bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 28
Matthew 28
Shona 2009?
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
1
Nokupera kwesabata kotanga kuidza, no\add musi\add* wokutanga kwevhiki, Maria Magadarene nomumwe Maria vakavuya kuzovona hwiro.
2
Zvino tarira kukavapo kudengenyeka kwenyika kukuru, nokuti mutumwa waShe wakaburuka kubva kudenga, akavuya, akakungurusa ibwe kubva pamukova, akagara pamusoro paro.
3
Kuvonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni nezvokufuka zvake zvichena semagada echando.
4
Zvino varindi vakadedera nokutya, vakaita savakafa.
5
Zvino mutumwa akapindura akati kuvakadzi: Musatya imwi; nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakanga aroverwa.
6
Haapo pano; nokuti wakamuka sezvaakareva. Vuyai muvone pakanga pavete Ishe.
7
Kurumidzai muende mundovudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa; zvino tarirai unokutungamirirai Gariri, muchandomuvonapo; tarirai, ndakuvudzai.
8
Zvino vakakurumidza kubva pabwiro vachitya nomufaro mukuru. Vakamhanyira kunovudza vadzidzi vake.
9
Zvino vakati vachindovudza vadzidzi vake, tarira, Jesu wakasongana navo, akati: Hekanhi waro! Vakavuya vakabata tsoka dzake vakamunamata.
10
Zvino Jesu akati kwavari: Musatya; endai, mundovudza hama dzangu kuti vaende Gariri ndiko kwavachanondivona.
11
Zvino vachiri munzira, tarira, vamwe varindi vakasvika muguta, vakapira vaprista vakuru zvose zvakaitwa.
12
Vakati vavungana navakuru, vakarangana, vakapa varwi mari zhinji,
13
vachiti: Taurai muchiti, vadzidzi vake vakavuya vusiku vakamuba isu tivete.
14
Kana zvikazikamwa nomubati tichamunyengerera, Tikudzivirirei \add pamhoswa\add*
15
Zvino vakatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparidzirwa pakati pavaJudha kusvikira zuva ranhasi.
16
Zvino vadzidzi vanegumi nomumwe vakaenda Gariri, kugomo ravakarairwa naJesu;
17
vakati vachimuvona, vakamunamata; asi vamwe vakasagutsikana.
18
Ipapo Jesu wakasvika akataura kwavari, akati: Simba rose rakapiwa kwandiri kudenga napanyika.
19
Endai naizvozvo mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba nero Mwanakomana neroMweya Mutsvene;
20
Muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imwi; zvino tarirai ndinemwi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika. Ameni.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28