bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 3
Job 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 4 →
1
Mushure maizvozvo Jobhu akademba kuti dai zuva rake rokuberekwa risina kumbovepo.
2
Jobhu akati:
3
“Dai zuva randakaberekwa ratsakatika zvaro pamwe nousiku hwakanzi kwabatwa pamuviri mwana mukomana.
4
Dai zuva iroro rangove zvaro zarima Mwari ari kumusoro dai arega zvake kuritsvaka uye dai chiedza charega kurivhenekera.
5
Dai rangokwidibirwa nezarima uye nerima rakati kwirindindi sorufu. Dai rangonzi gude-gude negore rive rinotyisa nokusvipa kwaro.
6
Usiku ihwohwo ngahunzi pute nezarima. Pamazuva egore ngarirege kuva zuva rorufaro; ngarirege kuva rimwe ramazuva egore, rirege kumbopinda zvaro mukuverengwa kwemwedzi.
7
Ngahuve usiku husina mbereko hurege kumbonzwika mupururu wokufara.
8
Vanorengerera rushambwa dai vangorirengerera, vanokwanisa kumutsa zigaranyanya.
9
Nyenyedzi dzamambakwedza aro ngadzisvibe. Ngaritarisire chiedza asi risambochiwana rirege kumboona kana romoromo zvaro ramambakwedza
10
nokuti harina kupfiga misuo yemimba yaamai vangu kana kuti meso angu asatarise nhamo.
11
Ndakaregereiko kungofa zvangu pakuberekwa, ndichingoti budei mudumbu ndichibva ndangofa zvangu.
12
Zvakamboitikireiko kuti ndive pamakumbo uye kuti avepo mazamu okuti ini ndiyamwe?
13
Nokuti iye zvino ndingadai ndakarara zvangu muguva, ndinyerere ndiine zororo
14
pamwechete namadzimambo namakurukota enyika vakazvivakira matongo,
15
kana kuti namachinda ane ndarama, akanga akazadza dzimba nesirivha.
16
Ko ndakaregereiko chaizvo kungovawo zvangu gavamwedzi risingazivikanwi zvaro sesvava dzisina kumboona chiedza?
17
Ikoko vaipi zvokutambudza zviya zvinopera; ikoko vanenge vaneta nebasa vanowana zororo.
18
Ikoko vasungwa vanozorora pamwechete; zvokukararirwa nomushandisi webasa vanenge vasisazvinzwi.
19
Vanhuwozvavo navakuru vakuru variko uye varanda vano rusununguko kuna vatenzi vavo.
20
Ko chiedza chinopirweiko vari munhamo zvavo uye upenyu hunopirwei vari kushushikana mumwoyo?
21
Vanosuwira rufu asi rufu rwusingauye, vanoruchera kupinda pfuma yakavandika,
22
vanotopembera zvikuru nokufara kana vawana zvavo guva?
23
Chiedza chinopirwei munhu apiwa chidzimira akaiswa naMwari parumananzombe.
24
Mafemo angu ndiwo atokunda chokudya changu. Kugomera kwangu kunoteurirwa pasi semvura.
25
Nokuti chandinotya chacho, ndicho chinondiwana; chandinozeza ndicho chinondiwira.
26
Handina kugadzikana mwoyo uye handina runyararo mumwoyo mangu, ndisati ndambozorora nhamho yauya.”
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42