bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 23
Matthew 23
Shona 2009?
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 24 →
1
Zvino Jesu wakataura kuchaunga navadzidzi vake,
2
akati: Vanyori navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi;
3
saka zvose zvavanokuvudzai kuti muzvichengete, muzvichengete nokuzviita, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti.
4
Vanosunga mitoro inorema, inorwadza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo havadi kuibata nemimwe yavo.
5
Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vavonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera* avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo,
6
vanofarira zvigaro zvapamusoro pamabiko, nezvigaro zvikuru mumasinagoge,
7
nokukwaziswa pamisika, nokuidzwa mudzidzisi, mudzidzisi navanhu.
8
Asi imwi musaidzwa mudzidzisi, nokuti Mudzidzisi wenyu ndomumwe, Kristi; imwi mose muri hama.
9
Musaidza uri panyika baba venyu; nokuti mumwe chete ndiBaba venyu, ivo vari kudenga.
10
Musaidzwavo vatenzi; nokuti mumwe chete ndiTenzi wenyu, \add iye\add* Kristu.
11
Asi mukuru pakati penyu uchava muranda wenyu.
12
Aninani unozvikudza uchaninipiswa; ani nani unozvininipisa, uchakudzwa.
13
Asi Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwokudenga; nokuti imwi hamupindi, naivo, vanopinda, hamuvatenderi kupinda.
14
Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFarisi, vanyengeri, nokuti munoparadza dzimba dzechirikadzi muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchatongerwa kurashiwa nokupfuvurisa.
15
Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFaisi, vanyengeri, nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzoita mumwe ave muJudha; kana awanikwa, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri.
16
Vurombo kwamuri, imwi vatungamiriri vakapofumara, munoti: Ani nani unopika netembere, hachizi chinhu asi ani nani unopika nendarama yetembere, ndiye unemhosva.
17
Imwi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, ndarama kana tembere, inoita ndarama ive tsvene?
18
Uyezve; aninani unopika nearitari, hachizi chinhu; asi aninani unopika nechipo chiri pamusoro payo, ndiye unemhosva.
19
Mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, chipo kana aritari, inoita chipo chive chitsvene?
20
Naizvozvo, unopika nearitari, unopika nayo nezvose zviri pamusoro payo.
21
Nounopika netembere, unopika nayo, nounogara mairi,
22
Nounopika nokudenga, unopika nechigaro choushe chaMwari, nounogara pamusoro pacho.
23
Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopa chegumi cheminte*, neanise*, nekumini*, muchirega zvikuru zvomurairo \add zvinoti\add*: Kutonga, nengoni, nokutendeka; maifanira kuzviita izvi nokusarega kuita zvimwe.
24
imwi vatungamiriri vakapofumara, munomimina rutunga, muchimedza kamera.
25
Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze komukombe nendiro, asi mukati muzere nokupamba nokusazvidzora.
26
MuFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenavo.
27
Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anovonekwa saakanaka zvirokwazvo kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa a\add va\add*kafa netsvina yose.
28
Saizvozvo nemwivo munovonekwa navanhu kunze kwenyu makaita semakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa.
29
Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFarisi vanyengeri! Nokuti munovaka marinda avaporofita, nokushongedza marinda avakarurama,
30
muchiti: Dai taivapo pamazuva amadzibaba edu, tingadai tisina kuvabatsira paropa ravaporofita.
31
Saka munozvipupurira kuti muri vanakomana vavakavuraya vaporofita.
32
Zvino chizadzisai chiyero chamadzibaba enyu,
33
\add Imwi\add* nyoka; vana venyoka, muchatiza seiko kutonga kwegehena?
34
Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchavuraya \add vamwe\add* vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa \add vamwe\add* vavo mumasinagoge enyu, nokuvatambudza mumaguta ose.
35
Kuti ropa rose ravakarurama, rakatevurirwa panyika, riuye pamusoro penyu, kubva paropa raAberi wakanga akarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBarakia, wamakavuraya pakati petembere nearitari.
36
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvose zvichavuya pamusoro porudzi urwu.
37
Jerusarema! Jerusarema! Iwe unovuraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuvunganidza vana vako pamwechete, semhambo inovunganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro, asi mukaramba!
38
Tarirai, masiirwa imba yenyu rava dongo.
39
Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva zvino hamuchazondivoni, kusvikira muchiti: Wakaropafadzwa iye unovuya nezita raShe.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28