bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 7
Matthew 7
Shona 2009?
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 8 →
1
Musatonga, kuti imwi murege kutongwa,
2
nokuti nokutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako; nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwa nachovo.
3
Unotaririreiko rubanzu ruri muziso reumwe wako, asi usingarangariri danda riri muziso rako?
4
Kana ungataura seiko kuneumwe wako uchiti: Rega ndivhomore rubanzu muziso rako, asi tarira danda riri muziso rako?
5
Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda muziso rako, ugovona kwazvo kubvisa rubanzu muziso reumwe wako.
6
Musapa zvitsvene kumbwa, kana kukandira maparera* enyu pamberi penguruve, kuti dzirege kumatsika netsoka dzadzo, dzikatendevuka dzikakubvamburai.
7
Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
8
Nokuti mumwe nomumwe unokumbira unogamuchira, nounotsvaka unowana, nounogogodza unozarurirwa.
9
Kana ndoupiko munhu kwamuri, kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, unomupa ibwe?
10
Kana akakumbira hove, unomupa nyoka here?
11
Zvino kana imwi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuvurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanomukumbira?
12
Saka pazvinhu zvose zvipi nezvipi zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitirevo ivo saizvozvo nokuti uyu ndiwo murairo navaporofita.
13
Pindai nesuvo rakamanikana, nokuti suvo rakafara nenzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa, vazhinji vanopinda naro.
14
Nokuti suvo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.
15
Asi chenjerai vaporofita venhema, vanovuya kwamuri nenguvo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza.
16
Muchavaziva nezvibereko zvavo; Vanhu vanombotanha mazambiringa pamhinzwa here, kana mavonde parukato?
17
Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa;
18
muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa nomuti wakaipa haubereki zvibereko zvakanaka.
19
Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa wokandirwa mumoto.
20
Naizvozvo muchavaziva nezvibereko zvavo.
21
Havazi vose vanoti kwandiri: Ishe, Ishe, vachapinda muushe hwokudenga; asi uyo unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.
22
Vazhinji vachati kwandiri pazuva iro, Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here? nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu? nokuita mabasa anoshamisa mazhinji muzita renyu?
23
Zvino ndichavapupurira \add ndichiti\add*: Handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri imwi vaiti vezvakaipa.
24
Naizvozvo mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akaaita, ndichamufananidza nomurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware.
25
Mvura ikaturuka, mafashame akavuya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova paimba, iyo ikasawa; nokuti yakanga yakateyiwa paruware.
26
Zvino mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akasaaita, uchafananidzwa nomurume benzi, wakavaka imba yake pajecha;
27
mvura ikaturuka, mafashame akavuya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.
28
Jesu wakati apedza mashoko iwawa, vanhu vazhinji vakashamiswa nedzidziso yake.
29
Nokuti wakavadzidzisa sounesimba, asingaiti savanyori.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28