bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 15
Job 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 16 →
1
Erifasi muTemani ndopaakazopindurawo achiti:
2
“Iye munhu woungwaru anofanira kuita mwando here pakupindura achitozviti shutu kudaro nemwando wokumabvazuva,
3
achizvidzivirira namazwi asina chimuko namashoko asina maturo?
4
Zvokuremekedza Mwari wavakuti ngazvipere uchitotadzisa anoda zvake kunamata Mwari.
5
Uipi hwako ndihwo hunokutunza kuva napamuromo, uye unosarudza matauriro ohujarijari.
6
Muromo wako ndiwo unokubatisa nemhosva kwete ini. Muromo wako ndiwo unopupura kuti une mhosva.
7
“Ndiwe wokutanga kuberekwa here iwe? Wakatangira makomo kuzvarwa here?
8
Zvinoreva here kuti wakamboteerera padare raMwari, iwe? Saka unoti ungwaru ndohwako iwe chete nhai?
9
Chaunoziva iwe chatisingazivi chii? Chaunonzwisisa chatisinganzwisisi isu chii?
10
Vachena musoro navakwegura varimo mukati medu, vakuru kuna baba vako.
11
Iwo mazwi aMwari okunyaradza aita madiki kwauri nhai, kanawo mazwi akapfava ari kutaurwa kwauri?
12
“Unoitirei manyawi kudai uchitoringaringa maziso kudaro,
13
zvaunotovirukira Mwari nehasha kudaro uchingobvotomoka zvako kutaura?
14
Munhu angave mutsvene sei chaizvo? Munhuwo zvake akaberekwa nomunhukadzi angave pachokwadi sei?
15
Inga Mwari haavimbi navatsvene vake wani, Kunyange matenga chaiwo haana kuchena kwaari.
16
Ko kutozotiwo zvake munhu akanyangara ane tsika dzakaora anonwa uipi semvura.
17
Chiteerera unzwe ndikudziidzise ndichakutaurira zvandakaona,
18
zvakataurwa navangwaru, zvisina kuvanzwa namadzibaba vavo,
19
ivo voga vakapiwa nyika vakanga vasina mutorwa pakati pavo.
20
Upenyu hwavakaipa inhamo yoga isingaperi, munhu anobata vamwe noutsinye makore aakapiwa ndookutoverenga.
21
Inogara iri mhere chete munzeve dzake, akati agarike, yauya mharadzi.
22
Haangambofunga kuti murima achamubuda. Asi chaanoziva ndechokuti chake chaatemerwa kuuraiwa nebakatwa
23
ichiva nyama yamagora. Anoziva kuti zuva rokuparadzwa kwake rosvika.
24
Kuzvidya mwoyo nokushungurudzika kunomurwisa, samambo aronganisa hondo kuti achirwa.
25
Nokuti akasimudza ruoko rwake kurwisa Mwari akaita chivindi chokusaremekedza Samasimba.
26
Anomhanya kwazvo akateya musoro nenhoo inorema,
27
nokuti akafuta kumeso aine hutsakutsa dzezvidya.
28
Nokuti agere mumaguta ava matongo, mudzimba dzisingafaniri kugarwa nomunhu mudzimba dzavakuda kuva matongo.
29
Haambopfuma, uye upfumi hwake haugari kunyange mumvuri wake chaiwo hauzova panyika.
30
Haazokwanisa kupunyuka rima, marimi omoto achaomesa mabukira ake maruva ake achapupurutswa nemhepo.
31
Ngaarege kuvimba nezvisina maturo achizvinyengedza. Nokuti zvisina maturo ndizvo zvichava mubayiro wake.
32
Achauna nguva yake isati yasvika, mapazi ake asati ambopfumvudza.
33
Achazunzika magirepisi ake asina kuibva somugirepisi, achidonhedza maruva ake somuorivhi.
34
“Gungano ravakan'ora harina michero yarinobereka. Misha yevepfumbamuromo ichaparadzwa nomoto.
35
Mhodzi yavanodyara mumwoyo yavo unhunzvatunzva, vanotakura uipi, unyengedzi ndiye mwana wacho wavanobereka.”
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42