bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 11
Matthew 11
Shona 2009?
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 12 →
1
Zvino Jesu wakati apedza kuraira vadzidzi vake vanegumi navaviri, akabva akandodzidzisa nokuparidza pamaguta avo.
2
Zvino Johwani wakati anzwa ari mutirongo mabasa aKristu, akatuma vaviri vavadzidzi vake,
3
akati kwaari: Ko ndimwi unovuya here, kana titarisire mumwe?
4
Jesu akapindura akati kwavari: Endai mundovudza Johwani zvamunonzwa nezvamunovona:
5
Mapofu anovona, zvirema zvinofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa navarombo vanoparidzirwa evhangeri;
6
wakaropafadzwa aninani usingagumbuswi neni.
7
Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuvudza chaunga pamusoro paJohwani \add akati\add*: Makanga mabuda kurenje kunovoneiko? Rutsanga runozungunuswa nemhepo here?
8
Zvino makanga mabuda kundovoneiko? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanopfeka zvakapfava vari mudzimba dzamadzimambo.
9
Asi makanga mabuda kunooneiko? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Unopfuvura kwazvo muporofita;
10
Nokuti uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake \add zvichinzi\add*: Tarira, ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, uchakugadzirira nzira yako pamberi pako.
11
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna kumuka mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi. Asi muduku muushe hwokudenga mukuru kwaari.
12
Kubva pamazuva aJohwani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwokudenga hwunopambwa, nevapambi vanohwutora nesimba.
13
Nokuti vaporofita vose nomurairo vakaporofita kusvikira kuna Johwani;
14
kana muchida ku\add zvi\add*gamuchira, uyu ndiye Eria wakanga achizovuya.
15
Une nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.
16
Asi ndicharufananidza neiko rudzi urwu? Rwakafanana navana vagere pamisika, vanodanidzira kushamwari dzavo,
17
vachiti: Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasachema.
18
Nokuti Johwani wakavuya asingadyi kana kumwa, zvino vanoti: Unomweya wakaipa.
19
Mwanakomana womunhu wakavuya achidya, achimwa, zvino vanoti: Tarirai munhu unokara mumwi wewaini, shamwari yavateresi navatadzi. Asi njere dzinoruramiswa navana vake.
20
Zvino wakatanga kusvora maguta makanga maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendevuka, \add akati\add*:
21
Une nhamo iwe Korazini! une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti mabasa makuru akaitwa mukati menyu, dai aiitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendevuka kare vanamasaga nemadota.
22
Asi ndinoti kwamuri: Zvicharerukira Tire neSidhoni nezuva rokutongwa kupfuvuremwi.
23
Newevo Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchaburukira kuHadhesi; nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mauri akaitwa muSodhoma, ringadai richipo kusvikira zuva ranhasi.
24
Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nyore kunyika yeSodhoma nezuva rokutongwa kupfuvura iwe.
25
Nenguva iyo Jesu akapindura akati: Ndinokutendai, Baba, Ishe wokudenga napanyika, kuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera navakangwara, mukazvizarurira vacheche.
26
Hongu Baba nokuti ndizvo zvakakufadzai.
27
Zvinhu zvose zvakakumikidzwa kwandiri naBaBa vangu. Hakuna unoziva Mwanakomana asi Baba; hakuna unoziva Baba asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kuzarurira.
28
Vuyai kwandiri mose makaneta makaremerwa, zvino ndichakupai zororo.
29
Torai joko rangu \add muise\add* pamusoro penyu, mudzidze kwandiri nokuti ndiri munyoro, ndinomoyo unozvininipisa kuti muwane zororo pamweya yenyu.
30
Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu wakareruka.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28