bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Job 31
Job 31
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 32 →
1
Ini ndakatsidzira maziso angu kuti haachazotarisa musikana ndichimuchiva.
2
Pakadaro ndingawane mugove wei kubva kuna Mwari kumusoro kana nhaka yangu, kubva kuna Samasimba kumusoro.
3
Handiti vasina kururama vanowirwa here nenhamo navaiti vezvakaipa vachiwirwawo nejambwa?
4
Asi iye, handiti anoona magariro angu achiverengawo nhanho dzangu dzose?
5
Dai kuri kuti ndakashamwaridzana nenhema rutsoka rwangu ruchimhanyirirana nounyengedzi,
6
Mwari ngaandiere muchikero chiri pachokwadi achaziva kuzvibata kwangu.
7
Kana ndakatsauka panzira ndikatevera meso meso angu, uye kana maoko angu anechakaipa chakanamirana nawo,
8
pakadaro regai ndidyare asi mumwe ave ndiye anochidya uye mbeswa dzangu ngadzidzipurwe zvadzo.
9
Kana ndakatorwa mwoyo nomumwe mukadzi uye kana ndakamiramira pamusuwo womumwe wangu
10
mudzimai wangu ngaanokuya mbeswa dzomumwe atorwe zvake nomumwe murume.
11
Nokuti ingadai iri mhaka yakaipisisa kwazvo. Hungadai huri huipi hunofanira kurangwa navatongi.
12
Ungadai uri moto unoparadza nokusingaperi ungadai uchitopisa zvinhu zvangu zvose kusvika pokupedzisira pazvo.
13
Kana ndakaramba kunzwa chichemo chomuranda wangu wechirume kana wechikadzi chokundinyunyutira,
14
ndinozoita sei kana Mwari asimuka, kana wobvunza ndichamupindurei.
15
Ko iye akandisika munhumbu haasiriye akavasikawo here? Akatisika tose, haasiriye mumwechete here?
16
Kana ndarambira chaidiwa nomurombo kana kudzimaidza chirikadzi,
17
kana kudya ndoga mukonde ndichinyima nherera
18
nokuti kubvira pahuduku hwake ndaimurera sababa kubvirawo mudumbu mamai vake ndakamutungamirira.
19
Dai kuri kuti ndakaona munhu achiparara pamusana pokushaya hembe kana kuti murombo asina chokupfeka
20
kana kuti muviri wake usina chaungati ngandikomborerwe nacho pamusana pokumudziisa nemvere dzehwai dzangu.
21
Kana dai kuri kuti ndakasimudza ruoko rwangu kurwisana nenherera ndichiziva kuti ndine simba padare,
22
pakadaro bendekete rangu ngarikwachukire pasi ruoko rwangu rwudambuke pamasanganirano arwo
23
nokuti ndaitya nhamo yaizobva kuna Mwari uye handaimbopamira noukuru hwake.
24
Dai ndakaisa mwoyo wangu mundarama kuti ndichiti ndarama ndiyo yondovimba nayo.
25
Dai ndaifarisa pamusana pokuwanda kwoupfumi hwangu kana kuti ndawana zvakawanda namaoko angu.
26
Dai kuri kuti ndakatarisa zuva nezuva ndakambotorwawo mwoyo parino penya kana nemwedzi mukufamba kwawo kunoyevedza
27
ndikatorwa mwoyo ndikazviombera muchivande
28
chingadai chiri chitadzo chinofanira kurangwa navatongi nokuti ndingadai ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusorosoro.
29
Dai kuri kuti ndakafarira kuparara kwomuvengi wangu kana kufara paainge awirwa nenhamo.
30
Handina kurasa muromo ndichiti dai awana chinomuwana.
31
Pane womumusha mangu here akanga asingati, Ndiani asina kumboguta nenyama yake?
32
Hapana muenzi akamborara panze mukova wangu waigara wakazurukira vaenzi.
33
Dai kuri kuti ndakavigiridza uipi hwangu kuvanhu nokuviga uipi hwangu mumwoyo
34
pamusana pokutya uzhinji hwavanhu kana kutya kushorwa nemhuri zvokuti ndainyarara ndisingabudi mumba.
35
Dai ndiine angandinzwewo zvake ini ndasaina; iye Samasimbaose ngaachindipindura; mupomeri wangu ngaaite mhosva yangu yokunyora,
36
ndingatoita yokutakura pafudzi, ndaitosungirira mumusoro sendaza,
37
ndaimurondedzera zvose zvandakaita, ndaienda kwaari somuchinda.
38
Kana kuri kuti nyika yangu yakachema neni zvichibatsirana nemakoronga,
39
kana ndakadya chayo pasina muripo ndikakonzera rufu rwavaridzi vayo, dai mukamera zvamo minzwa panze pekoroni uye sora panze peBhari.
40
Ndipo pakaperera Jobhu kutaura.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42