bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 9
Matthew 9
Shona 2009?
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 10 →
1
Zvino wakapinda muchikepe, akayambuka ndokusvika muguta rake.
2
Zvino tarira, vakavuya kwaari nomunhu wakanga akawoma mitezo, avete panhovo; zvino Jesu achivona kutenda kwavo akati kumunhu wakanga akawoma mitezo: Mwana, tsunga moyo, wakangamwirwa zvivi zvako.
3
Zvino tarira, vamwe vavanyori vakati mumoyo yavo: Uyu unomhura Mwari.
4
Asi Jesu achiziva mifungo yavo akati: Munofungireiko zvakaipa mumoyo yenyu?
5
Nokuti chinyiko chakareruka, kuti: Wakangamwirwa zvivi zvako; kana kuti: Simuka ufambe?
6
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukangamwira zvivi, (Akati kumunhu wakanga akafa mitezo): Simuka, tora nhovo yako uende kumba kwako.
7
Akasimuka, akaenda kumba kwake.
8
Vanhu vazhinji vakati vachi\add zvi\add*vona vakashamiswa, vakarumbidza Mwari, wakapa simba rakadai kuvanhu.
9
Zvino Jesu wakati achipfuvurapo, akavona munhu, wainzi Matewu agere panotereswa. Akati kwaari: Nditevere! Ipapo akasimuka, akamutevera.
10
Zvino kwakati Jesu agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji navatadzi vakavuya vakagara pakudya naye navadzidzi vake.
11
Zvino vaFarisi vachi\add zvi\add*vona, vakati kuvadzidzi vake: Mudzidzisi wenyu unodyireiko navateresi navatadzi?
12
Asi Jesu wakati anzwa, akati kwavari: Vasingarwari havatsvaki murapi asi vanorwara.
13
Asi endai mudzidze kuti zvinorevei \add kuti\add*: Ndinoda ngoni handidi chibayiro; nokuti handina kuvuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendevuka.
14
Zvino kwakavuya kwaari vadzidzi vaJohwani, vachiti: Isu navaFarisi tinotsanyireiko kazhinji asi vadzidzi venyu havatsanyi?
15
Zvino Jesu akati kwavari: Vana veimba yomuchato vangachema seiko chikomba chichiri navo? Asi mazuva achasvika, achabviswa chikomba kwavari, zvino nenguva iyo vachatsanya.
16
Hakuna munhu unoisa chigamba chitsva panguvo sharu, nokuti chigamba chinobvarura nguvo buri rikanyanya.
17
Havadirivo waini itsva muhombodo sharu nokuti hombodo dzingaputika, waini ikatevuka nehombodo dzikapararawo, Asi vanodira waini itsva muhombodo itsva zvichengetwe pamwechete
18
Wakati achivavudza zvinhu izvozvi, tarira, mumwe mubati akasvika, akamufugamira, achiti: Mukunda wangu uchangofa; asi vuyai muise ruvoko rwenyu pamusoro pake, iye uchararama.
19
Zvino Jesu akasimuka akamutevera, navadzidzi vake.
20
Zvino, tarira, mukadzi waiva novurwere hwokubuda ropa makore anegumi namaviri, wakavuya shure kwake, akabata mupendero wenguvo dzake.
21
Nokuti wakati mumoyo make: Kana ndikangobata chete nguvo yake, ndichaporeswa.
22
Asi Jesu wakatendevuka akati amuvona, akati: Mukunda, tsunga moyo, kutenda kwako kwakuponesa. Zvino mukadzi akaponeswa kubva panguva iyo.
23
Zvino Jesu wakasvika mumba momubati akavona varidzi venyere navanhu vazhinji vachiita mhere-mhere,
24
akati kwavari, Ibvai nokuti musikana haana kufa asi uvete. Vakamuseka.
25
Asi ruzhinji rwakati rwabudiswa, akapinda, akamubata ruvoko, musikana ndokumuka.
26
Mukurumbira wazvo ukabudira kunyika iyo yose.
27
Zvino Jesu wakati achipfuvurapo, mapofu maviri akamutevera, achidanidzira achiti: Mwanakomani waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!
28
Zvino wakati apinda mumba, mapofu akavuya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvi here? Akati kwaari: Hongu, Ishe.
29
Zvino wakabata meso avo achiti: Ngazviitwe kwamuri sokutenda kwenyu.
30
Zvino meso avo akasvinudzwa; Jesu akavarairisa achiti: Vonai kuti zvirege kuzikamwa nomunhu.
31
Asi ivo vakati vabuda, vakaparidzira mukurumbira wake munyika iyo yose.
32
Zvino vakati vachibuda, tarira, vakavuya kwaari nembeveve yaiva nomweya wakaipa.
33
Zvino mweya wakaipa wakati wabudiswa, mbeveve ikataura; chaunga chikashamiswa chikati: Hakuna kumbovonekwa zvakadai pakati pavaIsraeri.
34
Asi vaFarisi vakati: Unobudisa mweya yakaipa namambo wemweya yakaipa.
35
Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza evhangeri youshe, nokuporesa vukosha hwose, nevurwere hwose pakati pavanhu.
36
Asi wakati achivona chaunga \add chevanhu\add*, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, vakapararira kose samakwai asina mufudzi.
37
Zvino akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo kukohwa kukuru asi vabati vashoma;
38
naizvozvo kumbirai kunaShe wokukohwa, kuti atumire vabati pakukohwa kwake.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28