bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 20
Job 20
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 21 →
1
Zofa muNaamati akapindura achiti,
2
“Pfungwa dzangu dzinondipa kuti ndipindure pamusana peshungu dzandibata.
3
Pfungwa dzandanzwa dzinondishatirisa, mweya unopfuura kunzwisisa kwangu ndiwo unondipa minduro.
4
“Unoziva wani kuti kubvira pasi chigare, kubvira pakaiswa munhu panyika,
5
rufaro rwavakaipa rupfupi. Kupembera kwavakang'ora ndekwechinguvana chete.
6
Kunyange akati dzuu kumira kusvika kumatenga, musoro wake uchisvika kumakore,
7
anoparara sendove yake. Vakambomuona vanenge vavakutoti, ‘Aripi?’
8
Anobhururuka sechiroto asingazowanika, anonyangarika sechioniso chousiku.
9
Ziso raimbomuona harizomuonazve. Haazomboonekwazve panzvimbo pake.
10
Vana vake ndivo vanotozoripa varombo, ivo namaoko avo vachadzorera upfumi hwake.
11
Mapfupa ake azere simba rouduku, asi richazoti rakata kurara pamwechete naye.
12
Kunyange uipi huchimbonaka mukanwa make, achihuviga pasi porurimi rwake,
13
achinyatsohuchengetedza asingahurasi, achihuchengetedza mukanwa make.
14
Asi chokudya chake chinosanduka mudumbu make chichiita sechepfu yemvumbi.
15
Anomedza upfumi asi anozohurutsa. Mwari anomurutsisa upfumi ihwohwo.
16
Aiyamwa chepfu yemvumbi rurimi rwechiva runomuuraya.
17
Haachazoonazve hova dzamafuta kana tukova twouchi neruomba.
18
Achadzorera muchero webasa rake asina kumboudya. Zvaanowana pashawo dzake hazvimbomupa mufaro.
19
Akabata varombo zvisina kunaka akavasiya vasisina chavanacho, akapamba imba yaasina kuvaka.
20
Kudokwairira zvinhu kwaimushaisa zororo, chaainge atorwa mwoyo nacho haaichirega chichimupunyuka.
21
Haaisiya chinhu mundiro saka zvokubudirira kunoenda mberi hapana.
22
Paanenge ane zvose zvaanoda kuzvidya mwoyo kunobva kwamupinda ndopaanowirwa chaizvo nenhamo.
23
Angazadze zvake dumbu asi Mwari anomuvirukira nehasha shamhu dzigonaya paari sechokudya chake.
24
Achatiza zvako chombo chokurwa chesimbi achibva anzi mbetete nomuseve wendarira.
25
Unonoburitsa muromo wawo neseri uchinyiminya muromo wabva nomunduru agongweda nokutya.
26
Rima rakati kwirindindi rakamumirira, moto usingafutidzwi uchamuroromesa zvinenge zvasara mutendhe zvichaparadzwa.
27
Denga richaratidza pachena uipi hwake, nyika ichamupandukira.
28
Upfumi hwemba yake huchayeredzwa hugokukurwa pazuva rehasha dzaMwari.
29
Uyu ndiwo mugove waMwari kumunhu akaipa ndiwo mubayiro waanotemerwa naMwari.”
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42