bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 2
Matthew 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 3 →
1
Zvino Jesu wakati aberekwa muBhetirehemu reJudhiya, pamazuva aHerodhe mambo, tarira, kwakauya vachenjeri vachibva mabvazuva kuJerusarema,
2
vachiti: Uripiko iye wakazvarwa Mambo wavaJudha? Nokuti tavona nyeredzi yake kumabvazuva, tavuya kuzomunamata.
3
Zvino Herodhe mambo wakati anzwa, akatambudzika, neJerusarema rose naye.
4
Zvino wakati avunganidza vaprista vakuru vose navanyori vavanhu, akavabvunza kunofanira kuzvarirwa Kristu.
5
Zvino vakati kwaari: MuBhetirehemu reJudhiya; nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita \add zvichinzi\add*:
6
Newe Bhetirehemu, nyika yaJudha, hauzi mudukusa kuvabati vaJudha; nokuti kwauri kuchabuda mutongi, uchafudza vanhu vangu vaIsraeri.
7
Zvino Herodhe, wakati adana vachenjeri muchivande, akabvunzisisa kwavari nguva yakavonekwa nyeredzi nayo.
8
Akavatuma Bhetirehemu, akati: Endai munyatso-bvunzisisa zvomwana; kana ma\add mu\add*wana munditumirevo shokozve, kuti ndiuye kuzomunamatavo.
9
Vakati vanzwa mambo, vakabva; zvino tarira, nyeredzi yavakavona kumabvazuva yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro pepakanga panomwana.
10
Vakati vavona nyeredzi vakafara nomufaro mukuru kwazvo.
11
Vakati vapinda mumba, vakavona mwana naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata; zvino vakati vasunungura fuma yavo, vakamupa zvipo; ndarama, nezvipfungaidzo zvinonhuwira nemura.
12
Vakati vanyeverwa naMwari pakurota, kuti varege kudzokera kuna Herodhe, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.
13
Vakati vaenda, tarira, mutumwa waShe wakavonekwa kunaJosefa pakurota, achiti: Muka utore mwana namai vake, utizire Ijipiti, ugareko kusvikira ndichikutumira shoko; nokuti Herodhe uchatsvaka mwana kuti amuparadze.
14
Wakati amuka, akatora mwana namai vake vusiku, akabva akaenda Ijipiti;
15
akavako kusvikira pakufa kwaHerodhe: kuti zvizadzisike zvakarehwa naShe nomuporofita, achiti: Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.
16
Zvino Herodhe, wakati avona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa zvikurusa, akatuma, akaponda vanakomana vose vaiva muBhetirehemu napamigumo yayo yose, vaiva namakore maviri zvichiburuka, iri nguva yaakanga abvunzisisa kuvachenjeri.
17
Zvino zvakazadzisika zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti:
18
MuRama rakanzwika inzwi, kuungudza nokuchema nokurira kukuru, Rakeri achichema vana vake, asinganyaradziki, nokuti hava\add chi\add*po.
19
Asi Herodhe wakati afa, tarira, mutumwa waShe akavonekwa pakurota naJosefa muIjipiti,
20
achiti: Simuka, tora mwana muduku namai vake, uende kunyika yavaIsraeri; nokuti vakafa, avo vaitsaka upenyu hwomwana.
21
Akasimuka ndokutora mwana muduku namai vake akasvika kunyika yavaIsraeri.
22
Asi wakati achinzwa kuti Akerawo unotonga muJudhiya panzvimbo yababa vake Herodhe, akatya kuendako, asi akanyeverwa naMwari pakurota, akatendevukira kumativi eGariri.
23
Akasvika akandogara muguta rinonzi Nazareta, kuti zvizadziswe zvakarehwa navaporofita, \add kuti\add*: Uchanzi muNazareta.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28