bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 8
Matthew 8
Shona 2009?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 9 →
1
Wakati aburuka mugomo, chaunga chikuru chikamutevera.
2
Zvino tarira kwakauya munhu unamaperembudzi, akamugombedzera achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.
3
Jesu akatandavadza ruvoko rwake, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa. Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.
4
Zvino Jesu akati kwaari: Vona kuti usavudza munhu asi enda unozviratidza kumuprista, ubayire chipo chakarairwa naMozisi chive chapupu kwavari.
5
Zvino Jesu wakati apinda Kapenaume, kwakauya kwaari mumwe mukuru wezana, achimukumbirisa,
6
achiti: Ishe, muranda wangu uvete kumba, murwere wakafa mutezo, unotambudzika kwazvo.
7
Zvino Jesu akati kwaari: Ndichavuya ndizomuporesa.
8
Mukuru wezana akapindura akati: Ishe, handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga \add remba\add* yangu; asi taurai henyu shoko chete, zvino muranda wangu uchapora.
9
Nokuti nenivo ndiri pasi pemasimba, ndina varwi pasi pangu; zvino ndinoti kune uyu: Enda, unoenda, nokunomumwe: Vuya, unovuya. nokumuranda wangu: Ita chichi, unoita.
10
Jesu wakati achinzwa \add izvozvo,\add* akashamiswa, akati kuna vai\add mu\add*tevera: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handina kumbowana kutenda kukuru kwakadai kunyangwe napakati paIsraeri.
11
Zvino ndinoti kwamuri: Vazhinji vachavuya vachibva kumabvazuva nokumavirira, vachagara naAbhurahamu naIsaka naJakobho, muushe hwokudenga,
12
asi vanakomana voushe vachakandirwa kurima rokunze; ipo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
13
Zvino Jesu akati kumukuru wezana, enda, uitirwe sezvawakatenda. Muranda wake akapora nenguva iyo.
14
Jesu, wakati apinda mumba maPetro, akavona mbuyawasha vake vavete vane fivhiri.
15
Akabata ruvoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari: vakasimuka vakavashandira.
16
Akati ava madekwana vakavuya kwaari navazhinji vaiva vakabatwa nemweya yakaipa; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vose vairwara;
17
kuti zvizadzisike zvakarehwa naIsaya muporofita achiti: Iye wakatora vutera \add hwedu\add*, akatakura vurwere hwedu.
18
Jesu wakati achivona chaunga chikuru chakamukomba, akaraira kuti vabve vaende mhiri.
19
Zvino mumwe munyori akavuya akati kwaari: Mudzidzisi ndichakuteverai kose kwamunoenda.
20
Zvino Jesu akati kwaari: Mhungubwe dzine mwena, neshiri dzokudenga matendere; asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamhidza musoro.
21
Mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Ishe, ndiregei nditange ndambonoviga baba vangu.
22
Asi Jesu wakati kwaari: Nditevere, urege vakafa vavige vakafa vavo.
23
Wakati apinda muchikepe, vadzidzi vake vakamutevera.
24
Zvino tarira dutu guru remhepo rakamuka mugungwa, zvokuti igwa rakanga rofukidzwa namafungu. Asi Iye wakanga avete.
25
Zvino vadzidzi vake vakavuya, vakamumutsa, vachiti: Ishe tiponesei toparara!
26
Zvino Akati kwavari: Munotyireiko, imwi vokutenda kushoma? Zvino akamuka, akaraira mitutu negungwa; Kudzikama kukuru kukavapo.
27
Vanhu vakashamiswa vachiti: Uyu munhu rudzii anoti kunyange nemitutu negungwa zvinomuteerera?
28
Wakati asvika mhiri kunyika yavaGerigesi, akasangana navaviri vaiva nemweya yakaipa, vachibuda kumarinda, vane hasha kwazvo-kwazvo zvokuti kwakanga kusina munhu wagona kupfuvura nenzira iyo.
29
Zvino tarira vakadanidzira vachiti: Tineiko nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari? Mavuya pano kuzotitambudza nguva isati yasvika here?
30
Zvino kure navo kwakanga kune boka guru renguruve dzichifura.
31
Mweya yakaipa ikamukumbirisa ichiti: Kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende tinopinda muboka renguruve.
32
Zvino akati kwairi: Endai. Zvino yakati yabuda, ikapinda muboka renguruve; zvino tarira boka rose rakamhanyira kwazvo kumateru kugungwa, rikapararira mumvura.
33
Zvino vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakataura zvose nezvakaitirwa vakanga vane mweya yakaipa.
34
Zvino tarira, guta rose rakabuda kundosangana naJesu; vakati vamuvona, vakakumbira zvikuru kwaari kuti abve pamiganhu yavo.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28