bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 25
Matthew 25
Shona 2009?
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 26 →
1
Ipapo ushe hwokudenga hwuchafananidzwa navasikana vanegumi. Vakatora marambi avo, vakabuda kundochingamidza chikomba.
2
Zvino vashanu vavo vakanga vakachenjera, vashanu vari mapenzi.
3
Avo vakanga vari mapenzi vakatora marambi avo vakasatora mafuta pamwechete navo.
4
Asi vakanga vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo.
5
Zvino chikomba chakati chichinonoka, vakatsumwaira vose vakavata.
6
Asi pakati povusiku kwakaitwa mhere-mhere: Tarirai, chikomba chovuya, budai mundochichingamidza!
7
Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira marambi avo.
8
Mapenzi akati kunavakachenjera: Tipeiwo mamwe mafuta enyu nokuti marambi edu odzima.
9
Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi tose; endai henyu kuna vanotengesa munozvitengera.
10
Asi vakati vachienda kundotenga, chikomba chikasvika. Zvino vakanga vakazvigadzirira vakapinda nacho mumutambo wokuwana, mukova ukapfigwa.
11
Pashure kwakavuyavo vamwe vasikana, vakati: Ishe, Ishe, tizarurirei!
12
Asi akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: handikuziviyi imwi.
13
Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana nguva Mwanakomana womunhu yaanovuya nayo.
14
Nokuti zvakaita somunhu wakaenda kuneimwe nyika, akadana varanda vake, akavapa midziyo yake.
15
Akapa mumwe matarenda* mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanirana nesimba rake, pakarepo akafamba rwendo.
16
Uye wakapiwa matarenda* mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe matarenda mashanu.
17
Saizvozvovo wemaviri akawana mamwe maviri.
18
Asi wakapiwa rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yashe wake.
19
Shure kwenguva refu, ishe wavaranda ivavo akasvika, akagadzira mashoko \add emari\add* navo.
20
Wakanga apiwa matarenda* mashanu akavuya namamwe matarenda* mashanu akati: Ishe makandikumikidza matarenda* mashanu, tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda* mashanu.
21
Ishe wake akati kwaari: Waita zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka. Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.
22
Uyo wakanga apiwa matarenda* maviri akavuyavo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda* maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda* maviri pamusoro pawo.
23
Ishe wake akati kwaari: Waita zvakanaka, muranda wakanaka, wakavimbika, wakanga wakavimbika pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.
24
Asi wakanga apiwa tarenda* rimwe naiye wakavuya akati: Ishe ndakanga ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusati makadzvara, munovunganidza pamusina kukusha;
25
Zvino ndakatya, ndikanoviga tarenda* renyu muvhu; tarirai, mava nechenyu!
26
Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa unovusimbe, wakanga uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichivunganidza pandisina kukusha.
27
Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi, kuti pakusvika kwangu ndingadai ndapiwa zvangu zvawanda;
28
Naizvozvo mutorerei tarenda*, mupe kune unamatarenda* anegumi.
29
Nokuti mumwe nomumwe unazvo uchapiwa ave nezvizhinji; asi usina uchatorerwa nezvaanazvo.
30
Budisirai muranda pasina kurima rokunze, ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
31
Zvino kana Mwanakomana womunhu achivuya mukubwinya kwake, navatumwa vatsvene vose vanaye, ipapo uchagara pachigaro choushe chinobwinya.
32
Zvino pamberi pake pachavunganidzwa ndudzi dzose; uchadziparadzanisa imwe kubva kune imwe; somufudzi unoravura makwai kubva kumbudzi.
33
Uchamisa makwai kuruoko rwake rworudyi, asi mbudzi kuruboshwe.
34
Zvino Ishe uchati kuna vari kuruoko rwake rworudyi: Vuyai, imwi makaropfadzwa vaBaba vangu, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemwi kubva pakuvamba kwenyika.
35
Nokuti ndakanga ndinenzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, imwi mukandipa chokumwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira;
36
ndisina nguvo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandishanyira; ndakanga ndiri mutirongo mukavuya kwandiri.
37
Zvino vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuvonai rinhiko isu munenzara, tika\add ku\add*pai chokudya? Kana munenyota tikapa chokumwa?
38
Takakuvonai rinhiko muri mweni tikagamuchira, Kana musinenguvo tikapfekedza?
39
Takakuvonai rinhiko isu muchirwara, kana mutirongo, tikavuya kwamuri?
40
Ipao mambo uchapindura achiti kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makaitireni.
41
Ipapo uchativo kuna vari kuruoko rworuboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makatukwa, \add muende\add* kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Diaborosi navatumwa vake.
42
Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokumwa;
43
ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndisinenguvo, mukasandipfekedza; ndichirwara, nomutirongo, mukasandishanyira.
44
Ipapo naivava vachapinduravo vachiti: Ishe, takakuvonai rinhiko munenzara kana munenyota, kana muri mweni, kana musinenguvo kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushumirai?
45
Zvino uchavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusati makaitira mumwe wavaduku ava, hamuzakaitireni.
46
Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu hwusingaperi.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28