bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 10
Matthew 10
Shona 2009?
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 11 →
1
Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake vanegumi navaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, kuti vaibudise nokuporesa vukosha hwose novurwere hwose.
2
Zvino mazita avapositora vanegumi navaviri ndiwawa; wokutanga, Simoni, anonzi Petro, naAndiriya munun'una wake; Jakobho waZebedhi naJohwani munun'una wake;
3
Firipi, naBhatoromeo; Tomasi, naMatewu muteresi, Jakobho waArifiyo, naRabheu wainzivo Tadhiyo;
4
Simoni muKenani, naJudhasi Isikarioti uyavo wakamutengesa.
5
Ava vanegumi navaviri Jesu akavatuma, akavaraira, achiti: Musaenda munzira yavahedheni, musapinda muguta ravaSamaria;
6
asi zviri nani muende kumakwai akarashika eimba yaIsraeri.
7
Zvino kana muchifamba, muparidze muchiti: Ushe hwokudenga hwaswedera.
8
Poresai vanorwara, natsai vanamaperambudzi, mutsai vakafa, budisai mweya yakaipa: Makapiwa pachena, chipai pachena.
9
Musatora ndarama, kana sirivheri, kana ndarira muzvikwama zvenyu,
10
kana hombodo yerwendo, kana majazi maviri, kana shangu, kana tsvimbo; nokuti mubati wakafanirwa nezvokudya zvake.
11
Muguta ripi neripi kana mumusha upi noupi wamunopinda, bvunzai kuti ndiani urimo wakafanira, mugarepo, kusvikira muchibva.
12
Zvino kana muchipinda mumba, muikwazise.
13
Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo, asi kana isingafaniri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.
14
Ani nani usingakugamuchiriyi, kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana paguta iro, muzuze guruva riri patsoka dzenyu.
15
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvicharerukira nyika yeSodhoma neyeGomora nezuva rokutonga kupfuvura guta iro.
16
Tarirai ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka chenjerai senyoka mururame senjiva.
17
Asi chenjerai vanhu; nokuti vachakukumikidzai kumakurukota, uye vachakurovai zvikuru mumasinagoge avo;
18
Zvino muchaiswavo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari nokuvahedheni.
19
Asi kana vachikukumikidzai, musafunganya muchiti muchataura sei kana chinyiko; nokuti muchapiwa nenguva iyo zvamunofanira kutaura.
20
Nokuti hamuzimi munotaura asi Mweya waBaba venyu unotaura mamuri.
21
Mukoma uchaburusira munun'una kurufu, nababa mwana \add wavo\add*; vana vachamukira vabereki vavo nokuvavurayisa.
22
Uye muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi unotsungirira kusvika pakuguma, uchaponeswa.
23
Asi kana vachikutambudzai muguta iri, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamungapedzi maguta avaIsraeri, kusvikira Mwanakomana womunhu asvika.
24
Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi \add wake\add*, kana muranda pamusoro paishe wake.
25
Zvakaringana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake, nomuranda ave saShe wake. Zvavakaidza Ishe weimba \add kuti\add* Bheerizebhuri, \add vachadaro \add*zvikuru sei veimba yake?
26
Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazobvundunurwi; kana chakavanzika chisingazozikamwi.
27
Zvandinokuvudzai murima, taurai pachena, zvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pedzimba.
28
Zvino musatya vanovuraya muviri, asi vasingagoni kuvuraya mweya; asi mutye uyo unogona kuparadza zvose mweya nomuviri mugehena.
29
Ko vuvangu vuviri hahutengeswi nehafu yepeni here? Asi kamwe kahwo hakangawiri pasi kunze \add kokuda\add* kwaBaba venyu.
30
Kana muri imwi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose.
31
Naizvozvo musatya, nokuti imwi munopfuvura vuvangu vuzhinji.
32
Mumwe nomumwe uchandipupura pamberi pavanhu, naiye ndichamupupuravo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
33
Asi mumwe nomumwe unondiramba pamberi pavanhu, naiye ndichamurambavo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
34
Musafunga kuti ndakavuya kuzoisa rugare panyika; handina kuvuya kuzoisa rugare, asi munondo.
35
Nokuti ndakavuya kuzopesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake, nomurovora navamwene vake;
36
navavengi vomunhu ndeveimba yake.
37
Unoda baba kana mai kupfuvureni haana kufanireni; nounoda mwanakomana nomwanasikana kupfuvureni haana kufanireni;
38
Zvino usingatori muchinjikwa wake akanditevera, haana kufanireni.
39
Unowana upenyu hwake ucharashikirwa nahwo; asi unorashikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana.
40
Uyo unokugamuchirai unondigamuchira; nounogamuchira ini unogamuchira iye wakandituma.
41
Unogamuchira muporofita muzita romuporofita uchapiwa mubairo womuporofita; nounogamuchira munhu wakarurama muzita romunhu wakarurama uchapiwa mubairo womunhu wakarurama.
42
Uye aninani unopa mumwe wavaduku ava mukombe chete \add wemvura\add* inotonhora kuti amwe muzita romudzidzi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangatongorashikirwi nomubairo wake.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28