bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 1
Matthew 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 2 →
1
Bhuku renhoroondo yamadzinza aJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu.
2
Abhurahamu wakabereka Isaka, Isaka akabereka Jakobho; Jakobho akabereka Judha navana vamai vake,
3
Judha akabereka Faresi naZara kunaTamari; Faresi akabereka Esiromi; Esiromi akabereka Arami;
4
Arami akabereka Aminadhabhi; Aminadhabhi akabereka Naasoni; Naasoni akabereka Sarimoni;
5
Sarimoni akabereka Bhowazi kunaRahabhi, Bhowazi akabereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi akabereka Jese;
6
Jese akabereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo akabereka Soromoni ku\add mukadzi\add* \add waiva\add* waUria;
7
Soromoni akabereka Robhoami; Robhoami akabereka Abhiya; Abhiya akabereka Asa;
8
Asa akabereka Josafati; Josafati akabereka Joramu; Joramu akabereka Oziasi;
9
Oziasi akabereka Jotamu; Jotamu akabereka Akazi; Akazi akabereka Hezekia;
10
Hezekia akabereka Manase; Manase akabereka Amoni; Amoni akabereka Josiya;
11
Josiya akabereka Jekonia navana vamai vake nenguva yavakatapirwa kuBhabhironi.
12
Zvino shure kokutapirwa kuBhabhironi, Jekonia akabereka Saratieri; Saratieri akabereka Zerubhabheri;
13
Zerubhabheri akabereka Abhiudhi; Abhiudhi akabereka Eriakimi; Eriakimi akabereka Azori;
14
Azori akabereka Sadhoki; Sadhoki akabereka Akimu; Akimi akabereka Eriyudhi;
15
Eriyudhi akabereka Eriazari; Eriazari akabereka Matan; Matani akabereka Jakobho;
16
Jakobho akabereka Josefa murume waMaria, unova ndiye wakazvara Jesu, unonzi Kristu.
17
Naizvozvo mazera ose kubva kunaAbhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi mazera anegumi namana, kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapirwa kuBhabhironi, mazera anegumi namana, kubva pakutapirwa kuBhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu, mazera anegumi namana.
18
Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai; apo mai vake Maria, wakati atsidzirana kuwanana naJosefa, vasati vasangana, wakavonekwa ava nemimba noMweya Mutsvene.
19
Zvino Josefa murume wake zvaakanga ari wakarurama, asingadi kumufumura, wakafunga kumuramba muchivande.
20
Asi zvino wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waShe akavonekwa kwaari pakurota achiti: Josefa mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako, nokuti icho chakaberekwa maari ndecheMweya Mutsvene.
21
Iye uchabereka Mwanakomana, uye uchatumidza zita rake \add kuti\add* Jesu, nokuti uchaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.
22
Zvino zvose izvozvi zvakaitwa kuti zvizadziswe zvakarehwa naShe, nomuporofita achiti:
23
Tarira, mhandara ichava nemimba, ichazvara Mwanakomana, vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari unesu.
24
Zvino Josefa amuka pahope akaita sezvaakarairwa nomutumwa waShe, akazvitorera mukadzi wake;
25
asi haana kumuziva kusvikira azvara mwanakomana wake wedangwe, akatumidza zita rake \add kuti\add* Jesu.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28