bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 42
Job 42
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
1
Jobhu akapindura Tenzi achiti,
2
“Ndinoziva kuti munokwanisa kuita zvinhu zvose uye kuti pazvinhu zvose hapana chingakudzivisei kuita zvamunenge muchida kuita.
3
Munobvunza kuti ndianiwo zvake iyeyu anovandisa urongwa nokutaura kwake kusina ruzivo? Ichokwadi kuti ndakataura ndisina runzwisiso, zvinhu zvakadzamisisa kwazvo kwandiri zvandanga ndisizingazivi
4
chiteererai ndichitaura ndichakubvunzai imi munditaurire.
5
Ndakanga ndichingokunzwai nenzeve asi zvino ndinokuonai namaziso.
6
Naizvozvo zvose zvandakataura ndiri kutonyara nazvo uye ndinopinduka ndiri muhuruva namadota.”
7
Kuzoti Tenzi apedza kutaura mazwi aya kuna Jobhu akati kuna Erifasi Mutemani, “Ndinokuvirukirai nehasha iwe neshamwari dzako mbiri nokuti hamuna kutaura zvakarurama nezvangu sezvakaitwa nomuranda wangu Jobhu.
8
Chitotorai zvenyu handira nomwe nohondohwe nomwe muende nadzo kumuranda wangu Jobhu muzvipirire mupiro wokupisa. Muranda wangu Jobhu achakunamatirai nokuti munamato wake ndichaugamuchira kuti ndirege kukuitirai zvinowirirana noupenzi hwenyu nokuti imi hamuna kutaura zvakarurama nezvangu somuranda wangu Jobhu.”
9
Naizvozvo Erifasi Mutemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofa muNaamati vakaenda vakandoita zvavakaudzwa naTenzi. Tenzi akagamuchira munamato waJobhu.
10
Tenzi akadzorera Jobhu upfumi hwake paakanamatira shamwari dzake. Tenzi akapa Jobhu zvakapetwa kaviri pane zvaakanga anazvo.
11
Vakomanavanun'una vake nehanzvadzi dzake navamwe vose vaimuziva vakauya kwaari kuzodya naye. Vakamunzwira urombo vakamunyaradza pane zvakaipa zvose zvakanga zvaunzwa naTenzi pavari. Mumwe nomumwe wavo akavapa mari neringi rendarama.
12
Tenzi akakomborera mazuva aJobhu omushure kutokunda okutanga. Akazova nehwai zvihuru gumi nezvina, nengamera zvihuru zvitanhatu, nezvipani zvenzombe churu, namadhongi makadzi churu.
13
Akaita vana vakomana vanomwe navasikana vatatu.
14
Akatumidza wokutanga zita rokuti Jemima, wechipiri akamuti Keziya, wechitatu akamupa zita rokuti Kerenihapuku.
15
Pasi pakanga pasina vakadzi vakanaka uso kudarika vanasikana vaJobhu. Baba vakavapa mugove pamwechete nehanzvadzi dzavo.
16
Mushure maizvozvi Jobhu akagara zana namakumi mana amakore. Akaona vana vake, navana vavana vake kusvika kuchizvarwa chechina.
17
Jobhu akazofa achembera anyatsokwegura.
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42