bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 4
Job 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 5 →
1
Hurukuro dzokutanga. Erifasi muTemani akapindura achiti,
2
“Kuri kuti munhu ataura nemi mungashatirwe nazvo here, asi ndiani angarege kutaura?
3
Inga makadzidzisa vazhinji mukasimbisa maoko asina simba.
4
Mashoko enyu akatsigira ainge odzadzarika mukasimbisa mabvi akarukutika.
5
Asi nhasi zvakuwanaiwo, zvino motadza kugadzikana. Asi zvino zvakubatai mabva mava kurasa mwoyo.
6
Handiti kutya kwenyu Mwari ndiko kwamunovimba nako, kuva pachokwadi mumaitiro enyu kuri iko chitarisiro chenyu?
7
“Chimbozvifungaiwo zvenyu kuti ndiani aiva mururami akaparara uyewo ndokupi mururami kwaakaparadzwa?
8
Zvandakaona zvangu ndezvokuti vanorima huipi nokudyara nhamo vachakohwawo zvimwechetezvo,
9
vanoparadzwa nefemo raMwari vachatsakatiswa nomweya wehasha dzake.
10
Kuomba kweshumba kwapera, nenzwi rinotyisa remhondoro. Mazino eshumba dzichiri kuzvinzwa akatyorwa.
11
Gono reshumba riri kuparara nokushaya nyama vana veshumbahadzi vapararira.
12
“Zvino pane shoko rakaunzwa kwandiri muchivande nzeve yangu yakanzwa zevezeve raro.
13
Pfungwa yechiroto chinotyisa vanhu paye patinobatwa chaizvo nehope.
14
Ndakawirwa nokutya kukuru uye ndakadedera zvakaita kuti mapfupa angu angwedereke.
15
Mhepo yakati fefefe napandiri mvere dzomuviri wangu dzikamira kuti twi.
16
Pakamira chimwe chinhu chandisina kuona mamiriro acho chakamboti mirei pamberi pangu ndokuti ziro-o ndokuzonzwa izwi richiti.
17
“Ko iye munhu zvake anofa angava munhu akarurama here pamberi paMwari? Munhu angave mutsvene here pamberi pomusiki wake?
18
Haavimbi kunyange nevaranda vake kunyange vatumwa anovabata nemhosva.
19
Ko kutozotiwo zvavo vanogara mudzimba dzevhu dzine ugaro hwadzo muvhu vanofa sebetebeswa.
20
Pakati pamangwanani namanheru vanoparadzwa, vanotsakatika pasina anombozviona.
21
Kunyange tambo yakatumba kavo yavhomorwa vanofa vasina kana ungwaru.”
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42