bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 39
Job 39
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 38
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 40 →
1
“Unoziva here nguva inobereka ngururu? Wakamboona here mhara painobereka?
2
Wati wamboverenga here mwedzi yadzinotora? Unoziva here nguva yadzinozobereka,
3
padzinogodama dzavakubereka, dzichisungunuka pamutowo wadzo?
4
Vana vadzo vanokura musango, vanozoenda uye havazodzoka kwavari.
5
“Ndiani akapa dhongi romusango rusununguko rwarinarwo? Ndiani akasunungura makashu embizi?
6
Ndakaripa renje kuti rive musha waro, mapani omunyu kuti ave pokugara paro.
7
Rinotoseka zvaro bongozozo romuguta, hariteerere kuzhamba kwomuchairi.
8
Makomo arinombeya nawo ndiwo ufuro hwaro richitsvaka chose chinomera chinyoro.
9
“Nyati ingabvume here kukubatira basa, ingabvume here kuve muchidyiro chako?
10
Ungaibope mumuforo nezvitorobho here kana iyo kukuharira bani ichikutevera?
11
Ungavimbe here nesimba rayo guru, ungairege ichikuitira basa here?
12
Ungavimbe nayo here kuti inodzoka, ichiuya nembeswa dzako kuburiro?
13
“Mapapiro emhou anobhabhama nomufaro minhenga namanhenga ayo zvakafanana here nezveshuramurove?
14
Inosia mazai ayo pasi kuti adziiswe pavhu,
15
ichikanganwa kuti rutsoka rungaapwanya, mhuka dzesango dzingaatsokodzere.
16
Inobata vana vayo zvino utsinye sokunge vasiri vana vayo kunyange zvichizoita kuti basa rayo rive risina chimuko asi haityi,
17
nokuti Mwari akainyima ungwaru, akarega kuipa mugove wokunzwisisa.
18
Asi ikati fukusu kutiza inotoseka zvayo bhiza nomutasvi waro.
19
“Ndiwe unopa bhiza simba raro here? Ndiwe here unoripa mutsipa waro simba?
20
Ndiwe here unoripa kuchirika semhashu, kufemuruka kwaro kunotyisa?
21
Rinogiga pasi mubani, rinozvitora nesimba raro. Rinoenda kundosangana nezvombo zvokurwa.
22
Kutya rinokuseka, uye harivhunduki. Haridzokeri shure nokutya bakatwa.
23
Goba remiseve rinongwerengwedza kumusana kwaro. Pamwechete nepfumo rinopenya nepfumo diki.
24
Rinozuzuma namanyawi rigopedza pasi, harimiri kana hwamanda yarira.
25
Panorira hwamanda harizobatiki ari kure anonzwa hondo kunhuhwa, kuriridza nokuzhamba nokukaradza kwavatungamiri vehondo.
26
“Ungwaru hwako here hunoita kuti rukodzi rubhururuke ruchitambanudzira mapapiro arwo kuenda kumaodzanyemba?
27
Ndiwe unoudza gondo kuti ribhururuke muchadenga here kuti rinoita dendere raro pamusoro?
28
Rinondogara padombo richiita musha waro pamawere edombo rine man'an'a.
29
Ndoparinonyatsocherechedza nyama yaro, ziso rinoiona riri kure.
30
Kunyange vana varo vanosveta ropa, panenge pangofa chinhu iro riripo.”
← Chapter 38
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 40 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42