bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 17
Matthew 17
Shona 2009?
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 18 →
1
Shure kwemazuva matanhatu Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohwani munun'una wake, akaenda navo mugomo refu vari voga.
2
Akashandurwa chimiro pamberi pavo, chiso chake chikapenya sezuva, nguvo dzake dzikachena sechiedza.
3
Zvino tarira, Mozisi naEria vakavonekwa kwavari, vachitaura naye.
4
Zvino Petro akapindura, akati kunaJesu: Ishe, zvakatinakira kuva pano; kana muchida, ndichavaka matumba matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMozisi rimwe raEria.
5
Wakati achataura, tarira, gore rinobwinya rakavafukidza; zvino tarirazve inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodikamwa, unondifadza kwazvo mumunzwei.
6
Vadzidzi vakati vachi\add zvi\add*nzwa, vakawa nezviso zvavo, vakatya zvikuru.
7
Asi Jesu akaswedera akavabata, akati: Simukai, musatya.
8
Vakati vachisimudza meso avo, havana kuzovona munhu, asi Jesu chete.
9
Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, akati: Musavudza munhu chiratidzo, kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.
10
Vadzidzi vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanogotaurireiko, vachiti: Eria unofanira kutanga kuvuya?
11
Jesu akapindura, akati kwavari: Eria uchatanga kuvuya zvirokwazvo, avandudze zvinhu zvose.
12
Asi ndinotaura kwamuri kuti Eria wakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira chipi nechipi chavakada; saizvozvovo Mwanakomana womunhu uchabva wotambudzwa navo.
13
Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakataura kwavari zvaJohwani Mubhabhatidzi.
14
Vakati vasvika kuchaunga, kwakavuya kwaari munhu, akamufugamira, akati:
15
Ishe, donzwirai mwanakomana wangu ngoni, nokuti unezvipusha, unotambudzika kwazvo; nokuti kazhinji unowira mumoto, kazhinji mumvura.
16
Ndakamuvuyisa kuvadzidzi venyu, vakasagona kumuporesa.
17
Jesu akapindura, akati: Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemwi kusvikira rinhiko? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhiko? Vuyai naye pano kwandiri.
18
Zvino Jesu akatsiura, mweya wakaipa ukabuda kwaari, mukomana akapora kubva panguva iyoyo.
19
Zvino vadzidzi vakavuya kunaJesu parutivi, vakati: Ko isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?
20
Jesu akati kwavari: Nemhaka yokusatenda kwenyu. Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana munokutenda kwakaita setsanga yemasitadha, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko; ringaenda; hakune chinhu chingakukundai.
21
Asi rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera nokutsanya.
22
Zvino vachigara muGariri, Jesu akati kwavari: Mwanakomana womunhu wobva wokumikidzwa mumavoko avanhu,
23
zvino vachamuvuraya, asi nezuva retatu uchamutswazve. Vakashurukirwa zvikuru.
24
Vakati vachisvika Kapenaume, vanhu vaigamuchira mutero vakavuya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haaripi muripo wetembere here?
25
Akati: Hongu. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti: Unofungeiko Simoni? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunavana aniko? Kuvanakomana vavo kana kuvaeni?
26
Peturo akati kwavari: Kuveni. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka.
27
Asi, kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa ukande chiredzo; ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana mari; uitore, uvape iyo, ive yangu neyako.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28