bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 19
Job 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 20 →
1
Mhinduro yaJobhu kuna Bhiridhadhi. Jobhu akapindura achiti,
2
“Kusvikira riniko chokwadi muchindirwadzisa kudai nokundisakadza namazwi kudai?
3
Rwatosvika rugumi rwose muchindinyomba. Hamunyari here imi kundiitira zvakaipa?
4
Dai kuri kuti ndakakanganisa zvechokwadi mhosva yacho ndeyanguka ini.
5
Kana imi mavakutoita zvokuzvionesa kwandiri muchitosevenzesa kuninipiswa kwangu sechinhu chokuratidza nacho kuti ndine mhosva,
6
mochizviziva kuti Mwari ndiye akandipiya akandimbundira namambure ake.
7
Ini ndikapopota nezveutsinye hwakadai hapana anondinzwa. Ndinodanidzira asi ruenzaniso hapana.
8
Akavaka panzira pangu rusvingo zvokuti handikwanisi kupfuura, akakwidibira nzira yangu nerima.
9
Akandikurumura mbiri yangu akandikutunura mumusoro ngundu yangu.
10
Anondityoranisa kumativi ose zvokuti ndaenda ini, chitarisiro changu akachitipura somuti.
11
Anondivirukira nehasha achinditora semuvengi wake.
12
Hondo dzake dziri kukokana dzinouya dzakanangana neni dzichikomba tendhe rangu.
13
“Akanditsauranisa navakomanavanun'una vangu. Hama dzangu dzakapesaniswa neni.
14
Hama neshamwari dzangu dzapamwoyo dzakandinyengedza vanhu vokuziva chaivo vakatondikanganwa.
15
Vari kuroja mumba mangu vakandikanganwa vasikana vebasa wava kutondiona somusevenzi. Mupfungwa dzavo ndatova mutorwa zvangu.
16
Ndinodaidza musevenzi wangu asi haadaviri, ini ndini ndavakutoita zvokumuteterera.
17
Kamweya kandava nako kava kunhuwa kumudzimai wangu, ndava kusemesa kuvana vamai vangu chaivo.
18
Kunyange vana vaduku vavakundishora, ndikati ndisimukewo vanondisveeredza.
19
Shamwari dzangu dzose chaidzo dzavakundisema chaivo vangu vapamwoyo vavakundipandukira.
20
“Mapfupa angu aomererana neganda; aomererana nenyama yangu. Ndichatopona napaburi retsono chaipo.
21
Ndinzwireiwo tsitsi, ndinzwireiwo tsitsi imi shamwari dzangu. Ruoko rwaMwari rwandirova.
22
Ko munodireiko kundironda sezviri kuita Mwari? Hamugutsikani here nokundishora zita kwamunoita?
23
“Dai mazwi angu angonyorwawo, adhindwa zvawo mubhuku.
24
Zvinyorwe nepenzura yesimbi nomutobvu zvitemerwe pabwe nokusingaperi.
25
“Ndinoziva kuti mununuri wangu mupenyu pakuguma achamira pamusoro payo nyika.
26
Mushure mokunge ganda rangu raora saizvozvi ndisisiri mumuviri wangu ndichaona Mwari.
27
Wandinozvionera iyeni, ndichamuona pachangu namaziso angu kwete mumwe. Mukati mangu umu ndapera nokuzvisuwira.
28
Nokuti imi munoti tingamutambudze sei mhosva tingaiwane sei maari.
29
Munofanira kutya bakatwa rakakutarisai nokuti hasha dzinounza kuranga kwebakatwa kuti muzive kuti kutongwa kuripo.”
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42