bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 14
Matthew 14
Shona 2009?
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 15 →
1
Nenguva iyo Herodhe mumwe wavatongi vana wakanzwa mukurumbira waJesu.
2
Akati kuvaranda vake: Uyu ndiJohwani Mubhabhatidzi; wakamuka kuvakafa, saka mabasa esimba awa anobata maari.
3
Nokuti Herodhe wakanga abata Johwani akamusunga, aka\add mu\add*isa mutirongo nokuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripi munun'ina wake.
4
Nokuti Johwani akati kwaari: Hazvitenderwi kuti uve naye.
5
Zvino wakanga achida kumuvuraya, akatya chaunga, nokuti vaimutora somuporofita.
6
Asi vachichengetedza zuva rokuberekwa kwaHerodhe, mukunda waHerodhiasi akatamba pamberi pavo, akafadza Herodhe.
7
Naizvozvo wakamuvimbisa nemhiko kuti uchamupa chinhu chipi nechipi chaaizokumbira.
8
Zvino iye, wakati arairwa namai vake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
9
Mambo akashungurudzika, asi nokuda kwemhiko, uye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya, akaraira kuti apiwe.
10
Akatuma \add vanhu\add* vakandogura musoro waJohwani mutirongo.
11
Musoro wake ukavuyiwa nawo uri mundiro, ukapiwa musikana, aka\add u\add*isa kuna mai vake.
12
Vadzidzi vake vakavuya vakatora mutumbi, vakauviga, ndokuenda kundovudza Jesu.
13
Jesu wakati a\add zvi\add*nzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kurenje ari oga; zvino vanhu vakati vachinzwa vakabva kumaguta vakamutevera netsoka.
14
Zvino Jesu wakati achibuda muchikepe, akavona chaunga chikuru, akachinzwira tsitsi, akaporesa varwere vacho.
15
Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakavuya kwaari vakati: Pano inzvimbo yerenje, nguva dzaenda; regai chaunga chiyende; kuti vaende kumisha vandozvitengera zvokudya.
16
Asi Jesu wakati kwavari: Havafaniri kuenda; vapei imwi zvavangadya.
17
Asi vakati kwaari: Hatina chinhu pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri.
18
Iye akati: Vuyai nazvo vuno kwandiri.
19
Akaraira chaunga kuti chigare pasi pavuswa, akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, ndokutarira kudenga, akazviropafadza, akamedura zvingwa ndokupa vadzidzi, vadzidzi vakapa chaunga.
20
Vakadya vose, vakaguta, vakavunganidza zvimedu zvakasara, matengu azere anegumi nemaviri.
21
Vakanga vadya vaiva varume vane zvuru zvishanu vakadzi navana vasingaverengwi.
22
Pakarepo Jesu wakagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muchikepe, vamutungamirire mhiri, iye akasara achiendisa chaunga.
23
Zvino wakati aendisa chaunga, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera; madekwana akasvika aripo ari oga.
24
Asi chikepe zvino chakanga chava pakati pegungwa chichitambudzika namafungu; nokuti mhepo yakanga ichivarwisa.
25
Nenguva yechina yovusiku Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pegungwa.
26
Zvino vadzidzi vakati vachimuvona achifamba pamusoro pegungwa, vakamanikidzwa vachiti madzangaradzimu. Vakadanidzira nokutya.
27
Asi pakarepo Jesu akataura navo akati: Tsungai moyo; ndini; musatya.
28
Zvino Petro akamupindura akati: Ishe, kana murimwi ndirairei kuti ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.
29
Iye akati: Vuya. Petro akaburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura, akaenda kuna Jesu.
30
Asi wakati achivona mhepo ine simba akatya; zvino otanga kunyura, akadanidzira, achiti: Ishe, ndiponesei!
31
Pakarepo Jesu wakatandavadza ruvoko, akamubata, akati kwaari: Iwe unokutenda kuduku, unokahadzikireiko?
32
Vakati vapinda muchikepe, mhepo ikanyarara.
33
Ipapo vakanga vari muchikepe vakauya vakamunamata vachiti: Zvirokwazvo ndimwi Mwanakomana waMwari.
34
Vakati vayambukira mhiri, vakasvika panyika yeGenesareti.
35
Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva, vakatuma \add shoko\add* panyika yose iyo yakapoteredza, vakavuya kwaari navose vairwara.
36
Vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake, vose vakabata vakaporeswa zvirokwazvo.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28