bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 16
Matthew 16
Shona 2009?
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 17 →
1
VaFarisi navaSajusi vakati vavuya vachiidza; vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga.
2
Asi wakapindura akati kwavari: Kana ava madekwana munoti: Kunze kwakanaka nokuti denga rakatsvuka.
3
Mangwanani \add munoti\add*: Nhasi kunze kwakaipa; nokuti denga rakatsvuka richikwidibira. Haiwa vanyengeri, munoziva kuparadzanisa mamiriro edenga, asi hamugoni \add kuparadzanisa\add* zviratidzo zvenguva.
4
Rudzi rwakaipa runofeva, runotsvaka chiratidzo, asi hapana chiratidzo chingapiwa kwarwuri, asi chiratidzo chomuporofita Jona. Ipapo akavasiya, akaenda.
5
Zvino vadzidzi vakati vaenda mhiri, vakakangamwa kutora zvingwa.
6
Zvino Jesu akati kwavari: Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisi navaSajusi.
7
Vakarangana pakati pavo vachiti: \add Unodaro\add* nokuti hatina kutora chingwa.
8
Zvino Jesu achizviziva akati kwavari: Haiwa, imwi vokutenda kuduku, munorangana pakati penyu nemhaka yeiko nezvokusatora zvingwa?
9
Hamunzwisisi nazvino here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvavanezvuru zvishanu, uye matengu mangani amakawana?
10
Kana zvingwa zvinomwe zvavanezvuru zvina, uye matengu mangani amakavunganidza?
11
Hamunzwisisi neiko, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa kuti muchenjere mbiriso yavaFarisi navaSajusi?
12
Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa asi dzidziso yavaFarisi navaSajusi.
13
Jesu wakati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake, akati: Vanhu vanoti ini Mwanakomana womunhu ndini aniko?
14
Vakati: Vamwe \add vanoti\add* Johwani Mubhabhatidzi, vamwe Eria, vamwevo Jeremiya, kana mumwe wavaporofita.
15
Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani?
16
Ipapo Simoni Petro akapindura akati: Ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.
17
Jesu akapindura akati kwaari: Wakaropafadzwa iwe, Simoni mwanakomana waJona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzarurira \add izvozvo\add*, asi Baba vangu vari kudenga.
18
Nenivo ndinoti kwauri: Ndiwe Petro, zvino pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuvo ehedhesi* haangaikundi.
19
Zvino ndichapawo kwauri kiyi dzoushe hwokudenga; chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kudenga; nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.
20
Ipapo akarairisa vadzidzi vake kuti varege kuvudza munhu kuti ndiye Jesu unova Kristu.
21
Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza vadzidzi vake kuti unofanira kuenda sei Jerusarema, uye kutambudzwa zvizhinji navakuru, navaprista vakuru navanyori, nokuvurawa nokumutswazve nezuva retatu.
22
Petro akamutora parutivi, akatanga kumutsiura akati: Ngazvirege kuva kwamuri, Ishe; izvi hazvingaitiki kwamuri.
23
Asi wakatendeuka akati kuna Petro: Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.
24
Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake: Kana aninani achida kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
25
Nokuti aninani unoda kuponesa upenyu hwake ucharashikirwa nahwo; asi ani nani unorashikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana.
26
Nokuti munhu unomubairo weiko kana akawana nyika yose, akarashikirwa nomweya wake? kana munhu ucharipeiko kuti adzikunure mweya wake?
27
Nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya nokubwinya kwaBaba vake navatumwa vake, ipapo uchapa mubairo mumwe nomumwe zvichienderana namabasa ake.
28
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kuna vamire pano, vasingazoraviri rufu kusvikira vavona Mwanakomana womunhu achivuya muushe hwake.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28