nezvishongo zvendarama yakanakisisa,
18
tisingamboswerozvienzanisa zvedu nekarari kana nekiristari mutengo woungwaru uri pamusoro pewemapera.
19
Matombo eTopasi ekuEtiopia haangamboenzaniswa nahwo kana kuera kukosha kwahwo nendarama yakanakisisa.
20
“Ko zvino hungwaru hunobva kupi? Kunzwisisa, nzvimbo yako iri kupi?
21
Yakavandika kuvapenyu vose yakahwanda kushiri dzedenga.
22
Nzvimbo yavachakabvu norufu zvinoti takangonzwa chete runyerekupe rwahwo nenzeve.
23
“Mwari ndiye anonzwisisa nzira yokuungwaru uye anoziva nzvimbo yahwo
24
(Nokuti anoona kwakaperera nyika uye anoona chose chiri pasi pedenga.)
25
Paakapa mhepo simba rayo achiyera mvura nechiyereso
26
achipa mvura inonaya mitemo yayo, nemheni inodhiriridza nzira yayo
27
ndopaakanyatsohuongorora akahuona akahurangarira akahuera udzame hwahwo.
28
Ndipo paakati kuvanhu kutya Mwari ndihwo hungwaru kunzvenga chitadzo ndiko kunzwisisa.”
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42