bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 4
Matthew 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 5 →
1
Zvino Jesu wakatungamirirwa noMweya kurenje kunoidzwa naDhiabhorosi.
2
Wakati atsanya mazuva anamakumi mana novusiku makumi mana, akanzwa nzara.
3
Zvino muidzi wakati avuya kwaari, akati: Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti matombo awa aitwe zvingwa.
4
Asi wakapindura akati: Kwakanyorwa \add kuchinzi\add*: Munhu haangararami nechingwa chete, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.
5
Zvino Dhiabhorosi akamutora akakwira naye muguta dzvene, akamuisa pachiruvu chetembere,
6
akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, uzvikandire pasi, nokuti kwakanyorwa \add kuchinzi\add*: Iye ucharaira vatumwa vake pamusoro pako: pamavoko avo vachakutakura, kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.
7
Jesu akati kwaari: Kwakanyorwavo, usaidza Ishe Mwari wako.
8
Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refusa, akamuratidza ushe hwose hwenyika, nokubwinya kwahwo.
9
Akati kwaari: Izvi zvose ndichapa kwauri kana ukawira pasi ukandinamata.
10
Ipapo Jesu akati kwaari: Ibvapo Satani nokuti kwakanyorwa \add kuchinzi\add*: Uchamata Ishe Mwari wako, umushumire Iye woga.
11
Ipapo Dhiabhorosi akamurega; zvino tarira vatumwa vakavuya vakamushumira.
12
Zvino Jesu wakati anzwa kuti Johwani wakandirwa mutirongo, akaenda Gariri.
13
Zvino wakabva Nazareta, akasvika akandogara muKapenaumi riri pamahombekombe egungwa, pamiganhu yeZebhuroni neNafitarimi,
14
kuti zvizadzisike zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:
15
Nyika yeZebhuroni nenyika yeNefitarimi, \add pa\add*nzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Gariri ravahedheni.
16
Vanhu vakanga vagere murima vakavona chiedza chikuru; navakanga vagere panharaunda nomumumvuri worufu, chiedza chakavabudira.
17
Kubva panguva iyoyo Jesu wakatanga kuparidza, nokuti: Tendevukai nokuti ushe hwokudenga hwaswedera.
18
Zvino Jesu, \add wakati\add* achifamba pagungwa reGariri, akavona vana vomunhu mumwe vaviri, Simoni unonzi Petro naAndiriya munun'una wake vachikandira mimbure mugungwa nokuti vakanga vari varedzi.
19
Akati kwavari: Nditeverei, ndigokuitai varedzi vavanhu.
20
Pakarepo vakasiya mimbure vakamutevera.
21
Zvino wakati apfuvurira mberi akavona vamwe vaviri vana vemunhu umwe muchikepe, Jakobho mwanakomana waZebhedhi naJohwani munun'una wake vana Zebhedhi baba vavo, vachigadzira mimbure yavo, akavadana.
22
Pakarepo vakasiya chikepe nababa vavo vakamutevera.
23
Jesu akapota neGariri rose achidzidzisa mumasinagoge avo. Achiparidza evhangeri youshe, achiporesa hosha dzamarudzi ose namarwere amarudzi ose pavanhu.
24
Mukurumbira wake ukapararira kuSiria yose; vakavuyisa kwaari varwere vose, vakabatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzo, navakanga vanemweya yakaipa, navaiva nezvipusha, navakanga vakawoma mitezo; akavaporesa.
25
Zvino akateverwa \add ne\add*chaunga chevanhu, vaibva Gariri neDhekapori, neJerusarema, neJudhiya, nemhiri kwaJoridhani.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28