bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 5
Matthew 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 6 →
1
Zvino wakati achivona chaunga, akakwira mugomo, zvino wakati agara pasi, vadzidzi vake vakauya kwaari;
2
akashamisa muromo wake, akavadzidzisa, achiti:
3
Vakaropafadzwa varombo mumweya; nokuti ushe hwokudenga ndohwavo.
4
Vakaropafadzwa vanochema; nokuti ivo vachanyaradzwa.
5
Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti vachagara nhaka yenyika.
6
Vakaropafadzwa vanenzara nenyota yokururama; nokuti vachagutiswa.
7
Vakaropafadzwa vanengoni; nokuti ndivo vachawana ngoni.
8
Vakaropafadzwa vakachena pamoyo; nokuti ndivo vachavona Mwari.
9
Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti ndivo vachanzi vana vaMwari.
10
Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kokururama; nokuti ushe hwokudenga ndohwavo.
11
Makaropafadzwa imwi, kana vanhu vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose dziri nhema nokuda kwangu.
12
Farai mupembere kwazvo, nokuti mubairo wenyu mukuru kudenga; nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai.
13
Imwi muri munyu wenyika, asi kana munyu usingachavavi, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurashirwa kunze, utsikwe navanhu.
14
Imwi muri chiedza chenyika, guta rakateyiwa pagomo haringavanziki;
15
nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, uvhenekere vose vari mumba.
16
Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vavone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.
17
Musafunga kuti ndavuya kuzoparadza murairo, kana vaporofita; handina kuvuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa.
18
Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kusvikira denga nenyika zvichipfuvura, vara duku rimwe kana chidodzi chimwe chomurairo hazvingatongopfuvuri, kusvikira zvose zvaitika.
19
Naizvozvo ani nani unodarika mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu saizvozvo, uchanzi muduku muushe hwokudenga. Asi ani nani unoiita, akaidzidzisa saizvozvo uchanzi mukuru muushe hwokudenga;
20
nokuti ndinoti kwamuri: Kana kururama kwenyu kukasapfuvura kwavanyori nokwavaFarisi, hamungatongopindi muushe hwokudenga.
21
Makanzwa kuti zvakanzi kunevekare, Usavuraya; ani nani unovuraya uchava munjodzi yokutongwa.
22
Asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani unotsamwira mumwe wake pasina mhaka, uchapara mhosva ingatongwa; nounoti kuhama yake: Dununu! uchava munjodzi yamakurukota, unoti benzi uchava munjodzi yegehena remoto.
23
Naizvozvo kana iwe uchivuya nechipo chako kuaritari, ipapo ukarangarira kuti mumwe wako une mhosva newe,
24
siya ipapo chipo chako pamberi pearitari, uende umbondotanga wayanana nemumwe wako, ugozovuya wopa chipo chako.
25
Tenderana nomudzivisi wako nokukurumidza, uchiri munzira naye, kuti mudzivisi arege kukukumikidza kumutongi, mutongi kukukumikidza kumutariri, ukakandirwa mutirongo.
26
Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, usati waripa kamari kokupedzisira
27
Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usaita upombwe.
28
Asi ini ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unotarisa mukadzi achimuchiva, watoita upombwe naye nechekare mumoyo make.
29
Zvino kana ziso rako rorudyi richikugumbusa, uridzure urashire kure newe; nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako umwe ufe pane kuti muviri wako wose ukandirwe mugehena.
30
Zvino kana ruvoko rwako rworudyi ruchikugumbusa, ugure, ururashire kure newe nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako umwe ufe, pane kuti muviri wako wose ukandirwe mugehena.
31
Zvakanzivo: Aninani unoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwokurambana;
32
Asi ini ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unoramba mukadzi wake, asi \add bedzi\add* nemhosva youpombwe, unomuitisa upombwe, uye aninani unowana wakarambwa unoita upombwe.
33
Uyezve imwi makanzwavo kuti zvakanzi kunavekare, usapika nhema, asi uripire Ishe zvawakapikira.
34
Asi ini ndinoti kwamuri: Musatongopika; kana nedenga nokuti ndicho chigaro chaMwari choushe;
35
kana nenyika, nokuti ndicho chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo mukuru;
36
usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kuita ruvhudzi rumwe kuti ruve ruchena kana rutema.
37
Asi kutaura kwenyu ngakuve, hongu, hongu, kwete, kwete; zvinopfuvura izvozvi zvinobva kune wakaipa,
38
Makanzwa kuti zvakanzi, ziso \add rinotsihwa\add* neziso, zino nezino.
39
Asi ini ndinoti kwamuri: Musapikisa wakaipa; asi aninani unokurova padama rako rorudyi, umurinzire rimwevo.
40
Kana munhu achida kukukumikidza kumutemo, kuti akutorere shati yako, umutendere nejazi rakovo.
41
Aninani unokumanikidza kuenda newe maira imwe uende naye mbiri.
42
Ipa unokumbira kwauri, usafuratira unoda kukwereta kwauri.
43
Makanzwa kuti zvakanzi: Ude wokwako, uvenge muvengi wako;
44
Asi ini ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai, itirai zvakanaka vanokuvengai, munyengeterere vanokushandisai zvakaipa vachikutambudzai.
45
Kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kudenga, nokuti vanobudisira zuva ravo kune vakaipa navakanaka, nemvura vanoitumira vakarurama navasakarurama.
46
Nokuti kana muchida vanokudai, munomubairo weiko? vateresi havaiti saizvozvovo here?
47
Kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, munopfuvura \add vamwe\add* neiko? Ko navateresi havaiti saizvozvovo here?
48
Naizvozvo muve vakakwana saBaba venyu vari kudenga vakakwana.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28