bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 21
Matthew 21
Shona 2009?
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 22 →
1
Vakati vachiswedera Jerusarema, vasvika Betefage, pagomo reMiorivhi, ipapo Jesu akatuma vadzidzi vaviri,
2
akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, inedhongwana; sunungurai, muvuyise kwandiri.
3
Kana aninani achitaura chinhu kwamuri, muchati: Ishe unozvida; pakarepo uchazvitumira,
4
Izvozvo zvakaitwa, kuti zvizadziswe zvakataurwa nomuporofita. achiti:
5
Vudzai mwanasikana weZiyoni: Tarira Mambo wako unovuya kwauri; ari munyoro, akatasva mbongoro, nedhongwana mwana wembongoro.
6
Vadzidzi vakaenda, vakaita sezvavakarairwa naJesu,
7
vakavuya nembongoro nedhongwana, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pazvo; vaka\add mu\add*gadza pamusoro pazvo.
8
Chaunga chikuru chikawarira nguvo dzacho munzira; vamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira.
9
chaunga chakanga chakamutungamirira nechakanga chichitevera chikadanidzira, chichiti: Hosana* kuMwanakomana waDavhidhi! Ngaarumbidzwe iye unovuya muzita raShe! Hosana* kumusoro-soro!
10
Wakati apinda Jerusarema, guta rose rikazungunuswa, vakati: Uyu ndianiko?
11
chaunga chikati: Uyu ndiJesu muporofita weNazareta reGariri.
12
Zvino Jesu wakapinda mutembere yaMwari, akabudisa vose vaitengesa navaitenga mutembere, akakwidibira matafura avaitsinhanha mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva.
13
Akati kwavari: Kwakanyorwa \add kuchinzi\add*: Imba yangu ichanzi imba yomunyengetero, asi imwi munoiita bako ramakororo.
14
Zvino mapofu navaikamhina vakavuya kwaari mutembere; akavaporesa.
15
Asi vaprista vakuru navanyori vakati vachivona zvinhu zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana* kuMwanakomana waDhavhidhi! Vakatsamwa zvikuru,
16
vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivava here? Jesu akati kwavari: Hongu, imwi hamuna kutongorava here, kuti: Mumuromo mavacheche navanomwa makazadza kukudza?
17
Akavasiya, akabuda muguta, akaenda Bhetaniya, ndokuvatapo.
18
Mangwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.
19
Zvino, wakati achivona muvonde panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha chete; akati kwawuri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri nokusingaperi. Muvonde ukaswava pakarepo.
20
Vadzidzi vakati vachivona, vakashamiswa, vakati: Muvonde wasvava pakarepo seiko?
21
Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nokutenda, musingakahadziki, hamungaiti izvi kumuvonde chete, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe mugungwa, zvichaitwa.
22
Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa.
23
Wakati apinda mutembere, vaprista vakuru navakuru vavanhu vakavuya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri?
24
Jesu akapindura akati kwavari: Neni ndichakuvhunzaivo shoko rimwe; kana mukandivudza iro, neni ndichakuvudzaivo kuti ndinoita izvi nesimba ripi.
25
Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabvepiko? Kudenga here kana kuvanhu? Vakataurirana vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati kwatiri: Makagoregerei kumutenda?
26
Asi kana tikati: Kuvanhu, tinotya vanhu vazhinji; nokuti vose vakatora, Johwani somuporofita.
27
Vakapindura Jesu vakati: Hatizivi, akati kwavari: Neni handingakuvudziyivo simba randinoita naro zvinhu izvi.
28
Zvino munofungeiko? Munhu waiva navanakomana vaviri; akavuya kunowokutanga, akati: Mwana, enda nhasi kundobata mumunda wangu wemizambiringa.
29
Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akatendeuka akenda.
30
Akaenda kunowechipiri akataura saizvozvo. Iye akapindura akati: Ndino\add enda\add*, Ishe; akasaenda.
31
Ndoupiko kunaivavo vaviri wakaita kuda kwababa? Vakati kwaari: Wokutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari.
32
Nokuti Johwani wakavuya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda; asi vateresi nezvifeve vakamutenda. Imwi makati muchivona izvozvo, hamuna kuzotendevuka kuti mumutende.
33
Inzwai mumwe mufananidzo. Kwaiva nomumwe, mwene weimba, wakasima munda wake wemizambiringa; akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira waini mauri, akavaka shongwe, akaupa varimi, akaenda kune imwe nyika.
34
Nguva yezvibereko yakati yaswedera, akatuma varanda vake kuvarimi kundotora zvibereko zvawo.
35
Asi varimi vakabata varanda vake, vakarova mumwe vakavuraya mumwe, vakataka mumwe namatimbo.
36
Akatumazve vamwe varanda, vazhinji kunovokutanga; vakavaitira saizvozvo.
37
Asi pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti: Vacharemekedza mwanakomana wangu.
38
Asi varimi vakati vachivona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai, ngatimuvurayeyi titore nhaka yake.
39
Zvino vakamubata vakabudisira kunze komunda wemizambiringa vakamuvuraya.
40
Naizvozvo kana mwene womunda wemizambiringa achizouya, uchaiteiko kuvarimi ivavo?.
41
Vakati kwaari: Uchaparadza zvakaipa vanhu avo vakaipa, akapa vamwe varimi munda wemizambiringa, vachazomupa zvibereko nenguva dzazvo.
42
Jesu akati kwavari: Hamuna kutongorava here pamagwaro \add panoti\add*: Ibwe rakarambwa navavaki, ndirovo rakazova musoro wekona; uku kuita kwaShe, zvinoshamisa pameso edu?
43
Naizvozvo ndinoti kwamuri: Ushe hwaMwari hwuchatorwa kubva kwamuri, hwukapiwa vanhu vanobereka zvibereko zvahwo,
44
Unowira pamusoro pebwe iri, uchavhunika; asi upi noupi warinowira richamukuya akaita vupfu.
45
Vaprista vakuru navaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti unovareva ivo.
46
Zvino vakatsvaka kumubata \add asi\add* vakatya chaunga nokuti chaimuidza muporofita.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28