bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Matthew 15
Matthew 15
Shona 2009?
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 16 →
1
Zvino vakavuya kuna Jesu, vaFarisi navanyori vachibva Jerusarema vakati:
2
Seiko vadzidzi venyu vachidarika tsika dzavakuru? Nokuti havashambi mavoko kana vachidya zvokudya?
3
Akapindura akati kwavari: Nemwivo munodarikireiko murairo waMwari nokuda kwetsika dzenyu?
4
Nokuti Mwari wakaraira akati: Kudza baba vako namai vako; nokuti unotuka baba kana mai, ngaafe rufu.
5
Asi imwi munoti: Aninani unoti kuna baba kana mai: Chipi nechipi chamungabatsirwa neni chibayiro,
6
naizvozvo haachakudzi baba vake kana mai vake; naizvozvo makashayisa murairo waMwari simba netsika dzenyu.
7
Vanyengeri, Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu achiti:
8
Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemiromo yavo, vachindikudza nemiromo; asi moyo wavo iri kure neni.
9
Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso \add dze\add*mirairo yavanhu.
10
Zvino akadanira chaunga pedo, akati kwachiri: Teererai munzwisise.
11
Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu; asi zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.
12
Zvino vadzidzi vakaswedera vakati kwaari: Munoziva kuti vaFarisi vakagumburwa vanzwa shoko iri here?
13
Asi wakapindura akati: Muti mumwe nomumwe, usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa.
14
Varegei vakadaro; mapofu anotungamirira mapofu; zvino kana bofu richitungamiraira bofu, vose achawira mugomba.
15
Petro akapindura akati kwaari: Tidudzireivo mufananidzo uyu.
16
Zvino Jesu akati: Nazvino nemwivo muchigere kunzwisisa here?
17
Hamunzwisisi here, kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvichizorashwa kunze?
18
Asi zvinhu izvo zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo; ndizvo zvinosvibisa munhu.
19
Nokuti mumoyo munobuda ndangariro dzakaipa, vumhondi, vufeve, upombwe, kuba, kupupura nhema, nokumhura Mwari.
20
Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya namavoko asati ashambwa hazvisvibisi munhu.
21
Zvino Jesu wakabvapo akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni.
22
Zvino tarira, mukadzi muKanani wakabva kumiganhu iyo akadana achiti: Ndinzwirei ngoni! Haiwa Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanasikana wangu wakabatwa zvakasimba nomweya wakaipa.
23
Asi haana kumupindura kana shoko rimwe. Ipapo vadzidzi vake vakavuya kwaari vakakumbira vachiti: Muendesei, nokuti unodanidzira shure kwedu.
24
Asi wakapindura akati: Handina kutumwa \add zvimwe\add*, asi kumakwai akarashika eimba yaIsraeri.
25
Zvino akavuya akamugombedzera akati: Ishe, dondibatsirai henyu.
26
Akapindura akati: Hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokukandira imbwanana.
27
Asi iye akati: Hongu, Ishe, kunyange nembwananavo dzinodya zvimedu zvinowa patafura yavatenzi vadzo.
28
Zvino Jesu akapindura akati kwaari: Haiwa mukadzi, kutenda kwako kukuru! ngazvive kwauri sezvaunoda. Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyoyo.
29
Jesu wakati achibva ipapo akaenda pedo negungwa reGariri; Akakwira mugomo, akagara pasi ipapo.
30
Zvino chaunga chikuru chikavuya kwaari nemhetamakumbo, namapofu nembeveve nezvirema, navamwe vazhinji vakakanda patsoka dzaJesu; akavaporesa.
31
Naizvozvo chaunga chakashamisika chichivona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvichiporeswa, nemhetamakumbo dzichifamba, namapofu achivona; vakarumbidza Mwari wavaIsraeri.
32
Zvino Jesu wakadana vadzidzi vake akati: Ndinetsitsi nechaunga, nokuti vakagara neni mazuva matatu, vasina chavakadya; handingavaindisi vasina kudya, zvimwe vangaziya panzira.
33
Vadzidzi vake vakati kwaari: Ticha\add wane\add*piko zvingwa zvakawanda zvakadaro murenje, kuti tigutise chaunga chakadai?
34
Jesu akati kwavari: Munezvingwa zvinganiko? Vakati: Zvinomwe, nehove duku shomanene.
35
Zvino akaraira chaunga kuti chigare pasi pavhu.
36
Akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akamedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi \add vakapa\add* chaunga.
37
Vakadya vose vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu manomwe azere.
38
Zvino avo vakadya vakanga vari varume vane zvuru zvina, vakadzi navana vasingaverengwi.
39
Zvino wakati aendisa chaunga, akapinda muchikepe, akasvika kumiganhu yeMagadhani.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28