bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 6
Matthew 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 7 →
1
Chenjerai kuti murege kupa varombo pamberi pavanhu, kuti muvonekwe navo; kana madaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kudenga.
2
Zvino kana muchipa varombo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomunzira dzomumisha, kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.
3
Asi iwe kana uchipa varombo, ruvoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa noruoko rwako rworudyi.
4
Kuti kupa kwako varombo kuve pakavanda; ipapo Baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo ivo pachena.
5
Zvino kana muchinyengetera, musava savanyengeri: nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumisha kuti vavonekwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vawana mubairo wavo.
6
Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yomukati; kana wazarira mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo pachena.
7
Asi kana muchinyengetera, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwikwa nokutaura kwavo kuzhinji.
8
Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshaiwa, musati mavakumbira.
9
Zvino imwi nyengeterai kudai: Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe.
10
ushe hwenyu ngahwuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika se\add zvakunoitwa\add* kudenga;
11
mutipei nhasi zvokudya zvedu zvemisi yose.
12
Mutikangamwire mhosva dzedu, sezvatinokangamwiravo vane mhosva nesu;
13
uye regai kutipinza pakuidzwa, asi mutisunungure panezvakaipa. Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba nokubwinya nokusingaperi. Ameni.
14
Nokuti kana muchikangamwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukangamwiraivo.
15
Asi kana musingakangamwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakukangamwiriivo kudarika kwenyu.
16
Uyezve kana muchitsanya, musava savanyengeri, regai kuva nechiso chinopunyaira; nokuti vanoipisa zviso zvavo, kuti vavonekwe navanhu kuti vanotsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vapiwa mubairo wavo.
17
Asi iwe kana uchitsanya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako,
18
kuti urege kuvonekwa navanhu kuti unotsanya, asi naBaba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanovona pakavanda, vachakupa mubairo pachena.
19
Regai kuzvivunganidzira fuma panyika, pane zvifusi nengura zvinovodza napane mbavha dzinopaza dzichiba;
20
asi muzvivunganidzire fuma kudenga, kusina zvifusi kana ngura zvinovodza, kusina mbavha dzinopaza dzichiba.
21
Nokuti panefuma yako, ndipo pachava nomoyo wakovo.
22
Mwenje womuviri iziso; zvino kana ziso rako rakanakisisa, muviri wako wose uchazara nechiedza.
23
Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchazara nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei!
24
Hapana munhu ungashumira vatenzi vaviri; nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe; kana uchanamatira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungabatiri Mwari naMamona*.
25
Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana muchamwei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchafukeiko? Upenyu hahwupfuvuri zvokudya here, nomuviri zvokufuka here?
26
Tarirai shiri dzokudenga, hadzidzvari, hadzikohwi, hadzivunganidziri mumatura, asi Baba venyu vokudenga vanodzirurira. Imwi hamudzipfuvuri zvikuru here?
27
Ndianiko kwamuri nokufunganya ungawedzera kubhiti* rimwe pavurefu hwake?
28
Nezvokufuka munozvifungireiko? Fungai maruva enyika, kuti anokura sei, haabati, haaruki;
29
Asi ndinoti kwamuri: Kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kose haana kushongedzwa serimwe rawo.
30
Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo vuswa hwedondo buripo nhasi, huchakandirwa muchoto mangwana, haanga\add kufukidziyi\add* nokupfuurisa imwi vokutenda kuduku here?
31
Naizvozvo musafunga, muchiti: Tichadyei? Kana: Tichamwei? Kana: Tichafukei?
32
Nokuti izvozvi zvose vahedheni vanozvitsvaka\add vo\add*, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvose.
33
Asi tangai imwi kutsvaka ushe bwaMwari, nokururama kwake, zvino izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
34
Naizvozvo musafunganya nezvamangwana, nokuti mangwana achazvifungira zvawo. Zuva rakakwanirwa nezvakaipa zvaro.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28