bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 36
Job 36
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 37 →
1
Erihu akaenderera mberi kutaura achiti,
2
“Chimbondiitirai zvenyu mwoyo murefu. Ndikuratidzei kuti pachine zvimwe zvokutaura ndakamiririra Mwari
3
zvandinoziva zvinosvika nokokoko. Ndicharatidza kuti musiki wangu mururami
4
nokuti chokwadi chaizvo zvandinoreva hazvisi nhema. Wamunaye izvozvi ndoweruzivo rwakaperera.
5
“Chinzwai munzwe Mwari ane simba uye haana waanoshora Mwari ishasha pasimba rokunzwisisa.
6
Havaite kuti vakaipa varambe vari vapenyu, vanotambura anovapa zvavanofanira kuva nazvo.
7
Ziso rake haribvi pamururami asi anovagadza namadzimambo pazvigaro zvoumambo anovagadza nokusingaperi vachizorumbidzwa.
8
Kana vari muusungwa netambo, vakasungwa netambo dzezvinorwadza.
9
Ipapo anovazivisa zvavakaita nezvavakanganisa nokuti vanenge vachizvikudza.
10
Anovazarura nzeve kuzvidzidziso achiti vadzoke vachibva kuuipi.
11
Vakateerera nokumushandira, vanopedza mazuva avo mukubudirira, uye makore avo mumutambaratede.
12
Vakarega kuteerera, vanopera nebakatwa rehondo vachifa vasina zvavanoziva.
13
Vasiri vanamati, mumwoyo mavo vanofarira hasha, havacheme kwaari kuti avabatsire kana avasunga.
14
Vanofa vari vadiki, ndihwo upenyu hwacho pakati pemhombwe dzepatemberi.
15
Asi Mwari anonunura vari munhamo nenhamo iyoyo achivazarura nzeve nokutambudzika ikoko.
16
“Kunyange imi, ari kuda kukubvisai munhamo kuti akuisei munzvimbo yakafara isina kumanikana. Tafura yenyu yakanga yakazara nokudya.
17
Imi makazadzisa mamuri kutongwa kwavaipi kutongwa noruenzaniso zvakuwanai.
18
Chenjerai kunyengedzwa nepfumbamuromo kana kutsautswa noupfumi.
19
Hazvina chimuko kuti mukumbire rubatsiro. Simba renyu rose harikwanisi kukubatsirai zvino.
20
Musasuwire kuti usiku husvike nguva inotsakatiswa marudzi avanhu kubva mumisha yavo.
21
Chenjera kuti usapindukire kune zvakaipa ndokusaka iye zvino uchiedzwa nenhamo.
22
Tarisai muone kuti Mwari, anokudzwa kwazvo pasimba rake. Ndiani mudzidzisi akaita saiye?
23
Ndiani akamutaurira maitiro aangaite. Ndiani angati kwaari wakatadza?
24
Rangarira kurumbidza mabasa ake akaimbwa navanhu.
25
Munhu wose anoaona, munhu anoatarisa nokure.
26
“Chinzwai munzwe, Mwari mukuru zvokuti hatimuzivi, kuwanda kwamakore ake hakuverengeki.
27
Nokuti anoumba madonhwe emvura, ndimo mozobva mvura inonaya kusvika kumhute.
28
Ndiyo yacho inozonaiwa namatenga ichidururika zvakanyanya pavanhu vose.
29
Pane munhu anganzwisise here kupararira kunoita makore uye kuti munotinhira sei mukazumba kake ikako?
30
Hauone here kumwararisa kwaanoita mheni paari? Inozadza kunyange hwaro hwegungwa.
31
Ndizvo zvaanotonga nazvo vanhu achipa vanhu chokudya chakawanda.
32
Anozadza mheni muchanza achiiti irove paanoda kuti irove.
33
Kudhiriridza kwayo kunoyambira kuuya kwedutu, kunyange mombe dzinonzwa kuti iri kuuya.”
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 37 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42