bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 19
Matthew 19
Shona 2009?
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 20 →
1
Zvino Jesu wakati apedza mashoko iwayo, akabva Gariri, akasvika kumiganhu yeJudhiya mhiri kweJorodhani.
2
chaunga chikamutevera, akavaporesapo.
3
VaFarisi vakavuyavo kwaari, vakamuidza, vachiti kwaari: Ko munhu unotenderwa kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?
4
Akapindura, akati kwavari: Hamuna kurava here, kuti uyo waka\add va\add*sika pakutanga wakavaita murume nomukadzi?
5
Akati: Nokuda kwaizvozvo murume uchasiya baba namai, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe.
6
Nokudaro havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngarege kuzviparadzanisa.
7
Vakati kwaari: Mozisi wakagoraireiko kupa rugwaro rwokurambana, nokumudzinga?
8
Akati kwavari: Nokuda kovukukutu hwemoyo yenyu Mozisi wakakutenderai kuramba vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro.
9
Asi ndinoti kwamuri: Ani nani unoramba mukadzi wake, kunze kwemhaka youpombwe, akawana mumwe, unoita upombwe; nounowana wakarambwa unoita upombwe.
10
Vadzidzi vake vakati kwaari: Kana zvakadaro pakati pomurume nomukadzi, hazvina kunaka kuwana.
11
Asi iye akati kwavari: Vose havagamuchiri shoko iri, asi avo vakaripiwa.
12
Nokuti dziripo ngomwa, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai; uye kune ngomwa, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda koushe hwokudenga. Unogona kugamuchira \add shoko iri\add*, ngaagamuchire.
13
Zvino vakavuya kwaari navana vaduku, kuti aise mavoko pavari, anyengetere; asi vadzidzi vakavatsiura.
14
Asi Jesu wakati: Tenderai vana vaduku, musavadzivisa kuvuya kwandiri; nokuti ushe hwokudenga ndohwavakadai.
15
Akaisa mavoko pamusoro pavo, akabvapo.
16
Zvino tarira, mumwe wakavuya akati kwaari: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipiko, kuti ndive noupenyu hwusingaperi?
17
Akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna wakanaka, asi mumwe, \add ndiye\add* Mwari. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.
18
Akati kwaari: Ipiko? Jesu akati: Usavuraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema;
19
kudza baba vako namai, ude muvakidzani wako sezvaunozvida iwe.
20
Jaya rikati kwaari: Izvozvo zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku hwangu; ndichiri kushaiweiko?
21
Jesu akati kwaari: Kana uchida kukwana, enda utengese zvaunazvo, upe varombo, ugova nefuma kudenga; ugovuya unditevere.
22
Asi jaya rakati richinzwa shoko iro, rikaenda richishungurudzika; nokuti rakanga rine midziyo mizhinji.
23
Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mufumi ucharemerwa kupinda muushe hwokudenga.
24
Ndinotizve kwamuri: Kamera ingarerukirwa kupinda paburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.
25
Vadzidzi vakati va\add zvi\add*nzwa, vakashamisika kwazvo, vakati: Ndianiko ungagona kuponeswa?
26
Asi Jesu wakatarira akati kwavari: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.
27
Zvino Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai; tichagowaneiko?
28
Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Imwi makanditevera, pakuberekwa kutsva kana Mwanakomana womunhu achizogara pachigaro choushe chokubwinya kwake, imwivo muchagara pazvigaro zvinegumi nezviviri, muchitonga marudzi anegumi namaviri aIsraeri.
29
Uye mumwe nomumwe wakasiya dzimba, kana vanun'una namadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvinezana, akagara nhaka youpenyu hwusingaperi.
30
Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira, vokutanga.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28