bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 24
Matthew 24
Shona 2009?
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 25 →
1
Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake vakavuya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetembere.
2
Jesu akati kwavari: Hamuvoni zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungazosiiwi ibwe rimwe pamusoro pebwe risingazowisirwi pasi.
3
Wakati agara pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakavuya kwaari pachivande vakati: Tivudzei, izvozvo zvichagova rinhiko? Nechiratidzo chokuvuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?
4
Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu;
5
nokuti vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti: Ndini Kristu; vachitsausa vazhinji.
6
Zvino muchanzwa zvehondo neguhu rehondo chenjerai musamanikidzwa nokuti zvose zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika.
7
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, noushe \add hwuchamukira\add* ushe, uye kuchava nenzara, nehosha, nokudengenyika kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana.
8
Asi zvose izvozvi kutanga kwenhamo.
9
Zvino vachakukumikidzai kumatambudziko, vachakuvurayai; muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.
10
Zvino vazhinji vachagumburwa, vachatengesana, nokuvengana.
11
Vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji.
12
Nokuti kusarurama kuchawanda, rudo rwavazhinji ruchatonhora.
13
Asi unotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye uchaponeswa.
14
evhangeri iyi youshe ichaparidzwa munyika dzose chive chapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.
15
Naizvozvo kana muchivona nyangadzi yokuparadza yakarehwa nomuporofita Dhanyeri imire panzvimbo tsvene (unorava ngaacherekedze).
16
Zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
17
uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make;
18
nouri kumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo dzake.
19
Vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo!
20
Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando, kana nesabata.
21
Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipozve.
22
Dai mazuva iwayo asaitapudzwa, hakuna nyama yairarama, asi nokuda kwavasanangurwa, mazuva iwayo achatapudzwa.
23
Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano kana apo, musatenda.
24
Nokuti kuchamuka vanaKristu venhema navaporofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvishamiso, kuti kana zvichibvira, vatsause navasanagurwavo.
25
Tarirai, ndagara ndakuvudzai.
26
Zvino kana vakati kwamuri: Tarirai, uri kurenje, musabuda; tarirai uri mudzimba dzomukati, musatenda.
27
Nokuti semheni inobva kumabvazuva ichipenyavo kumavirira, ndizvo zvichaita kuvuya koMwanakonana womunhu.
28
Apo pane chitunha ndipo pachavunganira magora.
29
Pakarepo shure kokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, nomwedzi hauchazopi chiedza chawo. Nyeredzi dzichawa kudenga namasimba okudenga achazungunuswa.
30
Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichavonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema achivona Mwanakomana womunhu achivuya pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
31
Uchatuma vatumwa vake nekurira kwehwamanda kukuru, vachavunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina kubva kumuganhu mumwe wedenga kusvikira kunomumwe muganhu.
32
Asi dzidzai mufananidzo womuvonde; Kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti munakamwe w\add ava\add* pedo.
33
Saizvozvo nemwivo kana movona izvozvo zvose, zivai kuti wava pedo pamukova.
34
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongo-pfuvuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika.
35
Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri.
36
Asi kana riri zuva iro nenguva iyo hakuna unozviziva, kunyangwe vatumwa vokudenga, asi Baba vangu voga.
37
Asi sapamazuva aNowa ndizvo zvichaitavo kuvuya koMwanakomana womunhu.
38
Nokuti sepamazuva mafashame asati asvika, vaidya nokumwa, nokuwana, nokuwaniswa kusvikira zuva Nowa raakapinda naro muareka.
39
Vasingazivi kusvikira mvura zhinji yavabvisa vose, ndozvichaita kuvuya koMwanakomana womunhu.
40
Ipapo vaviri vachava mumunda; mumwe uchatorwa mumwe akasiyiwa.
41
Vaviri vachakuya paguyo rimwe; mumwe uchatorwa mumwe akasiyiwa.
42
Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaanovuya nayo.
43
Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nguva ichasvika mbavha ungadai airinda akasatendera imba yake kuti ipazwe.
44
Naizvozvo nemwivo garai makazvigadzirira; nokuti nenguva yamusingafungiri, Mwanakomana womunhu uchavuya.
45
Ndianiko muranda wakatendeka, wakangwara, wakagadzwa nashe wake kuti ave mutariri weimba yake kuti avape zvokudya nenguva yakafanira?
46
Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo.
47
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Uchamugadza pamusoro pezvose zvaanazvo.
48
Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuvuya.
49
Akatanga kurova vamwe varanda \add vanobata\add* pamwe chete naye, akadya nokumwa nezvidhakwa.
50
Ishe womuranda uyo uchasvika nezuva raasingatariri nenguva yaasingazivi,
51
akamugura napakati, akamupa mugove wake pamwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28