bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 22
Matthew 22
Shona 2009?
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 23 →
1
Zvino Jesu wakapindura, akataurazve navo nemifananidzo, akati:
2
Ushe hwokudenga hwakafananidzwa nomumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wokuwana;
3
akatuma varanda vake kundodana avo vakanga vakokwa kumutambo wokuwana, vakaramba kuvuya.
4
Akatumazve vamwe varanda, akati: Vudzai vakakokerwa \add muti\add*: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu, nzombe dzangu nezvakakora zvabayiwa, zvinhu zvose zvagadzirwa; vuyai kumutambo wokuwana.
5
Asi havana kuzviisa mufungwa, vakaenda, mumwe kumunda wake, mumwe kukutengeserana kwake;
6
vakasara vakabata varanda vake, vaka\add va\add*itira zvakaipa, vakavavuraya.
7
Zvino mambo wakati a\add zvi\add*nzwa, wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza vavurayi avo, akapisa guta ravo.
8
Zvino akati kuvaranda vake: Mutambo wokuwana wakagadzirwa, asi vakanga vakokwa vakanga vasina kufanirwa.
9
Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo wokuwana vose vamunowana.
10
Varanda ivavo vakabudira kunzira, vakavunganidza vose vavakawana, vakaipa navakanaka; imba yokuwana ikazara navagere pakudya.
11
Zvino mambo wakati achipinda kuzovona vakokwa, akavona munhu usina kupfeka nguvo yomutambo wokuwana;
12
akati kwaari: Shamwari, wapinda pano seiko, usinenguvo yomutambo wokuwana? Akashaya romuromo.
13
Zvino mambo akati kuvaranda: Musungei makumbo namavoko, mumutore, mumukandire kurima rokunze; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
14
Nokuti vazhinji vakadamwa, asi vakasanangurwa vashoma.
15
Zvino vaFarisi vakaenda kundorangana kuti vangamubata sei pakutaura.
16
Vakatuma kwaari vadzidzi vavo navaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechchokwadi, munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, musingarangariri zvomunhu, nokuti hamutariri chimiro chomunhu.
17
Naizvozvo tivudzei, Imwi munofungei? Zvinotenderwa kuripira Kesari mutero here kana kwete?
18
Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzireiko, imwi vanyengeri?
19
Ndiratidzei mari yomutero. Vakamuvigira dhenari.*
20
Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu nechinyorwa ichi ndezvani?
21
Vakati kwaari: ZvaKesari. Akati kwavari: Naizvozvo, ipai Kesari zvinhu zvaKesari, naMwari zvinhu zvaMwari.
22
Vakati vanzwa vakashamiswa, vakamusiya, vakaenda.
23
Nezuva iroro vaSajusi vakasvika kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza,
24
vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakati, kana munhu akafa asina vana, munun'una wake ngaawane mukadzi wake, agomutsira mukoma wake vana.
25
Takanga tine vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa asina vana, akasiyira munun'una wake mukadzi wake;
26
Saizvozvovo wechipiri, nowechitatu, kusvikira kunowechinomwe.
27
Pakupedzisira mukadzi akafavo.
28
Zvino pakumuka kwavakafa, uchava mukadzi waaniko pavanomwe, nokuti vose vaiva naye.
29
Jesu akapindura, akati kwavari: Marashika, nokusaziva magwaro, kana simba raMwari;
30
nokuti pakumuka kwavakafa havawani, kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa vaMwari kudenga.
31
Asi maererano nokumuka kwavakafa, hamuna kurava here zvakataurwa kwamuri naMwari, achiti:
32
Ini ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Mwari haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu.
33
Zvino chaunga chichinzwa izvozvo, chakashamiswa nedzidziso yake.
34
VaFarisi vakati vachinzwa kuti wapwisa vaSajusi, vakavungana pamwe chete.
35
Zvino mumwe wavo, nyanzvi yomutemo, yakamubvunza, ichimuidza, ikati:
36
Mudzidzisi, ndoupiko murairo mukuru pamirairo?
37
Jesu akati kwaari: Ida Ishe Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nefungwa dzako dzose.
38
Ndiwo murairo wokutanga uye mukuru.
39
Wechipiri unofanana nawo, \add ndiwoyu\add*: Ida muvakidzani wako se\add zvaunozvida\add* iwe.
40
Murairo wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri.
41
Zvino vaFarisi vachakavungana pamwechete, Jesu akavabvunza,
42
akati: Munofungeiko pamusoro paKristu? Mwanakomana waaniko? Vakati kwaari: WaDhavhidhi,
43
Akati kwavari: Dhavhidhi wakagomudana seiko muMweya \add kuti\add* Ishe, achiti:
44
Ishe wakati kunaShe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?
45
Zvino, kana Dhavhidhi achimuti Ishe, ungagova mwanakomana wake seiko?
46
Zvino kukashaikwa munhu wakagona kumupindura shoko; uye kwakanga kusinomunhu kubva pazuva iro wakatsunga kumubvunzazve.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28